Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

Vanhu Vanopukunyuka Mafashamo

Vanhu Vanopukunyuka Mafashamo

Mwari anoparadza nyika yakaipa asi anochengetedza Noa nemhuri yake

VANHU zvavaiwanda, chivi neuipi zvakapararira nokukurumidza panyika. Mumwe muprofita aiparidza ega ainzi Inoki akanyevera kuti rimwe zuva Mwari aizoparadza vanhu vakaipa. Kunyange zvakadaro, uipi hwakaramba huchipararira huchitowedzera. Dzimwe ngirozi dzakapandukira Jehovha nokusiya nzvimbo dzadzo dzokudenga, dzikapfeka miviri yevanhu vepanyika, ndokutora vakadzi nemakaro kuvaita madzimai. Zvakaita kuti paberekwe vana vakasimba zvisingabviri—hofori dzaiita zvechisimba dzainzi vaNefirimu dzakaita kuti kurwisana uye kuteurwa kweropa kuwedzere panyika. Mwari akarwadziwa zvikuru paakaona zvisikwa zvake zvepanyika zvichiparadzwa.

Inoki afa, mumwe murume akaratidza kuti akanga akasiyana nevanhu vakaipa vaiva panyika. Ainzi Noa. Iye nemhuri yake vakaedza kuita zvakarurama mukuona kwaMwari. Mwari paakasarudza kuparadza vanhu vakaipa venyika iyoyo, aida kudzivirira Noa nemhuka. Saka Mwari akamuudza kuti avake areka—chikepe chihombe chakaita kunge bhokisi. Paizouya mafashamo panyika, Noa nemhuri yake vaizochengetedzwa vari vapenyu muareka yacho pamwe chete nemhuka dzakasiyana-siyana dzakawanda. Noa akateerera Mwari. Mumakumi emakore aakapedza achivaka areka yacho, Noa aivawo “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Akanyevera vanhu nezveMafashamo aizouya asi havana kumuteerera. Nguva yakasvika yokuti Noa nemhuri yake vapinde muareka nemhuka. Mwari akabva avhara musuwo weareka yacho. Mvura yakanaya.

Mvura yakatsvotsvoma kwemazuva 40 neusiku 40 kusvika nyika yose yafukidzwa. Vakaipa vakaparadzwa. Papera mwedzi yakati kuti, mvura zvayaidzikira, areka yakagara pagomo. Kusvika panguva yakazobuda Noa nemhuri yake nemhuka muareka, vakanga vapedza gore varimo. Noa akapa chibayiro kuna Jehovha achitenda. Mwari akapindura nokuvimbisa Noa nemhuri yake kuti aisazounzazve mafashamo kuti aparadze zvinhu zvose zvipenyu panyika. Jehovha akapa muraraungu sevimbiso inooneka, chiyeuchidzo chechipikirwa ichi chinonyaradza.

Mafashamo apera, Mwari akapawo vanhu mimwe mirayiro mitsva. Akavapa mvumo yokudya nyama yemhuka. Zvisinei, akavarambidza kudya ropa. Akarayirawo vazukuru vaNoa kuti vapararire panyika, asi vamwe vavo havana kuteerera. Vanhu vakabatana pasi pemutungamiriri ainzi Nimrodhi vakatanga kuvaka shongwe huru muguta reBhabheri, rakazonzi Bhabhironi. Chinangwa chavo chaiva chokuita zvinopesana nemurayiro waMwari wokuti vanhu vapararire nenyika. Asi Mwari akavhiringidza vapanduki vacho nokuvhiringidza mutauro wavo mumwe chete achiita kuti vataure mitauro yakasiyana-siyana. Sezvo vakanga vasisakwanisi kunzwisisana, vakasiyira basa racho panzira ndokupararira.

—Kubva pana Genesisi zvitsauko 6 kusvika ku11; Judha 14, 15.