Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

2002-2013 Zvakaitika Munguva Ichangobva Kupfuura (Chikamu 2)

2002-2013 Zvakaitika Munguva Ichangobva Kupfuura (Chikamu 2)

Kubatsira Matsi

Zvinofungidzirwa kuti muSierra Leone mune matsi dzinenge 3 000 kusvika ku5 000 uye muGuinea mune mazana ematsi. Sezvo Jehovha ‘achida kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe,’ matsi “dzinganzwa” sei mashoko akanaka?—1 Tim. 2:4.

Michelle Washington, mumishinari wekuGiriyedhi akasvika muSierra Leone muna 1998, anoti: “Ini nemurume wangu, Kevin, takatumirwa kuungano yaiva nematsi ina dzaipinda misangano. Sezvo ndaigona Mutauro Wemasaini wekuAmerica, ndaida kuvabatsira. Hofisi yebazi yakandikumbira kuti nditurikire matsi pamisangano nemagungano uye yakaudza ungano dzaiva pedyo nezveurongwa uhwu. Bazi rakarongawo kuti pave nemakirasi ekuti vaparadzi vaida kubatsira matsi vadzidze mutauro wemasaini. Takatanga kutsvaga vanhu vari matsi uye kuvaitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Vanhu vakawanda vaitirumbidza  pavaiona zvataiita kuti tibatsire matsi. Zvisinei, haasi munhu wose akafadzwa nezvataiita. Mufundisi aibatsira matsi akataura kuti taiva ‘vaprofita venhema.’ Akanyevera vanhu vacho pamwe chete nehama dzavo kuti vatambire kure nesu. Vamwe vakaudzwa kuti kana vakataura nesu vaisazoramba vachibatsirwa nemari. Vanhu vaiva matsi vakakurumidza kupatsanuka kuita mapoka maviri: vaya vakanga vasati vaonana nesu vaitsigira mufundisi nevaya vatakanga taonana navo vaisatsigira mufundisi. Vamwe vaisatsigira mufundisi vakatsigira chokwadi ndokufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa.”

Somuenzaniso, Femi akaberekwa ari matsi uye aisanyatsogona mutauro wemasaini. Aisavimba nemunhu wose—kunyanya vanhu vanonzwa—uye aisafara uye ainzwa asingadiwi. Akabva atanga kudzidza Bhaibheri nehama dzaiva muboka remutauro wemasaini. Pasina nguva ainge ava kupinda misangano yechiKristu nguva dzose uye kudzidza mutauro wemasaini. Femi akafambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa uye ava kufara kudzidzisa dzimwe matsi chokwadi.

Femi, (ari kwokupedzisira kurudyi) achiimba rwiyo rwoUmambo nemasaini

Muna July 2010, boka reMutauro Wemasaini wekuAmerica remuFreetown rakava ungano. Panewo mapoka emutauro wemasaini muBo uye muConakry.

Varombo Asi ‘Vakapfuma Mukutenda’

Bhaibheri rinoratidza kuti vaKristu vakawanda vemuzana remakore rekutanga vaiva varombo. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Mwari haana kusarudza varombo mune zvenyika kuti vapfume mukutenda . . . here?” (Jak. 2:5) Vaparidzi vomuSierra Leone neGuinea vanowanawo nyaradzo netariro kubva pakutenda kwavanoita muna Jehovha.

Kutenda kunoita kuti mhuri dzakawanda dzinoshayiwa dzeZvapupu dzinogara kunzvimbo dziri kure dziite mwedzi yakawanda dzichichengeta mari kuti dzipinde magungano  eruwa. Vamwe vanorima kuti vawane mari yekufambisa. Mapoka evanhu 20 kusvika ku30 anopakirana mutumotokari tune zvingoro vachifamba kwemaawa anogona kusvika 20 kana kupfuura vachitsva vari mumigwagwa yakashata ine guruva. Vamwe vanofamba madaro marefu netsoka. “Takafamba netsoka makiromita 80 ekutanga tichienda kugungano, takatakura mabhanana akawanda,” inodaro imwe hama. “Takatengesa mabhanana acho munzira, tichirerutsa mutoro wedu uye tichiwana mari inokwana kuti tipedzise rwendo rwacho nerori.”

Kuenda kugungano reruwa nerori

Kutenda kwakaitawo kuti vaparidzi vakawanda varege kutamira kunyika dzakati pfumei. “Tinovimba kuti Jehovha achatipa zvatinoda,” anodaro Emmanuel Patton, akapedza kudzidza kuChikoro cheBhaibheri Chehama  Dzisina Kuroora. “Nemhaka yekuti tinogara munyika inonyanya kudiwa vaparidzi veUmambo, tinoona kuti basa redu rinokosha zvikuru.” (Mat. 6:33) Emmanuel ava kushumira semukuru muungano, uye iye nemudzimai wake, Eunice, vanoshanda nesimba pakutsigira zvinhu zvine chokuita neUmambo. Vamwe vanababa vanosarudza kusatamira kune dzimwe nzvimbo kuitira kuti vachengetedze kubatana uye kunamata kwemhuri dzavo. “Ndakaramba basa raizoita kuti ndive kure nemhuri yangu kwenguva yakareba,” anodaro Timothy Nyuma, akamboshumira sapiyona uye aimbofanobata nzvimbo yemutariri wedunhu. “Ini nemudzimai wangu, Florence, takaitawo kuti vana vedu  vadzidze munharaunda yataigara pane kuti tivaendese kure kunorerwa nevamwe.”

Dzimwe hama nehanzvadzi dzinoratidza kutenda nokuramba dzichiita mabasa echiKristu pasinei nematambudziko akasiyana-siyana. Kevin Washington, ambotaurwa, anoti: “Vaparidzi vakawanda vanogara vachiparidza uye vachiita mabasa eungano panguva imwe chete vachisangana nematambudziko angaita kuti isu tigare kumba takangoti kwindi. Somuenzaniso, vamwe vanogara vachingorwara uye havakwanisi kurapwa uye kuwana mishonga zviri nyore sezvinoitika kune dzimwe nzvimbo. Vamwe vanoshanda nesimba chaizvo kuti vakwanise kuverenga nekunyora. Kana ndikangopindwa nekapfungwa kekushora mapiro anoita imwe hama hurukuro, ndinozvibvunza kuti: ‘Dai ndaishanda kunyika nguva yakawanda, ndiine matambudziko makuru eutano, ndisinganyatsooni asi ndisina magirazi emaziso, uye ndiine mabhuku mashoma esangano uye ndisina magetsi, ndaizodzipa zvakanaka saizvozvo here?’”

Hama nehanzvadzi muSierra Leone neGuinea dzinokudza Jehovha padzinoita izvi nezvimwewo zvakawanda. Sezvaingoita vaKristu vemuzana remakore rekutanga, vanoratidza kuti ivo vashumiri vaMwari ‘nokutsungirira zvizhinji, nokutambudzika, nokushayiwa zvinhu, vachiita sevarombo asi vachipfumisa vazhinji, sevasina chinhu asi vaine zvinhu zvose.’—2 VaK. 6:4, 10.

Kutarisira Ramangwana Nechivimbo

Makore anopfuura 90 adarika, Alfred Joseph naLeonard Blackman vakashuma kuti minda yeSierra Leone yakanga “yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35) Papera makore 35, Manuel Diogo akanyora ari muGuinea, achiti, “Muno mune vanhu vakawanda vanofarira.” Nhasi vashumiri vaJehovha munyika mbiri idzi vane chokwadi chokuti vamwe vanhu  vakawanda vachateerera mashoko akanaka vova Zvapupu.

Muna 2012, muGuinea makava nevanhu 3 479 vakapinda Chirangaridzo, nhamba inopeta nekanenge kashanu nhamba yevaparidzi vose munyika yacho. MuSierra Leone maiva nevaparidzi 2 030 uye vanhu vakapinda Chirangaridzo vaiva 7 854, nhamba inopeta yevaparidzi vacho kanenge kana. Mumwe akava Chapupu kare aivapo manheru eChirangaridzo chacho ndipiyona chaiye aiva nemakore 93 ainzi Winifred Remmie. Iye nemurume wake, Lichfield, vakasvika muSierra Leone muna 1963. Pashure pemakore 60 ari mubasa renguva yakazara, akanga achiri kushumira sapiyona chaiye. Winifred akati: “Hapana  akambofunga kuti Sierra Leone yaizova nehama nehanzvadzi dzakawanda kudai dzakasimba pakunamata. Kunyange zvavo ndachembera, ndichiri kuda kuva nezvandinoita pakuwedzera uku kunofadza.” *

Zvapupu zvaJehovha zvemuSierra Leone neGuinea zvine manzwiro seaiva naWinifred. Kufanana nemiti yakanaka inonyatsodiridzwa, vakatsunga kuramba vachibereka zvibereko zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe. (Pis. 1:3) Nesimba raJehovha vacharamba vachizivisa tariro yechokwadi yekusunungurwa kwevanhu—“rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaR. 8:21.

Dare Rebazi, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Collin Attick, Alfred Gunn, Tamba Josiah, naDelroy Williamson

^ ndima 16 Winifred Remmie akafa nyaya ino payakanga ichinyorwa.