Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Mapoka Epachivande

Mapoka Epachivande

MAPOKA epachivande akapararira kuWest Africa uye nhengo dzawo dzine madzinza, tsika uye mitauro zvakasiyana-siyana. Masangano aya anopa nhengo dzawo mitemo ine chokuita nezvadzinoita panyaya dzekugarisana, dzidzo uye zvematongerwo enyika. Zvisinei, basa rawo guru nderokuita zvechitendero. Mapoka maviri akanyanya kukura anoti Poro (revarume) uye Sande (revakadzi). * Somuenzaniso, boka rinonzi Poro rinoedza kwazvo “kudzora midzimu uye kuva nechokwadi chokuti kupindira kwainoita muzvinhu zvine chokuita nevarume kunobatsira.”—Initiation, 1986.

Nhengo itsva dzePoro dzinodzidziswa zvakavanzika nezvenyika yemidzimu uye masimba ouroyi, uye dzinoiswa mavanga pamiviri yadzo. Nhengo itsva dzeSande dzinodzidzawo kuita zvemidzimu uye dzinowanzochekwa nhengo dzekubereka nadzo, kunyange zvazvo tsika iyi isingachaitwi mune dzimwe nzvimbo.

Mamwe mapoka epachivande anopa mitemo ine chokuita nezvepabonde uye anoshandisa chidhimoni pakuedza kurapa kupenga kana kuti zvimwe zvirwere. Muhondo yevagari vomuSierra Leone, rimwe boka repachivande raiti nhengo dzaro hadzina zvadzinoitwa nemabara. Ichi chaisava chokwadi.

Nhengo dzeboka repachivande dzinorambidzwa kuudza vamwe vanhu zvinhu zvinozivikanwa neboka racho uye zvarinoita. Munhu anotyora mitemo yeboka repachivande anogona kuurayiwa.

^ ndima 3 Mune dzimwe nzvimbo, boka rinonzi Sande rinozivikanwa seBondo.