Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 2

Mwari Ndiye Shamwari Yakanakisisa Yaunogona Kuva Nayo

Mwari Ndiye Shamwari Yakanakisisa Yaunogona Kuva Nayo

Kuva shamwari yaMwari ndicho chinhu chakanakisisa chingagona kuitika kwauri. Mwari achakudzidzisa kuti ungava sei anofara neakachengeteka; iye achakusunungura pazvitendero zvakawanda zvisina kururama nemiitiro inokuvadza. Achateerera minyengetero yako. Achakubatsira kuti uve norugare mumwoyo nechivimbo. (Pisarema 71:5; 73:28) Mwari achakutsigira munguva dzenhamo. (Pisarema 18:18) Uye Mwari anokupa chipo chake choupenyu husingaperi.—VaRoma 6:23.

Sezvaunoswedera pedyo naMwari, uchaswederawo pedyo neshamwari dzaMwari. Dzichavawo shamwari dzako. Chaizvoizvo, dzichava savakoma navanun’una kwauri. Dzichafara kukudzidzisa nezvaMwari uye dzichakubatsira nokukukurudzira.

Hatina kuenzana naMwari. Sezvaunotsvaka ushamwari naMwari, unofanira kunzwisisa chinhu chinokosha. Ushamwari naMwari hahusi ushamwari hwavakaenzana. Iye mukuru uye akachenjera zvikuru uye ane simba zvikuru kutipfuura. Ndiye Mutongi wedu akakodzera. Saka kana tichida kuva shamwari yake, tinofanira kumuteerera nokuita zvaanotiudza kuti tiite. Izvi zvichatinakira nguva dzose.—Isaya 48:18.

zvikuru kutipfuura. Ndiye Mutongi wedu akakodzera. Saka kana tichida kuva shamwari yake, tinofanira kumuteerera nokuita zvaanotiudza kuti tiite. Izvi zvichatinakira nguva dzose.—Isaya 48:18.