CHIKAMU 3
Vanhu Vanopukunyuka Mafashamo
Mwari anoparadza nyika yakaipa asi anochengetedza Noa nemhuri yake
VANHU zvavaiwanda, chivi neuipi zvakapararira nokukurumidza panyika. Mumwe muprofita aiparidza ega ainzi Inoki akanyevera kuti rimwe zuva Mwari aizoparadza vanhu vakaipa. Kunyange zvakadaro, uipi hwakaramba huchipararira huchitowedzera. Dzimwe ngirozi dzakapandukira Jehovha nokusiya nzvimbo dzadzo dzokudenga, dzikapfeka miviri yevanhu vepanyika, ndokutora vakadzi nemakaro kuvaita madzimai. Zvakaita kuti paberekwe vana vakasimba zvisingabviri
Inoki afa, mumwe murume akaratidza kuti akanga akasiyana nevanhu vakaipa vaiva panyika. Ainzi Noa. Iye nemhuri yake vakaedza kuita zvakarurama mukuona kwaMwari. Mwari paakasarudza kuparadza vanhu vakaipa venyika iyoyo, aida kudzivirira Noa nemhuka. Saka Mwari akamuudza kuti avake areka
Mvura yakatsvotsvoma kwemazuva 40 neusiku 40 kusvika nyika yose yafukidzwa. Vakaipa vakaparadzwa. Papera mwedzi yakati kuti, mvura zvayaidzikira, areka yakagara pagomo. Kusvika panguva yakazobuda Noa nemhuri yake nemhuka muareka, vakanga vapedza gore varimo. Noa akapa chibayiro kuna Jehovha achitenda. Mwari akapindura nokuvimbisa Noa nemhuri yake kuti aisazounzazve mafashamo kuti aparadze zvinhu zvose zvipenyu panyika. Jehovha akapa muraraungu sevimbiso inooneka, chiyeuchidzo chechipikirwa ichi chinonyaradza.
Mafashamo apera, Mwari akapawo vanhu mimwe mirayiro mitsva. Akavapa mvumo yokudya nyama yemhuka. Zvisinei, akavarambidza kudya ropa. Akarayirawo vazukuru vaNoa kuti vapararire panyika, asi vamwe vavo havana kuteerera. Vanhu vakabatana pasi pemutungamiriri ainzi Nimrodhi vakatanga kuvaka shongwe huru muguta reBhabheri, rakazonzi Bhabhironi. Chinangwa chavo chaiva chokuita zvinopesana nemurayiro waMwari wokuti vanhu vapararire nenyika. Asi Mwari akavhiringidza vapanduki vacho nokuvhiringidza mutauro wavo mumwe chete achiita kuti vataure mitauro yakasiyana-siyana. Sezvo vakanga vasisakwanisi kunzwisisana, vakasiyira basa racho panzira ndokupararira.
—Kubva pana Genesisi zvitsauko 6 kusvika ku11; Judha 14, 15.