Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 5

Shamwari dzaMwari Dzichagara muParadhiso

Shamwari dzaMwari Dzichagara muParadhiso

Paradhiso ichave isina kufanana nenyika yatiri kurarama mairi nhasi. Mwari haana kumbobvira ada kuti nyika izare nenhamo uye kusuruvara, marwadzo uye kutambura. Munguva yemberi, Mwari achaita kuti nyika ino ive paradhiso. Paradhiso ichave yakaita sei? Ngationei kuti Bhaibheri rinotii:

Vanhu vakanaka. Paradhiso ichava musha weshamwari dzaMwari. Vachaitirana zvinhu zvakanaka. Vachararama maererano nenzira dzaMwari dzakarurama.—Zvirevo 2:21.

Zvokudya zvakawanda. Muparadhiso, muchave musina nzara. Bhaibheri rinoti: “Kuchava nezviyo [kana kuti, zvokudya] zvizhinji pasi.”—Pisarema 72:16.

Dzimba dzakanaka uye basa rinonakidza. Muparadhiso yapasi, mhuri imwe neimwe ichava nomusha wayo. Munhu wose achaita basa rinounza mufaro wechokwadi.—Isaya 65:21-23.

Rugare pasi pose. Vanhu havazorwi nokufira muhondo. Shoko raMwari rinoti: “[Mwari] unogumisa kurwa.”—Pisarema 46:8, 9.

Utano hwakanaka. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Hakuna ugere [muParadhiso] uchati: ndinorwara.” (Isaya 33:24) Uyewo, hapana achave akaremara kana asingaoni kana asinganzwi kana asingagoni kutaura.—Isaya 35:5, 6.

Kupera kwemarwadzo, kusuruvara, uye rufu. Shoko raMwari rinoti: “Rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

Vanhu vakaipa vanenge vasisipo. Jehovha anovimbisa kuti: “Vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:22.

Vanhu vachadanana nokuremekedzana. Hakuzovi nokusaruramisira, kudzvinyirira, makaro, uye kuvengana. Vanhu vachave vakabatana uye vachararama maererano nenzira dzaMwari dzakarurama.—Isaya 26:9.