Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 13

Zvemashiripiti Nouroyi Zvakaipa

Zvemashiripiti Nouroyi Zvakaipa

Satani anoda kuti uite zvemashiripiti. Vakawanda vanopa zvibayiro kumadzitateguru kana kuti kumidzimu kuti vazvidzivirire pakukuvadzwa. Vanodaro nokuti vanotya masimba emunyika yomudzimu. Vanopfeka matumwa namazango. Vanonwa kana kuti kuzora pamiviri yavo “mishonga” inofungidzirwa kuti ine simba ramashiripiti. Vamwe vanhu vanoviga zvinhu mudzimba dzavo kana kuti muvhu, zvinofungidzirwa kuti zvine masimba okuchengetedza. Vamwe vanoshandisa “mishonga” yamashiripiti nokuti vanofunga kuti inoita kuti vabudirire mubhizimisi, bvunzo dzokuchikoro, kana kuti mukudanana.

Kuzvidzivirira kwakanakisisa pana Satani kuita Jehovha shamwari yako. Jehovha Mwari nengirozi dzake vane simba zvikuru kupfuura Satani namadhimoni ake. (Jakobho 2:19; Zvakazarurwa 12:9) Jehovha anoda kuratidza simba rake mukuchengeta shamwari dzake—avo vakavimbika zvakakwana kwaari.—2 Makoronike 16:9.

Shoko raMwari rinoti: “Hamufaniri kuita zvemashiripiti.” Jehovha anovenga vanoita zvemashiripiti nouroyi nokuti miitiro iyoyo inoisa munhu zvakananga pasi pesimba raSatani Dhiyabhorosi.—Revhitiko 19:26, NW.