Chinangwa Chebhuku Rino
MUMWE muongorori wemafungiro evanhu wechiDutch ainzi Spinoza akanyora kuti: “Ndinoedza kunzwisisa zvinoitwa nevanhu panzvimbo pekuseka zvavanoita, kuchemedzwa nazvo, kana kuzvivenga.” Semurayiridzi, munosangana nedambudziko rekuedza kunzwisisa vana vamunodzidzisa, kusanganisira vana veZvapupu zvaJehovha. Munoda kunzwisisa mafungiro avo, kwavanobva, uye zvavanotenda. Pane dzimwe nyaya dzinombomuka dzinoita kuti vana ava vaite zvakasiyana nezvinotarisirwa ruzhinji rwevana kuti ruite. Asi kana mwana achiita zvimwe zvinhu pamusana pechitendero chake, zvakanaka kuedza kuzvinzwisisa. Bhuku rino rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society (sangano rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pakubudisa mabhuku zviri pamutemo). Bhuku rino rakanyorwa kuti rikubatsirei kunzwisisa Zvapupu zvaJehovha zvamunodzidzisa. Tinovimba kuti muchanyatsoriverenga.
Kunzwisisa chitendero chemumwe hakurevi kuti wava kutochipinda, uye kuudza mumwe zvaunotenda hakurevi kuti wava kutomutendeutsa. Bhuku rino harisi rekukumanikidzai imi nevamunodzidzisa kuti mugamuchire zvinotendwa neZvapupu. Chinangwa chedu ndechekungoti muzive zvinodzidziswa vamwe vana nevabereki vavo panyaya dzechitendero kuti zvikuitirei nyore kuvanzwisisa uye kuti musapikisana navo. Asi hazvirevi hazvo kuti kana vana vachidzidziswa chinhu chimwe chete, vachabva vaita zvinhu zvakafanana nekuti mwana mumwe nemumwe anenge achiri kudzidza kuita zvinhu nenzira yake.
Zvapupu zvaJehovha zvakangofananawo nevamwe vabereki vese pakuti zvinoda kuti vana vazvo vabudirirewo kuchikoro. Saka vanodzidzisa vana vavo kuita zvavanoudzwa nevadzidzisi. Ivo nevana vavo vanotarisirawo kuti vadzidzisi vavabate neruremekedzo uye varatidze kuti vanovanzwisisa.
Zvapupu zvaJehovha vaKristu vanozivikanwa pasi rese. Asi dzimwe nguva vanhu havavanzwisisi. Saka tinovimba kuti bhuku rino richakubatsirai kunyatsonzwisisa Zvapupu zvamunodzidzisa. Zvikurukuru, tinovimba kuti muchaona kuti nei vana ava vachiona iri kodzero yavo kuti vaite zvakasiyana nezvinoitwa neruzhinji panomuka dzimwe nyaya.