CHIDZIDZO 16
Ratidza Kuda Kwako Mwari
Kuti uchengete shamwari, unofanira kutaura nayo. Unomuteerera, uye anokuteerera. Unotaurawo zvinhu zvakanaka nezveshamwari yako kune vamwe. Zvakangofananawo nokuva shamwari yaMwari. Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri nezveizvi:
Taura naJehovha nguva dzose mumunyengetero. “Rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12.
Rava Shoko raMwari, Bhaibheri. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.”—2 Timoti 3:16.
Dzidzisa vamwe nezvaMwari. “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.
Pinda misangano paHoro yoUmambo. “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, . . . tikurudzirane.”—VaHebheru 10:24, 25.
Batsira kutsigira basa roUmambo. “Mumwe nomumwe ngaa[pe] sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.”—2 VaKorinde 9:7.