Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Zvakaita Sierra Leone neGuinea

Zvakaita Sierra Leone neGuinea

Nyika Nyika dzacho dziri mbiri dzine matoro ari pedyo negungwa, mapani, nzvimbo dzakakwirira dzinorimwa, uye makomo makuru. Panzizi hombe dzekuWest Africa, nhatu dzacho dzinonzi Gambia, Niger, uye Senegal dzinotangira muGuinea.

Vanhu VaMende nevaTemne ndivo madzinza makuru zvikuru pamadzinza 18 evanhu vemuSierra Leone. VaKrio—vazukuru vevaranda vakasunungurwa vemuAfrica—vanonyanya kugara munzvimbo dzakapoteredza Freetown. MuGuinea mune madzinza anodarika 30, makuru pane ose ari evaFulani, vaMandingo, uye vaSusu. *

Chitendero Inenge 60 muzana yevanhu vomuSierra Leone vaMuslim; rumwe ruzhinji runozviti vaKristu. Vanhu vomuGuinea vanoda kusvika 90 muzana vaMuslim. Vanhu vakawanda munyika dzacho dziri mbiri vanotevedzerawo tsika dzezvitendero zvemuAfrica.

 Mutauro Dzinza rimwe nerimwe rine mutauro waro. Mutauro unoshandiswa nevanhu vakawanda vemadzinza akasiyana-siyana vomuSierra Leone chiKrio—musanganiswa weChirungu, mitauro yokuEurope neyomuAfrica. Mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji muGuinea chiFrench. Vanhu vanenge 60 muzana mune imwe neimwe yenyika dzacho havana kudzidza.

Chinovararamisa Vanhu vakawanda vanorima zvinokwana kuti vangowana chokurarama nacho. MuSierra Leone madhayamondi ndiwo anounza inenge hafu yemari yezvinhu zvose zvinotengeswa kunze kwenyika. Guinea ndeimwe yenyika dzine matombo akawanda ane aruminiyamu (bauxite) mupasi rose.

Zvokudya Mashoko anowanzotaurwa ndeokuti, “Kuti ndinzi ndadya, ndokunge ndadya mupunga!” Fufu, kureva mufarinya wakafashaidzwa ukadzvurwa kuva mukanyiwa unonama, inowanzodyiwa nenyama, derere, uye muto unovavira.

Mamiriro Ekunze Pedyo negungwa kunopisa uye kuine unyoro. Nzvimbo dzakakwirira dzinotonhorera. Mumwaka usinganayi mvura, harmattan, mhepo isina unyoro inobva muSahara, inovhuvhuta kwemazuva, ichideredza kupisa uye ichifukidza nzvimbo yacho neguruva.

^ ndima 4 Mamwe madzinza anozivikanwa nemazita akawanda.

 

SIERRA LEONE

GUINEA

NYIKA

71 740 km2

245 857 km2

VANOGARAMO

6 092 000

11 745 000

VAPARIDZI MUNA 2013

2 039

748

RESHIYO, MUPARIDZI MUMWE PA

2 988

15 702

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO MUNA 2013

8 297

3 609