Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

DOMINICAN REPUBLIC

Vanoda Hama Dzavo

Vanoda Hama Dzavo

Chikoro Chitsva Chakabatsira Pane Zvaidiwa

Jehovha akakomborera kushanda nesimba kwaiita vashumiri vake muDominican Republic. Muna 1994, makanga mava neavhareji yevaparidzi veUmambo vanosvika 16 354 muungano 259. Nemhaka yekuwedzera ikoko, pakanga pava kunyanya kudiwa vakuru nevashumiri vanoshumira vanokwanisa kuita mabasa emuungano. Mugore iroro, Dare Rinodzora rakabvumira kuti Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, icho chakatsiviwa neChikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, chiitwewo muDominican Republic.

Pakazosvika October 2011, chikoro chacho chainge chaitwa ka25, uye hama dzinenge 600 dzainge dzatochipinda. Kutaura kuno, vanopfuura hafu yavo vari kuita zvakasiyana-siyana mubasa renguva yakazara. Vanosvika 71 vari kushanda semapiyona chaiwo uye 5 vatariri vematunhu. Makirasi gumi ekutanga akaitirwa pabazi, asi kubva ipapo chikoro chacho chava nenzvimbo yacho yachava kuitirwa, muVilla González.

“Zvapupu zvaJehovha Zvine Hanya Nevamwe Vazvo”

Musi wa22 September 1998, dutu rinonzi Hurricane Georges rakapfuura nemuDominican Republic riine mhepo ine simba zvikuru rikaparadza zvinhu zvakawanda. Zviuru zvevanhu zvakasara zvisina pekugara uye vanopfuura 300 vakafa. Dare Rokubatsira Panoitika Njodzi, richibatsirwa neDare Rokuvaka Romunharaunda rakaronga kuti pave nenzvimbo yekubatsira vanhu pane imwe Imba yeUmambo muLa Romana. Zvapupu zvinenge 300 zvakazvipira kubatsira pabasa rekuyamura kusanganisira zvimwe zvakabva kune dzimwe nyika 16.

Dzimba dzeUmambo 23 uye dzimba dzinopfuura 800 dzehama nehanzvadzi dzaifanira kugadziridzwa kana kutovakwa patsva. Semuenzaniso, Carmen, piyona wenguva dzose ati kurei, akagurwa kunorira dutu racho parakaparadza imba yaakanga agara kwemakore 38. Zvisinei, aisagona nemufaro pakauya hama 15 kuzotanga kuvaka faundesheni yeimba yake itsva. Carmen akati, “Jehovha anoramba achitifunga uye anotichengeta. Tarisai muone imba yakanaka yandiri kuvakirwa nehama. Vavakidzani vangu vakati: ‘Zvapupu zvaJehovha zvine hanya nevamwe vazvo; zvinodanana zvechokwadi.’” Mashoko akaita seaya akanzwiwa munyika yacho yose sezvo vaipa ruyamuro vaibatsira hama nehanzvadzi dzavo dzainge dzawirwa nedambudziko.

Kunyange zvazvo Hurricane Georges yakakonzera njodzi yakakura, vanhu vaJehovha vane rudo vakanyaradza hama dzedu dzakanga dzawirwa nenjodzi iyoyo. Chinonyanya kukosha ndechekuti kuzvipira kwehama dzaiyamura kwakaita kuti Jehovha, Mwari wekunyaradza kwese, akudzwe.

Kuvakwa kweDzimba dzeUmambo Kunowedzera

Nemhaka yekudirana kwevadzidzi vatsva vachiuya muungano, pakanga pava kudiwa Dzimba dzeUmambo dzakawanda. Nokudaro muna November 2000, hama dzemuDominican Republic dzakatanga kuvaka Dzimba dzeUmambo pasi pechirongwa chekubatsira nyika dzisina kupfuma. Izvi zvinoita kuti ungano ikwanise kuvaka Imba yeUmambo yakanaka mumavhiki anenge masere. Pakazosvika September 2011, mapoka maviri anoita zvekuvaka ainge avaka kana kuti agadziridza Dzimba dzeUmambo dzinenge 145.

Pane uchapupu hwakasimba huri kupiwa nezvivako izvi pamwe chete nevanozvipira pakuzvivaka. Semuenzaniso, mutaundi diki riri kuchamhembe kwadziva kumadokero kwenyika yacho, hama dzakawana nzvimbo inoita kuvakira Imba yeUmambo. Piyona chaiye akataura nemuridzi wenzvimbo yacho kuti vaitengeserwe. Murume wacho akamuti: “Musapedza nguva yenyu, handisi kuzokutengeserai nzvimbo iyi, kunyanya kana muri kuda kuzovaka chechi pairi.”

Nguva diki pashure pekunge vataura vese, muridzi wenzvimbo yacho akaenda kuPuerto Plata kunoshanyira mukoma wake mumwe weZvapupu zvaJehovha. Paakasvika, akaona kuti mukoma wake airwara akanga achichengetwa neimwe mhuri yeZvapupu pamba payo. Mhuri yacho yaienda naye kwachiremba, kumisangano, uye kunoparidza. Murume wacho akabvunza mukoma wake kuti aibhadhara marii yekuchengetwa kwaaitwa. Mukoma wacho akati: “Hapana kana chandinobhadhara. Ihama dzangu idzi.”

“Handisati ndamboona vanhu vakabatana uye vane mutsa kudaro”

Muridzi wenzvimbo yacho akabatwa-batwa nemutsa weZvapupu zvekuti akazotaura napiyona chaiye ainge ambotaura naye ndokumuudza kuti akanga achinja pfungwa uye kuti akanga ava kuda kuvatengesera nzvimbo yacho. Hama dzakatenga nzvimbo yacho ndokutanga kuvaka Imba yeUmambo. Munguva yakanga yapfuura, mudzimai wemuridzi wenzvimbo yacho aisafarira Zvapupu zvaJehovha. Asi, paakaona kushanda pamwe chete kwaiita hama pakuvaka akati: “Handisati ndamboona vanhu vakabatana uye vane mutsa kudaro.”