Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUPARIDZA NOKUDZIDZISA MUNYIKA YOSE

Nyika dzekuAmerica

Nyika dzekuAmerica
  • NYIKA 57

  • VANOGARAMO 970 234 987

  • VAPARIDZI 3 943 337

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 4 341 698

Vakakumbira Murume Nomudzimai Kuti Vagare Pamba Pavo

MuLas Vegas, kuNevada, mumwe murume nomudzimai wake vasiri Zvapupu vaida nzvimbo ine runyararo yokugara, saka vakatengesa imba yavo kuti vatamire kuDominican Republic. Zvisinei, vaifanira kubuda muimba yavo pachine mazuva gumi vasati vakwira ndege yavaizoenda nayo. Kuti vavabatsire, vavakidzani vavo vaiva Zvapupu zvaJehovha, vakavakumbira kuti vagare navo pamba pavo. Panguva  yavaigara ipapo, vakapinda misangano paImba yoUmambo. Vakashamiswa pavakanzwa gore ra1914 richitaurwa uye zvakaita kuti vade kuziva zvakawanda. Vaiziva kuti iri raiva gore rinokosha zvikuru munhoroondo yenyika. Pavakangosvika kuDominican Republic, vakakumbira Chapupu chakatanga kuvashanyira kuti chivadzidzise Bhaibheri. Papera mwedzi 14, vose vari vaviri vakazvitsaurira ndokubhabhatidzwa.

Ndizvo Zvaaida Chaizvo

Hama dzakagadzira nzvimbo yemabhuku paInternational Book Fair yakaitwa muna 2012 muPanama City, kuPanama. Vasikana vaviri vechikoro vakasvikapo. Mumwe wavo akaudza hanzvadzi yaiva panzvimbo yacho kuti ainge asiri kufara. Musikana wacho akatsanangura kuti baba vake vainge vapindwa muropa nemadhiragi uye kuti aisaziva kuti oita sei nazvo. Hanzvadzi yacho yakamuratidza chitsauko 23 chebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, chinoti: “Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?” Musikana wacho akabva ati: “Izvi ndizvo zvandiri kuda chaizvo!” Vasikana vacho vakambundira hanzvadzi yacho ndokuzodzoka papera awa imwe chete kuti vaionge zvakare. Pamazuva mashanu akaitwa International Book Fair yacho, hama dzakagovera mabhuku 1 046, magazini 1 116, nemabhurocha 449. Vanhu 56 vakasiya kero dzavo kuti Zvapupu zvizovashanyira.

Makore Mana Achiparidza Ari Oga

Fredy, uyo anotaura chiCabecar, anogara kure munzvimbo iri pagomo muCosta Rica. Makore mana adarika paaishanda muguta guru reSan José, Fredy akawana bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye bhurocha raMwari Anodei  Kwatiri? Muparidzi akamugovera mabhuku acho akamuudza kuti adzokere kunoparidzira vanhu verudzi rwake saka akadzokera kumba kwake. Fredy akadzidza ega bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? ndokugadzirisa zvinhu muupenyu hwake, zvakadai sokunyoresa wanano yake. Akabva aita zvose zvaaigona pakudzidzisa vanhu vechiCabecar chokwadi.

Fredy akaronga makirasi evadzidzi vake veBhaibheri. Aiva nemakirasi ane matanho 6, achiisa vadzidzi mumatanho aienderana nezvavainge vaita pabvunzo yaaivapa kuti aone zvainge zvakaita zivo yavo yeBhaibheri. Aironga misangano uye kutoita Chirangaridzo, achinyora ega mapepa okukoka, aiti: “Zvapupu zvaJehovha zvinokukokai kuti muzopinda nesu Chirangaridzo chorufu rwaKristu.” Akaita zvose izvi kwemakore mana asina kuzombotaurazve neZvapupu! Panguva iyoyo, akanyengetera kuna Jehovha kuti atumire Zvapupu kuti zvimubatsire.

Munguva ichangobva kupfuura, munyengetero waFredy wakapindurwa. Zvimwe Zvapupu zvakaita rwendo rwakaoma zvichienda kwaaigara uye zvakashamiswa nekuona zvose zvaainge aita. Vakashuma kuti, “Kunyange zvazvo Fredy asiri Chapupu chakabhabhatidzwa, anorarama seChapupu!” Papera mwedzi mitatu chete, akabvumirwa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Paakabhabhatidzwa, Fredy akaenda kunopinda gungano rake rokutanga, aine vanhu 19 vaaidzidza navo Bhaibheri. Iye zvino akaronga mamwezve mapoka matatu evanhu vanotaura chiCabecar vanogara kunzvimbo dziri kure zvikuru kupfuura kwaanogara.

Costa Rica: Fredy, uyo ava kushumira sapiyona wenguva dzose, anofamba madaro marefu kuti anoitisa zvidzidzo zveBhaibheri

Akadzivirira Kutenda Kwake Kuchikoro

Rimwe zuva Anna, uyo ava kusekondari muUnited States, aifanira kudzivirira zvaanotenda paaipikiswa nevezera rake vanoverengeka avo vainge vakagumbuka kuti aisadavira Utatu. “Vakatanga kundiunganira,” anodaro Anna, “asi ndakaramba ndakadzikama nokuti ndaisada kuti vanhu vaone Zvapupu zvaJehovha nenzira isina kunaka.” Usiku ihwohwo  akanyengetera kuna Jehovha achikumbira ushingi ndokutsvakurudza nezvedzidziso yoUtatu. Mangwana acho, Anna akaenda neBhaibheri rake kuchikoro. Vomukirasi make vakamuunganira, vakawanda vacho vachimuseka zvokutsvinya. Kunyange zvakadaro, akashinga kuvaratidza magwaro akati kuti achivabatsira kuona pfungwa dzacho. Pakupedzisira, vaimuitisa nharo vakasona miromo. Musikana ainyanya kumuitisa nharo, uyo aivawo purezidhendi wekirasi yacho, akazobvuma ega kuti ainge ava kuremekedza Zvapupu zvaJehovha. Gore rakasvika pakupera achibvunza Anna mibvunzo yakasiyana-siyana pamusoro pezvaanotenda.

Bhutsu Yakadambuka Panguva Yakakodzera

Mumwe mukadzi wechiduku kuBarbados ainge achifamba achienda kuchechi iri Svondo mangwanani bhandi rebhutsu yake parakadambuka. Akaenda paimba yaiva pedyo ndokukumbira chipeneti chokuti abatanidze bhandi racho. Zvakangoitikawo kuti paiva pamba peimwe hanzvadzi iri Chapupu nemwanasikana wayo. Mukadzi wacho paaigadzira bhutsu yake, hanzvadzi yacho yakamutsanangurira  nezvekuzadzika kuri kuita uprofita hweBhaibheri iye zvino. Mwanasikana wehanzvadzi yacho akabva amukoka kuti azopinda navo misangano yaizoitirwa paImba yoUmambo gare gare mangwanani iwayo. Achiona kuti ainge anonoka kuchechi kwake, mukadzi wacho akabvuma. Panguva yemisangano yacho, aitarisa magwaro ose muBhaibheri rake reKing James. Purogiramu yacho yakamunakidza chaizvo. Akati ainge aneta nokunzwa ruzha rwengoma nerwevanhu vaishevedzera kuchechi kwake uye kuti ainge agara achida kudzidza Bhaibheri rake ari munzvimbo yakanyarara. Akatora bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uyewo akabvuma kudzidza Bhaibheri. Anopinda misangano yose uye anopindura nechido.

Munhu Mumwe Chete Bedzi Ndiye Anogona Kuita Kuti Arege Kuparidza

Imwe hama yechiduku kuGuyana inoti: “Ndinoda kuparidzira vomukirasi mangu kuchikoro, asi pane mukomana mumwe chete asingadi kundiona ndichiparidza. Rimwe zuva, akandisaidzira kumadziro ndokundiudza kuti, ‘Rega kuparidza!’ Ndakapindura kuti munhu chete anogona kuita kuti ndirege kuparidza ndiJehovha. Sezvandakaramba ndichiparidza, mukomana wacho akacheka bhegi rangu. Akabva andirova chibhakera kumeso, ndikatsemuka muromo. Tiri vaviri takabva tashevedzwa kuhofisi yemukuru wechikoro, uyo akandibvunza kuti ndainge ndaitei zvakazoita kuti mukomana wacho andirove chibhakera kumeso. Ndakapindura kuti ndanga ndichiparidza mashoko akanaka, ndosaka mukomana wacho andirova. Mukuru wechikoro akandibvunza kuti ndainge ndaregererei kudzorera, achitoti ndaifanira kunge ndamudzorerawo. Ndakataura kuti ndakadzidza muBhaibheri pana VaRoma 12:17 kuti vaKristu havafaniri ‘kudzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.’ Paakanzwa izvozvo, mukuru wechikoro akanditi ndiende, achibva ati aizopedzerana nemukomana ainge andirova.”

Catamarca, Argentina