Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Bheji Ndiro Raiva “Pasipoti” Yavo

Bheji Ndiro Raiva “Pasipoti” Yavo

“MUNA 1987, vanhu vanodarika 1 000 vakapinda Gungano Reruwa raiva nemusoro unoti, ‘Vimba naJehovha’ muGuékédou, kuGuinea. Sezvo nzvimbo yegungano racho yaiva pedyo nemuganhu weSierra Leone neLiberia, vanhu vakawanda vemunyika idzodzo vakasarudza kuenda vachidzoka zuva rimwe nerimwe. Zvisinei, vakanga vasina magwaro okufambisa akakodzera. Saka hama dzaitungamirira dzakataura nevakuru vepabhodha nezvenyaya yacho ndokusvika pakubvumirana. Vanhu vacho vaizongofanira kuva negwaro rimwe chete—bheji ravo regungano! Mapurisa epabhodha paaiona mabheji eorenji, aibva apa vanhu vacho chiratidzo chokuti vapfuure.”—Everett Berry, aimbova mumishinari.

Hama dzakanakirwa nezvokudya pagungano iri