Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 1

Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake

Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake

Mwari anoda kuti uve shamwari yake. Wakambofunga kuti unogona kuva shamwari yoMunhu mukuru zvikuru muchisiko chose here? Abrahamu, uyo akararama kare kare, akanzi shamwari yaMwari. (Jakobho 2:23) Vamwe vanotaurwa nezvavo muBhaibheri vakavawo noushamwari naMwari uye vakakomborerwa zvikuru. Nhasi, vanhu vanobva pasi pose vakava shamwari dzaMwari. Newewo unogona kuva shamwari yaMwari.

Kuva shamwari yaMwari kuri nani pane kuva shamwari yomunhu upi zvake. Mwari haamboodzi mwoyo shamwari dzake dzakavimbika. (Pisarema 18:25) Kuva shamwari yaMwari kuri nani pane kuva nepfuma. Mupfumi paanofa, mari yake inoenda kune vamwe. Zvisinei, avo vane ushamwari naMwari vane pfuma isina anogona kuvatorera.—Mateu 6:19.

Vamwe vanhu vangaedza kukumisa kudzidza nezvaMwari. Kunyange dzimwe dzeshamwari dzako nevemhuri yako vangaita izvozvi. (Mateu 10:36, 37) Kana vamwe vakakuseka kana vakakutyisidzira, zvibvunze kuti, ‘Ndiani wandinoda kufadza—vanhu kana kuti Mwari?’ Funga nezveizvi: Kana mumwe munhu akakuudza kuti umire kudya, unomuteerera here? Chokwadika kwete! Unoda zvokudya kuti urarame. Asi Mwari anogona kukuita kuti urarame nokusingaperi! Saka usamborega mumwe munhu achikumisa kudzidza kuti ungava sei shamwari yaMwari.—Johani 17:3.