Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 9

Shamwari dzaMwari Ndivanaani?

Shamwari dzaMwari Ndivanaani?

Jesu Kristu Mwanakomana waJehovha uye ishamwari yake yapedyo, yaanoda zvikuru. Asati ararama somunhu panyika, Jesu akararama kudenga sechisikwa chomudzimu chine simba. (Johani 17:5) Ipapo akabva auya pasi pano kuti adzidzise vanhu chokwadi pamusoro paMwari. (Johani 18:37) Akapawo upenyu hwake somunhu kuti aponese vanhu vanoteerera kubva muchivi norufu. (VaRoma 6:23) Jesu zvino ndiye Mambo woUmambo hwaMwari, hurumende yokudenga ichaunza Paradhiso panyika ino.—Zvakazarurwa 19:16.

Ngirozi ishamwari dzaMwari zvekare. Ngirozi hadzina kutanga upenyu hwadzo sevanhu panyika. Dzakasikwa mudenga Mwari asati asika nyika. (Jobho 38:4-7) Kune mamiriyoni engirozi. (Dhanieri 7:10) Idzi shamwari dzaMwari dzokudenga dzinoda kuti vanhu vadzidze chokwadi pamusoro paJehovha.—Zvakazarurwa 14:6, 7.

Mwari ane shamwariwo dziri panyika; anodzidana kuti zvapupu zvake. Chapupu mudare chinotaura zvachinoziva nezvemumwe munhu kana chimwe chinhu. Zvapupu zvaJehovha zvinoudza vamwe zvazvinoziva nezvaJehovha uye zvinangwa zvake. (Isaya 43:10) Kufanana nengirozi, Zvapupu zvinoda kukubatsira kuti udzidze chokwadi pamusoro paJehovha. Zvinoda kuti iwe uvewo shamwari yaJehovha.