Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 16

Ratidza Kuda Kwako Mwari

Ratidza Kuda Kwako Mwari

Kuti uchengete shamwari, unofanira kutaura nayo. Unomuteerera, uye anokuteerera. Unotaurawo zvinhu zvakanaka nezveshamwari yako kune vamwe. Zvakangofananawo nokuva shamwari yaMwari. Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri nezveizvi:

Taura naJehovha nguva dzose mumunyengetero. “Rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12.

Rava Shoko raMwari, Bhaibheri. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.”—2 Timoti 3:16.

Dzidzisa vamwe nezvaMwari. “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.

Swedera pedyo neshamwari dzaMwari. “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo.”—Zvirevo 13:20.

Pinda misangano paHoro yoUmambo. “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, . . . tikurudzirane.”—VaHebheru 10:24, 25.

Batsira kutsigira basa roUmambo. “Mumwe nomumwe ngaa[pe] sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.”—2 VaKorinde 9:7.