Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kudzidzisa vana vazvo dzidziso dzechokwadi dzemuBhaibheri

Kuremekedza Kodzero Dzevamwe

Kuremekedza Kodzero Dzevamwe

Kubvira kare, varume nevakadzi vakashinga vaisarudza kuita zvinhu zvaipesana nezvaiitwa neruzhinji rwevanhu. Vakatsungirira pasinei nekushungurudzwa nevanhu vezvematongerwo enyika, vechitendero, vane rusaruraganda, uye kakawanda kacho vaitosvika pakuurayiwa.

VAKRISTU vekutanga ndivo vamwe vaiva neushingi hwakadaro. Pavaitambudzwa zvikuru kubva mumakore akatanga chiKristu, vakawanda vavo vakaurayiwa nevaRoma avo vaiva vahedheni, nekuti vairamba kunamata mambo. Dzimwe nguva, atari yaiiswa munzvimbo yaiitirwa mitambo. VaKristu vaifanira kungotswinya turusenzi tushomanana votukanda mumoto wepaatari kuti varatidze kuti vaibvuma kuti mambo aitova mwari, vobva vatosunungurwa. Vashomanana chete ndivo vakabvuma kuita izvi, asi vakawanda vavo vakasarudza kufa pane kuramba kutenda kwavo.

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiriwo mune zvematongerwo enyika. Semuenzaniso, nyaya yekusapindira kwavo mune zvematongerwo enyika panguva yaitonga vaNazi inopupurirwa nemabhuku anotaura zvakaitika kare. Panguva yehondo yenyika yechipiri, Zvapupu zvinenge 25 muzana zvekuGermany zvakafa, uye zvakawanda zvaifira mumisasa yevasungwa nenyaya yekuti vaisapindira mune zvenyika uye vairamba kushevedzera kuti “Heil Hitler,” (Hitler Muponesi). Vana vadiki vavo vaiparadzaniswa nevabereki vavo. Pasinei nekuomeserwa, vechidiki vakaramba vakashinga uye vakaramba kukanganiswa nedzidziso dzisiri dzemuBhaibheri dzavaimanikidzwa kuti vagamuchire.

Kusaruta Mureza

Mazuva ano, kashoma kuti Zvapupu zvaJehovha zvitambudzwe zvakadaro. Asi panombova nekusanzwisisana, apo Zvapupu zvechidiki zvinosarudza kusiyana nezvinhu zvinoitwa pakuratidza kutsigira nyika, zvakadai sekusaruta mureza.

“Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari”​—Mateu 22:21, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona

Vana veZvapupu vanodzidziswa kuti vasarambidze vamwe vanoda zvavo kusaruta mureza. Asi Zvapupu hazvichinji maonero azvinoita nyaya iyi: Hazvisaruti mureza chero wenyika ipi zvayo. Izvi hazvirevi kuti havaremekedzi mureza. Vanoremekedza mureza wenyika chero ipi zvayo yavanenge vachigara, uye vanozviratidza kuburikidza nekuteerera mitemo yemunyika yacho. Havatsigiri zvinoitwa nevanhu vanopandukira hurumende. Zvapupu zvinotoona hurumende dziriko iye zvino ‘seurongwa hwaMwari’ hwaakabvumira kuti huvepo. Saka vanoona kubhadhara mitero semutemo waMwari uye vanoremekedza “vanhu vane masimba” vakadaro. (VaRoma 13:1-7) Izvi zvinoenderana nemashoko akakurumbira akataurwa naKristu ekuti: “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”​—Mateu 22:21, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Vamwe vangabvunza kuti, ‘Asi nei Zvapupu zvisingasaruti mureza kuti zviratidze kuti zvinouremekedza?’ Inyaya yekuti vanoona kusaruta mureza sekutounamata. Asi sezvo Mwari ariye ega anofanira kunamatwa, vanoona zvisingaiti kuti vanamate mumwe munhu kana chimwe chinhu kunze kwake. (Mateu 4:10; Mabasa 5:29) Saka vanofara kana vadzidzisi vakaremekedza maonero avo, vobvumira vana veZvapupu kuti vaite zvinoenderana nezvavanotenda.

Hazvishamisi kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisirizvo zvega zvinoti kusaruta mureza kwakangofanana nekuunamata, sezvinoratidzwa nemashoko anotevera:

‘Pakatanga nyaya yemireza yakanga itori nyaya yechitendero. Kunenge kuti vanhu vakagara vachida kubatanidza mireza yavo nechitendero kuti iitwe mitsvene.’​—Encyclopædia Britannica.

“Mureza unoyera sezvinongoita muchinjikwa. . . . Mitemo inotevedzerwa nevanhu pakuratidza maonero avanoita mureza wenyika yavo inotaurwa pachishandiswa mashoko akasimba akadai sekuti, ‘Ngatinamatei Mureza,’ . . . ‘Ngatiremekedzei Mureza,’ ‘Ngatizvipirei kuMureza.’”​—The Encyclopedia Americana.

“VaKristu vairamba . . . kupa zvibayiro kumweya unochengetedza mambo [weRoma] izvo zvingaenzaniswa mazuva ano nekuramba kusaruta mureza kana kuita mhiko yekuratidza kuzvipira kunyika.”​—Those About to Die (1958), rakanyorwa naDaniel P. Mannix, peji 135.

Vakomana vatatu vechiHebheru vakaramba kupfugamira mufananidzo wainge wamiswa naNebhukadhinezari, mambo weBhabhironi

Sezvatambotaura, Zvapupu zvaJehovha pazvinoramba kusaruta mureza, zvinenge zvisiri kuratidza kusaremekedza hurumende kana vatongi vayo. Kungoti chete havakotamiri kana kusaruta mufananidzo unomiririra nyika, nekuti kuita izvi kwakangofanana nekuunamata. Vanoona zvakangofanana nezvakaitwa nevakomana vatatu vechiHebheru vanotaurwa muBhaibheri vakaramba kupfugamira mufananidzo wainge wamiswa mubani reDhura, naNebhukadhinezari, mambo weBhabhironi. (Dhanieri, chitsauko 3) Saka vamwe pavanosaruta mureza nekupa mhiko yekuzvipira kunyika, vana veZvapupu zvaJehovha vanodzidziswa kusarudza zvekuita vachishandisa zvavakadzidza muBhaibheri. Vanoramba vakanyarara vachiratidza ruremekedzo asi vasingaiti zvinenge zvichiitwa. Zvikonzero izvi ndizvowo zvinoita kuti vana veZvapupu vasarudze kusaimba panenge pachiimbwa rwiyo rwenyika kana kuti parunenge rwuchiridzwa.

Kodzero Yemubereki

Mazuva ano nyika dzakawanda dzinoremekedza kodzero yevabereki yekudzidzisa vana vavo zvinhu zvekunamata zvinoenderana nezvavanotenda. Zvitendero zvese zvinotsigira kodzero iyi, sezvinoratidzwa nemutemo weChechi yeRoma uchiri kushanda nanhasi unoti: “Sezvo varivo vakapa vana upenyu, vabereki vane basa rekuvadzidzisa, uye ikodzero yavo kuita izvi; ndosaka vabereki vachifanira kupa vana vavo dzidzo yechiKristu inoenderana nedzidziso dzeChechi.”​—Canon 226.

Vana vanokurudzirwa kufungawo vamwe

Ndizvo chete zvinodiwawo neZvapupu. Sevabereki vane rudo, vanoedza kudzidzisa vana vavo dzidziso dzechokwadi dzemuBhaibheri uye kuvabatsira kuti vade vavakidzani pamwe chete nekuremekedza zvinhu zvevamwe vanhu. Vanoda kutevedzera zvakataurwa nemuapostora Pauro kuvaKristu vekuEfeso paakati: “Vabereki, musabata vana venyu nenzira inoita kuti vatsamwe, asi muvarange nokuvadzidzisa magariro echiKristu.”​—VaEfeso 6:4, Bhaibheri Dzvene.

Dzimba Dzine Vabereki Vane Zvitendero Zvakasiyana

Dzimwe mhuri dzinongova nemubereki mumwe chete anenge ari Chapupu chaJehovha. Mumhuri dzakadaro, mubereki anenge ari Chapupu anokurudzirwa kuremekedza kodzero yemubereki anenge asiri Chapupu yekudzidzisawo mwana zvaanotenda. Kashoma kuti vana vavhiringike nenyaya yekusiyana kwezvitendero zvevabereki vavo. * Chokwadi ndechekuti vana vese vanofanira kuzosarudza vega chitendero chavanoda kuzopinda. Muupenyu, havasi vana vese vanosarudza kutevedzera dzidziso dzechitendero chevabereki vavo, vangava vari Zvapupu zvaJehovha kana kuti vasiri.

Kodzero Yevana Yekusarudza Zvavanodawo

Munofanirawo kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa chaizvo zvinosarudzwa nemuKristu mumwe nemumwe. (VaRoma, chitsauko 14) Bumbiro remitemo inotaura nezvekodzero dzevana rinonzi Convention on the Rights of the Child, rakabvumiranwa neSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese mugore ra1989, rakaratidza kuti mwana ane kodzero “yekufunga zvaanoda, yekusarudza zvaanoda uye chitendero chaanoda,” uyewo akasununguka kutaura zvaanofunga, uye kuti zvaanenge afunga zvacho zvishandiswe panyaya chero ipi zvayo inobata upenyu hwemwana wacho.

Vana vanosiyana. Saka munogona kuona vana veZvapupu kana kuti vasiri veZvapupu vachisarudza zvakasiyana pane zvimwe zvinoitwa kuchikoro kana kuti mabasa avanopiwa ikoko. Tinovimba kuti nemiwo munoremekedza kodzero yekuti munhu asununguke kusarudza zvaanoda.

^ ndima 18 Achitaura nezvevana vanenge vaine vabereki vanopinda zvitendero zvakasiyana, Steven Carr Reuben, Ph.D., mubhuku raakanyora rinonzi Raising Jewish Children in a Contemporary World, anoti: “Vana vanovhiringika kana vabereki vachirarama upenyu hwekusada kubuda pachena kuti ndezvipi zvavanotenda, vachiratidza kuti havasi kuziva kuti voita zvipi, vachivanza zvavari uye vasingambotauri nyaya dzechitendero. Asi kana vabereki vachibuda pachena uye vachitaura chokwadi nezvezvavanotenda, mararamiro avo, uye mazororo avanochengeta, zvinoita kuti panyaya dzechitendero vana vakure vasina chekutyira uye vachizviremekedza, izvo zvinozoita kuti vazvionewo sevanhu pane vamwe munyika.”