Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dambudziko Rekusiyana Kwezvitendero

Dambudziko Rekusiyana Kwezvitendero

Semudzidzisi, munosangana nedambudziko rekusiyana kwezvitendero rakanga risinganyanyi kusangana nevadzidzisi vekare.

MUMAKORE ekuma500 kusvika kuma1500, vanhu vemunyika imwe vaiwanzopinda chitendero chimwe chete. Makore ekuma1800 ava kunopera zvinhu zvakanga zvichakangodaro. MuEurope maingozivikanwa zvitendero zvishomanana; nechekumadokero kwaiva nechechi yeRoma nechechi dzakabuda muRoma, nechekumabvazuva kwaiva nechechi yechiOrthodox neyechiIslam, uye chiJudha chaizivikanwawo nevakawanda. Hapana mubvunzo kuti mazuva ano kwava nezvitendero zvakawanda zvakasiyana-siyana muEurope uye pasi rese. Munzvimbo dzakawanda mava nezvitendero zvitsva, zviri kutangwa nevanhu vemunzvimbo idzodzo kana kuti zvinenge zvichiunzwa nevanhu vanobva kune dzimwe nyika nevapoteri.

Saka mazuva ano munyika dzakadai seAustralia, Britain, France, Germany, neUnited States, mune vanhu vakawanda vechiMuslim, vechiBuddha, uye vechiHindu. Uyewo, Zvapupu zvaJehovha isangano rechiKristu riri munyika 239. Pane dzimwe nyika 14, dzine Zvapupu zvinopfuura 150 000 munyika imwe neimwe.​—Onai bhokisi rakanzi “ Zvapupu zvaJehovha Chitendero Chinowanika Pasi Rese.”

Kusiyana kwezvitendero kunogona kuomesera varayiridzi. Semuenzaniso, vamwe vanogona kuva nemibvunzo panyaya yemhemberero dzakakurumbira: Mudzidzi wese anofanira kumanikidzwa kupemberera mhemberero idzi pasinei nechitendero chake here? Vakawanda vangaona pasina chakaipa nemhemberero idzi. Asi hatifaniriwo here kuremekedza maonero anoita mhuri dzevashoma vasingapembereri mhemberero dzacho? Uye pane chimwewo chatinofanira kufunga nezvacho: Mune dzimwe nyika nyaya dzechitendero hadziiswe muzvidzidzo zvekuchikoro uye hurumende haiudzi vanhu manamatiro avanofanira kuita. Saka pakadaro, vamwe havazoone here zvichipesana nemitemo yenyika kana vana vakamanikidzwa kupemberera mhemberero dzakadaro?

Mazuva Ekuzvarwa

Vanhu vanogona kutadza kunzwisisana panyaya yemhemberero dzinoita sedzisina chekuita nechitendero kana kuti dzinenge dzichibatana zvishoma nechitendero. Imwe yemhemberero idzi ndeyemazuva ekuzvarwa, ayo anopembererwa muzvikoro zvakawanda. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichinzwisisa kuti vamwe vane kodzero yekupemberera mazuva ekuzvarwa kana vachida, pamwe munotoziva kuti ivo pachavo havapembereri mazuva aya. Asi pamwe munogona kunge musingazivi kuti nei ivo nevana vavo vachisarudza kusapemberera mazuva aya.

Rimwe bhuku rinotsanangura nyaya dzechitendero rinonzi Le livre des religions, (Bhuku Rezvitendero) iro rinozivikanwa zvikuru muFrance, rinoti kupemberera mazuva ekuzvarwa itsika inoverengwa pakati pedzimwe “tsika dzinoitwa nevahedheni.” Kunyange zvazvo mazuva ano vanhu vachiti mhemberero idzi dzakanaka uye hadzinei nechitendero, kuchengeta mazuva ekuzvarwa kwakabva muchihedheni.

Bhuku rinonzi The Encyclopedia Americana ra1991 rinoti: “Kare, vanhu vekuIjipiti, Girisi, Roma, uye Pezhiya vaipemberera mazuva ekuzvarwa avanamwari vavo, madzimambo neevamwe vanhu vaikudzwa.” Vamwe vanyori vemabhuku, Ralph naAdelin Linton, vakajekesa kuti chii chaiita kuti vanhu ava vadaro. Mubhuku ravo rinonzi The Lore of Birthdays, vakanyora kuti: “KuMesopotamia nekuIjipiti, uko kwakatangira zvinhu zvakawanda zvakavandudza upenyu hwevanhu, ndikowo kwakatanga vanhu kuyeuka uye kukoshesa mazuva avo ekuzvarwa. Kare ikako, zvaikosha zvikuru kuchengeta zvinyorwa zvemazuva akazvarwa vanhu nekuti zvaishandiswa pakuedza kuziva kuti ramangwana remunhu rainge rakamira sei pachishandiswa nyeredzi.” Sezvo kuchengeta mazuva ekuzvarwa kwakabatana nekufembera pachishandiswa nyeredzi, vaya vanoteerera zvinotaurwa neBhaibheri nezvemaitiro aya, vanosiyana nemhemberero iyi.​—Isaya 47:13-15.

Saka hazvishamisi kuti rimwe bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti: “VaKristu vekutanga vaisapemberera kuberekwa kwake [Kristu] nekuti vaiona kupemberera kuberekwa kwemunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.”​—Volume 3, peji 416.

Zvapupu zvinombofarawo zviri pamwe chete

Zvapupu zvaJehovha, zvichifunga zvataurwa pamusoro apa, zvinosarudza kusapemberera mazuva ekuzvarwa. Zvechokwadi panoberekwa mwana vanhu vanofara zvekufara zviya. Zvingori muvabereki vese kuti vafare pavanoona vana vavo vachikura gore negore. Zvapupu zvaJehovha zvinofarawo chaizvo pazvinoratidza rudo kune vemumhuri uye shamwari kuburikidza nekuvapa zvipo uye kumbofarawo vari pamwe chete. Asi pavanofunga nezvekwakabva mhemberero dzemazuva ekuzvarwa, vanosarudza havo kupanana zvipo uye kuungana vachifara pane dzimwe nguva mukati megore.​—Ruka 15:22-25; Mabasa 20:35.

Krisimasi

Krisimasi inopembererwa pasi rese, kunyange munyika dzakawanda dzisiri dzechiKristu. Sezvo zororo iri richichengetwa nemachechi akawanda anoti ndeechiKristu, vamwe vanoshamiswa pavanoona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinosarudza kusaripemberera. Nei Zvapupu zvisingapembereri zororo iri?

Maererano nemaencyclopedia akawanda, zuva rekuzvarwa kwaJesu rakangoiswa musi wa25 December kuti rienderane nezuva raipembererwa mumwe mutambo wechihedheni nevaRoma. Onai zvimwe zvakatorwa mumabhuku akadaro akasiyana-siyana:

“Zuva rekuberekwa kwaKristu harizivikanwi. Mabhuku eBhaibheri anotaura nezvenhoroondo yaJesu haaratidzi zuva racho kana mwedzi wacho.”​—New Catholic Encyclopedia, Volume III, peji 656.

“Mafaro akanyanyisa anoitwa nevanhu paKrisimasi akabva pane zvaiitwa pamutambo weSaturnalia waiitwa muRoma.”​—Encyclopædia of Religion and Ethics

“Tsika dzakawanda dziri kutevedzerwa nevanhu paKrisimasi mazuva ano muEurope, kana kuti dzakanyorwa kuti dzaitevedzerwa nevanhu kare, hadzisi tsika dzechiKristu, asi itsika dzechihedheni dzakatorwa neChechi kana kuti dzakangosiiwa dzichiitwa. . . . Mafaro akanyanyisa anoitwa nevanhu paKrisimasi akabva pane zvaiitwa pamutambo weSaturnalia waiitwa muRoma.”​—Encyclopædia of Religion and Ethics Volume III (Edinburgh, 1910), rakapepetwa naJames Hastings, mapeji 608-9.

“Mumachechi ese echiKristu, Krisimasi yakatanga kupembererwa musi wa25 December kumakore ekuma300. Panguva iyoyo, musi uyu waipembererwa mutambo wechihedheni wainzi ‘Kuzvarwa (muchiLatin, natale) kweZuva,’ sezvo zuva raiita serazvarwa zvakare nekuti ndipo paitanga kureba masikati kupfuura usiku. MuRoma, Chechi yakatorawo zvaiitwa pamutambo iwoyo waifarirwa zvikuru nevanhu . . . ikabva yachinja zvaipembererwa zvacho.”​—Encyclopædia Universalis, 1968, (French) Volume 19, peji 1375.

“Krisimasi yakabva pane zvaiitwa pamutambo wechihedheni wamwari wezuva ainzi Sol Invictus (Mithra). Sezvo zuva ra22 December riine maawa mashoma echiedza kupfuura mamwe ese pagore, raionekwa sezuva rekuti chiedza chakanga chava kudzoka munyika. Saka musi wa25 December wakatanga kuonekwa semusi wakadzoka chiedza panyika pachishandiswa Kristu uye zvaimiririra mwari wezuva, Sol Invictus, zvakanga zvava kunzi zvinomirira Kristu.”​—Brockhaus Enzyklopädie, (German) Volume 20, peji 125.

Vamwe vakaita sei pavakaziva chokwadi nezveKrisimasi? Bhuku rinonzi The Encyclopædia Britannica rinoti: “Muna 1644 rimwe boka rechitendero rekuEngland raivenga zvemafaro rakaita kuti pave nemutemo wehurumende wairambidza vanhu kufara kana kuita zvechitendero pazuva iri nekuti raiti mutambo uyu [Krisimasi] ndewechihedheni uye rakati vanhu vatsanye pazuva racho. Mambo Charles II akamutsiridza mutambo uyu asi vanhu vekuScotland vakaramba vachitevedzera zvakanga zvataurwa neboka iri.” VaKristu vepakutanga vaisapemberera Krisimasi, uye mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri zororo iri kana kuita zvinhu zvine chekuita naro.

Zvisinei, Bhaibheri rinokurudzira vanhu kupa zvipo uye kukoka vemumhuri neshamwari kuti vadye vese vachifara pane dzimwe nguva. Rinokurudzira vabereki kuti vadzidzise vana vavo kupa zvichibva pamwoyo, pane kungopa vamwe nekuti ndizvo zvavanotarisirwa kuita. (Mateu 6:2, 3) Vana veZvapupu zvaJehovha vanodzidziswa kunzwisisawo vamwe uye kuvaremekedza, uye izvi zvinosanganisira kunzwisisa kuti vamwe vane kodzero yekupemberera Krisimasi kana vachida. Uye ivowo vanotarisira kuti vamwe varemekedze chisarudzo chavo chekusapemberera Krisimasi.

Dzimwe Mhemberero

Zvapupu zvaJehovha hazvipembereriwo mimwe mitambo ine chekuita nechitendero kana kuti ine payakabatana nezvechitendero inoitwa mukati megore munyika dzakasiyana-siyana, yakadai semitambo inoitwa muna June muBrazil, Epiphany muFrance, Carnival muGermany, Setsubun muJapan, uye Halloween muUnited States. Panyaya yemhemberero idzi nedzimwewo dzisina kutaurwa pano, vana veZvapupu nevabereki vavo vakasununguka kupindura mibvunzo yamungava nayo.