Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 6

Paradhiso Yava Pedyo!

Paradhiso Yava Pedyo!

Zvinhu zvakaipa zviri kuitika panyika nhasi zvinoratidza kuti Paradhiso yava pedyo. Bhaibheri rakati tichaona nguva dzinotyisa nguva pfupi Paradhiso isati yasvika. Tiri kurarama munguva dzakadaro nhasi! Hezvino zvimwe zvezvinhu izvo Bhaibheri rakati zvichaitika:

Hondo huru. “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Uprofita uhwu hwakazadzika. Kubvira mugore ra1914, pakava nehondo mbiri dzenyika yose uye dzimwe hondo duku dzakawanda. Mamiriyoni evanhu akafira madziri.

Zvirwere zvakapararira. “Munzvimbo nenzvimbo muchava nenhenda.” (Ruka 21:11) Izvi zvakazadzika here? Hungu. Kenza, hosha dzomwoyo, tibhii, marariya, AIDS, uye dzimwe hosha dzakauraya mamiriyoni evanhu.

Kushaya zvokudya. Pasi pose pane vanhu vasina zvokudya zvakakwana zvokuti vadye. Mamiriyoni evanhu anofa nenzara gore negore. Ichi chimwe chiratidzo chokuti Paradhiso ichakurumidza kuuya. Bhaibheri rinoti: “Kuchava nokuperevedza kwezvokudya.”—Mako 13:8.

Kudengenyeka kwepasi. “Kuchava . . . nokudengenyeka kwepasi munzvimbo nenzvimbo.” (Mateu 24:7) Izvi zvakavawo zvechokwadi munguva yedu. Vanhu vanodarika miriyoni vakafira mukudengenyeka kwepasi kubva muna 1914.

Vanhu vakaipa. Vanhu vachava “vanoda mari” uye “vanozvida.” Vachava “vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.” Vana vachava “vasingateereri vabereki.” (2 Timoti 3:1-5) Haubvumi here kuti kune vanhu vakawanda vakadaro nhasi? Havaremekedzi Mwari, uye vanotambudza avo vanoedza kudzidza nezvaMwari.

Utsotsi. Kuchavawo no“kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateu 24:12) Zvichida ungabvuma kuti utsotsi hwatowanda kupfuura zvahwakanga hwakaita mumakore adarika. Vanhu kwose kwose vari pangozi yokubirwa, kutsotswa, kana kuti kukuvadzwa.

Zvinhu zvose izvi zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo. Bhaibheri rinoti: “Pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:31) Umambo hwaMwari chii? Ihurumende yaMwari yokudenga ichaunza Paradhiso panyika ino. Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzavanhu.—Dhanieri 2:44.