Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maonero Anoita Zvapupu zvaJehovha Dzidzo

Maonero Anoita Zvapupu zvaJehovha Dzidzo

Zvapupu zvaJehovha zvine basa neremangwana revana sezvinongoitawo mubereki wese. Saka vanokoshesa dzidzo zvikuru. “Dzidzo inofanira kubatsira vanhu kuti vave nechiyamuro muupenyu. Inofanira kuvabatsirawo kuti vakoshese tsika dzavo uye vave neupenyu hunogutsa.”

SEZVIRI kurehwa nemashoko aya akatorwa muThe World Book Encyclopedia, chimwe chezvinangwa zvikuru zvinoendera mwana kuchikoro ndechekuti adzidziswe kuzozviraramira, izvo zvinosanganisira kuzoriritira mhuri yake. Zvapupu zvaJehovha zvinoona kuriritira mhuri sebasa dzvene. Bhaibheri pacharo rinoti: “Chokwadi kana munhu asingachengeti vekwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, anenge aramba kutenda uye akaipa kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Makore anenge achienda mwana kuchikoro anomugadzirira zvaanozoita muupenyu kana akura. Saka Zvapupu zvinokoshesa dzidzo chaizvo.

“Dzidzo inofanira kubatsira vanhu kuti vave nechiyamuro muupenyu. Inofanira kuvabatsirawo kuti vakoshese tsika dzavo uye vave neupenyu hunogutsa.”​—The World Book Encyclopedia

Zvapupu zvinoedza kurarama zvichitevedzera murayiro weBhaibheri unoti: “Chinhu chose chamunoita, chiitei nomwoyo wenyu wose somuri kushandira Ishe, kwete vanhu.” (VaKorose 3:23, Bhaibheri Dzvene) Mashoko aya anoshanda pazvinhu zvese zvinoitwa nemunhu muupenyu, kusanganisira kuchikoro. Saka Zvapupu zvinokurudzira vechidiki vazvo kushanda nesimba uye kusaita zvekutamba nemabasa avanenge vapiwa kuchikoro.

“Chinhu chose chamunoita, chiitei nomwoyo wenyu wose somuri kushandira Ishe, kwete vanhu.”​—VaKorose 3:23, Bhaibheri Dzvene

Bhaibheri rinodzidzisawo kuteerera mutemo wenyika dzatinogara. Saka kana nyika yatinogara ichiti mwana anofanira kuramba achienda kuchikoro kusvikira asvika pazera rakati, Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera mutemo iwoyo.​—VaRoma 13:1-7.

Kumbofurwawo nemhepo uchiita zvinhu zvakanaka zvinokuvaraidza, kuridza mumhanzi, kusimbisa muviri, kushanyira maraibhurari, mamiziyamu, nedzimwewo nzvimbo, zvinotobatsira mwana padzidzo yake

Kunyange zvazvo Bhaibheri richiratidza kuti dzidzo inobatsira pakudzidzisa mwana kuzozviraramira, harirevi kuti ichocho ndicho chinangwa chedzidzo chega kana kuti ndicho chinokosha kupfuura zvese. Dzidzo yakanaka inofanira kubatsira mwana kuti ararame achifara uye kuti ave munhu kwaye pakati pevanhu vaanogarisana navo. Saka zvinosarudzwa nemwana pazvimwe zvinhu zvisingaitirwe mukirasi zvinokosha. Aya ndiwo maonero anoita Zvapupu zvaJehovha uye vanoziva kuti kumbofurwawo nemhepo uchiita zvinhu zvakanaka zvinokuvaraidza, kuridza mumhanzi, kusimbisa muviri, kushanyira maraibhurari, mamiziyamu, nedzimwewo nzvimbo, zvinotobatsira mwana padzidzo yake. Vanodzidzisawo vana vavo kuremekedza vanhu vakuru uye kutsvaga mikana yekuvabatsira.

Ko Dzidzo Yekuwedzera?

Zvigadzirwa zvitsva zviri kuita kuti mikana yekuwana mabasa irambe ichiita mishoma. Izvi zvinozoita kuti vechidiki vakawanda vapedzisire vava kushanda mabasa avasina kudzidzira. Saka zvinokosha kuti vakwanise kupota vachizozvidzidzisa vega, vave vanhu vanoshanda zvakanaka, uye vafambirane nekuchinja kunenge kuchiita maitirwo emabasa. Saka chinokosha ndechekuti mwana azova munhu mukuru anenge aine ‘musoro unokwanisa kubata zvinhu zvitsva kwete wakangozara nezvaakadzidza chete,’ sezvakataurwa nemumwe munyori akararama kuma1500 ainzi Montaigne.

Kushayikwa kwemabasa, uko kuri kunetsa munyika dzakapfuma nedzisina, kunowanzova dambudziko kune vechidiki vasina kunyatsodzidzira mabasa. Saka kana nyaya yemabasa ichiita kuti vana vade kuwana imwe dzidzo pamusoro peinosungirwa nehurumende kuti mwana wese ave nayo, zvinenge zvava kuvabereki kubatsira vana vavo pakusarudza, vachitarisa kubatsirwa kunozoitwa mwana wavo uyewo kurasikirwa kwaanogona kuita paanenge achiwedzera dzidzo yacho.

Asi pamwe munobvumawo kuti kubudirira muupenyu hakungogumiri pakuwana pfuma chete. Mazuva ano zviri kuitika ndezvekuti vamwe vanhu vanenge vakanyura mumabasa avo, asi panozopera mabasa acho vanobva varasikirwa nezvese zvavanga vainazvo. Vamwe vabereki vakabatikana nemabasa avo zvekuti vakarasikirwa nemukana wekuva nemhuri dzavo uye nguva yekuva nevana vavo, vachivarayira kuti vakure zvakanaka.

Zviri pachena kuti dzidzo chaiyo inofanira kudzidzisa mwana kuti pane zvimwewo zvinodiwa kuti munhu awane mufaro wechokwadi kunze kwepfuma. Jesu akati: “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’” (Mateu 4:4, Bhaibheri mururimi rweUnion Shona) SevaKristu, Zvapupu zvaJehovha, zvinonzwisisa kukosha kwekuti munhu ave neunhu uye ave munamati akati twasu, achikwanisa kuzozviriritira.