Basa Revabereki
Hapana mubvunzo kuti mazuva ano hazvisi nyore kurera vana vachizova vanhu kwavo kana vakura.
SANGANO rinotsvakurudza nezvezvirwere zvepfungwa rekuUnited States rinonzi U.S. NATIONAL Institute of Mental Health, rakabudisa zvakawanikwa paongororo yakaitwa yevabereki vakabudirira pakurera vana, uye vana vacho vaiva nemakore anopfuura 21, “vese vari vana vane chiyamuro uye vairatidza kuti vaigarisana nevamwe zvakanaka.” Vabereki vacho vakabvunzwa kuti: ‘Kubva pane zvamakaona pakurera vana, mazano api
amungada kupa vamwe vabereki?’ Vakawanda vavo vakati: ‘Gara uchivaratidza rudo,’ ‘varange zvinoratidza kuti uri kuvavaka,’ ‘wana nguva yekuva navo,’ ‘dzidzisa vana vako kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa,’ ‘ita kuti vakuremekedze uye iwe varemekedzewo,’ ‘nyatsovateerera kana vachitaura,’ ‘vape mazano kwete kungotaura chete ivo vakanyarara,’ uye ‘usatarisire zvinopfuura zvavanokwanisa.’Asi vabereki havasi vega pabasa iri rekurera vana kusvika vava vanhu vakuru vanoziva zvavari kuita. Varayiridzi vane basa rinokoshawo panyaya iyi. Mumwe chipangamazano panyaya dzedzidzo akati: “Basa guru redzidzo nderekubatsira vabereki kuti varere vana vanozova vanhu vakuru vane pfungwa dzakapinza, vane utano hwakanaka, uye vakadzikama.”
Saka vabereki nevarayiridzi vane basa rimwe chete rekurera vana vanozova vanhu kwavo kana vakura uye vanonakidzwa neupenyu vachigarisana nevamwe zvakanaka.
Shandirai Pamwe Chete Kwete Kukwikwidzana
Matambudziko anowanzomuka kana vabereki vasingashandire pamwe chete nevarayiridzi. Semuenzaniso, vamwe vabereki havana kana basa nedzidzo yevana vavo; vamwewo vanoedza kukwikwidzana nevadzidzisi. Rimwe pepanhau rekuFrance rakakurukura nyaya yacho richiti: “Mudzidzisi haasisiri iye ega achiri kutungamirira padzidzo yemwana. Vabereki neshungu dzavanenge vainadzo dzekuti vana vavo vabudirire, vanoongorora mabhuku ari kudzidzwa kuchikoro, vanoshora uye vanotsoropodza nzira dziri kushandiswa pakudzidzisa vana, uye mwana akangofoira bvunzo dzake dzekutanga vanobva vaviruka nehasha.” Maitiro akadaro anogona kukanganisa basa revadzidzisi.
Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti vana vanodzidza zvakanaka kana vabereki vachishandira pamwe nevarayiridzi, vachibatsira vana vavo uye vachiratidza kuti vane chido chekuti vadzidze. Vanoona kuti kushandira pamwe kwakadaro kunokosha nekuti basa renyu semurayiridzi riri kuramba richioma.
Matambudziko Anomuka Muzvikoro Mazuva Ano
Matambudziko anowanikwa muzvikoro akangofanana neanosangana nevanhu mukurarama kwavo. Matambudziko aya ari kuramba achiwedzera. Pepanhau rinonzi The New York Times rakataura zviri kuitika pane chimwe chikoro muUnited States richiti: “Vana vanokotsira mukirasi, vanotyisidzirana pavanosangana mumapaseji munenge makanyorwa-nyorwa mashoko akashata, uye vanoshora vamwe vana vanogona chikoro. . . . Zuva rega rega vana vechikoro vakawanda vanenge vachinetseka nenyaya dzakadai sekuva nevabereki vari mujeri, kurwiswa nezvikwata zvematsotsi, uye kuchengeta kamwana kacheche. Mazuva ese pavana vashanu vega vega panotova nemumwe chete anenge arovha chikoro.”
Chimwe chinotyisa kuwedzera kuri kuita mhirizhonga muzvikoro pasi rese. Kare vana vaimbosundidzirana nekurovana, asi iye zvino vava kupfurana nekubayana nemapanga. Zvombo zvazara kwese kwese, vana vava kunyanya kushandisa zvinhu zvinokuvadza pakurwisa vamwe, havachatani kuita zvemhirizhonga, uye izvi zviri kutanga vachiri vadiki chaizvo.
Ichokwadi kuti izvi hazvisi kuitika munyika dzese. Kunyange zvakadaro, vadzidzisi vakawanda pasi rese vari kuona kuti zvakataurwa nepepanhau rekuFrance rinobuda vhiki rega rega rinonzi Le Point ndezvechokwadi parakati: “Mudzidzisi haacharemekedzwa; haachakwanisa kudzora vana.”
Kusaremekedzwa kwevadzidzisi kwakadaro kune ngozi pavana vese. Saka Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kudzidzisa vana kuteerera uye kuremekedza vane masimba, izvo zvisiri kuitwa muzvikoro mazuva ano.