Zvirongwa Zvekudzidzisa Vanhu
Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa pasi rese nebasa rekudzidzisa vanhu Bhaibheri.
SEZVO Zvapupu zvichikoshesa chaizvo basa rekudzidzisa vanhu Bhaibheri, vamwe vanofunga kuti Zvapupu hazvikoshesi dzidzo inowanika kuzvikoro. Asi ichocho hachisi chokwadi. Kuti mudzidzisi akwanise kudzidzisa vamwe, iye pachake anofanira kutanga adzidza, uye izvozvo zvinoda kuti anyatsodzidziswa. Saka kuwedzera padzidzo yazvinowana kuzvikoro, Zvapupu zvaJehovha zvava
nemakore zvichibatsirwa nezvirongwa zvakasiyana-siyana zvekudzidzisa vanhu zvinoitwa neWatch Tower Society. Izvi zvakabatsira Zvapupu nevamwewo kuti vawedzere ruzivo rwavo, vave netsika dzakanaka, uye vawedzere kuziva Mwari.Semuenzaniso, munyika dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvinowanzoona zvakaoma kudzidzisa vanhu vanenge vasingagoni kuverenga nekunyora nekuti vanenge vasina kuwana mukana wekuenda kuchikoro. Saka Watch Tower Society yakaita urongwa hwekuti vanhu vadzidziswe kuverenga nekunyora.
Semuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha muNigeria zvakaronga makirasi ekudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora kubvira muna 1949. Urongwa uhwu hwakabatsira zviuru nezviuru zvevanhu muNigeria kuti zvigone kuverenga. Imwe ongororo yakaitwa yakaratidza kuti inopfuura 90 muzana yeZvapupu zvaJehovha zvemuNigeria inokwanisa kuverenga nekunyora, asi pavagari vese vemuNigeria vasiri Zvapupu, vanogona kuverenga nekunyora havasvike 50 muzana. KuMexico, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga makirasi ekudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora muna 1946. Mugore rimwe chete, vanhu vanopfuura 6 500 vakadzidziswa kuverenga nekunyora. Vanhu vanopfuura 100 000 vakatobatsirwa kuti vagone kuverenga nekunyora. Urongwa hwekuva nemakirasi ekudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora hwakaitwawo mune dzimwe nyika dzakawanda dzakadai seBolivia, Cameroon, Nepal, uye Zambia. Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa makopi anopfuura mamiriyoni 7 ebhuku rekudzidzisa vanhu kuverenga nekunyora rinonzi Shingairira Kuverenga Nokunyora mumitauro inopfuura 100.
Munyika dzakawanda munenge maitwa urongwa uhwu, vehurumende vanowanzotenda chaizvo basa iri. Semuenzaniso, mumwe mushandi wehurumende wekuMexico akanyora kuti: “Ndinotenda basa ramuri kuita, uye ndakamiririra hurumende, ndinoda kuti muzive kuti tiri kufadzwa chaizvo nebasa rakanaka ramuri kuita rekubatsira vanhu vasingagoni kuverenga nekunyora kuti vave neruzivo. . . . Ndinoti dai mukaramba muchibudirira pabasa renyu rekudzidzisa vanhu.”
Humwe Urongwa Hwekudzidziswa
Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichikoshesa zvikuru basa rekudzidzisa vanhu Bhaibheri, zvinoedza kuvandudza unyanzvi hwekutsanangurira vamwe Bhaibheri. Semuenzaniso, mumapoka anopfuura 119 000 avanoungana vari pasi rese, vanodzidziswa kuverenga uye kutaura paruzhinji. Kunyange vana vadiki, kana vava kungokwanisa kuverenga, vanogona kunyoresa kuti vadzidziswe kuverenga uye kutaura paruzhinji, izvo zvinozovabatsira chaizvo muupenyu, kusanganisira kuchikoro. Vadzidzisi vakawanda vanowanzotaura kuti vana veZvapupu vanotaura vakanyatsosununguka.
Uyewo, ungano imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha inokurudzirwa kuti
paImba yoUmambo yavanoungana kana kuti panzvimbo yavanosangana pave neraibhurari inenge iine mabhuku anobatsira kutsanangura Bhaibheri, maduramazwi, nemamwe mabhuku anoshandiswa pakutsvakurudza. Raibhurari iyi inokwanisa kushandiswa nemunhu wese anouya kuzonamata paImba yoUmambo. Muungano dzavo, vanhu vanokurudzirwa kuverenga, uye mhuri imwe neimwe inokurudzirwawo kuti ive neraibhurari yayo inenge iine mabhuku akasiyana-siyana evana neevanhu vakuru.Zvikoro Zvatiinazvo
Zvapupu zvaJehovha zvinewo zvikoro zvekudzidzisa mamishinari echikadzi
neechirume, uyewo zvikoro zvekudzidzisa varume vanoita mabasa akasiyana-siyana ekutungamirira ungano. Hwese uhwu uchapupu hunoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa chaizvo dzidzo.