Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 8

Vavengi vaMwari Ndivanaani?

Vavengi vaMwari Ndivanaani?

Muvengi mukuru waMwari ndiSatani Dhiyabhorosi. Iye chisikwa chomudzimu chakapandukira Jehovha. Satani anoramba achirwisana naMwari uye anokonzera nhamo huru kuvanhu. Satani akaipa. Murevi wenhema uye muurayi.—Johani 8:44.

Zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvakabatana naSatani mukupandukira kwake Mwari. Bhaibheri rinozvidana kuti madhimoni. Kufanana naSatani, madhimoni vavengi vevanhu. Anoda kukuvadza vanhu. (Mateu 9:32, 33; 12:22) Jehovha achaparadza Satani namadhimoni ake nokusingaperi. Vasarirwa nenguva duku chete vachionesa vanhu nhamo.—Zvakazarurwa 12:12.

Kana uchida kuva shamwari yaMwari, haufaniri kuita zvinodiwa naSatani kuti uite. Satani namadhimoni vanovenga Jehovha. Vavengi vaMwari, uye vanoda kukuita muvengi waMwari. Unofanira kusarudza kuti ndiani waunoda kufadza—Satani kana kuti Jehovha. Kana uchida upenyu husingaperi, unofanira kusarudza kuita kuda kwaMwari. Satani ane mazano nenzira dzakawanda dzokunyengera nadzo vanhu. Vanhu vakawanda vari kunyengedzwa naye.—Zvakazarurwa 12:9.