Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhedziso

Mhedziso

KABHUKU kano hakana kukurukura zvese zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha. Chatangoita kuedza kutsanangura zvimwe zvinotendwa neZvapupu uye kukuratidzai kuti mwana wepachikoro chenyu anodzidziswei kumba kwavo kana vabereki vake vese kana kuti mumwe wacho ari Chapupu.

Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa zvikuru kunamata kwevana vavo. Uye vane chokwadi kuti kana mwana achinamata zvakanaka zvimwe zvese zvaanoita zvinofamba zvakanaka. Zvavanotenda nemitemo yavanotevedzera zvinoita kuti upenyu hwavo hufambe zvakanaka uye zvinovabatsira kukunda matambudziko avanosangana nawo zuva nezuva. Uyezve zvavanotenda izvozvo nemitemo iyoyo zvichaita kuti vadzidze neshungu uye upenyu hwavo hwese huzovafambira zvakanaka vachigarisana nevamwe munyika.

Zvapupu zvinonzwisisa kuti dzidzo inokosha zvikuru muupenyu. Saka chido chavo ndechekuita zvese zvavanogona kuti vashandire pamwe nemi. Ivo vachange vachikurudzira vana vavo mudzimba dzavo nemunzvimbo dzavanounganira pasi rese vachinamata, kuti ivowo vana vaite pavo pabasa iri rinoda mushandirapamwe.