Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaitika Gore Rakapera

Zvakaitika Gore Rakapera

Jehovha Mwari akafemera muprofita Isaya kuti afanozivisa kuti: “Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama, panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi.” (Isa. 60:17) Gore rakapera takaona uchapupu hwakajeka hwekuti uprofita uhwu huri kuramba huchizadzika. Sezvo kutsiva chimwe chinhu nechiri nani kuri kuvandudza, saizvozvowo Zvapupu zvaJehovha zvaona kuvandudzwa kwezvinhu kuchiitika muurongwa hwesangano mumazuva ano ekupedzisira.—Mat. 24:3.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

Basa Riri Kufamba Chaizvo kuWarwick

Inzwawo zvinonakidza zvakaitika kuri kuvakwa mahofisi makuru matsva eZvapupu zvaJehovha.

Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose

Dhipatimendi idzva iri rine basa rakakura rekuita kuti basa rifambe nekukurumidza pakuvaka zvivako zvinopfuura 13 000.

Bhaibheri Rakagadzirwa Kuti Rigare Kwenguva Refu

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene ya2013 yakavandudzwa, yakanaka uye yakagadzirwa kuti igare kwenguva refu.

Kuungana kweZvapupu zvaJehovha Kukuru Kupfuura Kumwe Kwose

Musangano wepagore wechi129 weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania wakapindwa nevanhu vakawanda zvisati zvamboitika.

Kutsaurirwa Kwebazi remuSri Lanka

Papurogiramu iyi paishandiswa vhidhiyo kuti vanhu vakwanise kuonana vari kunzvimbo dzakasiyana.

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichiedza kuti zvive nekodzero yazvo yerusununguko rwekunamata.

Nyaya Dzinofadza—Dzakaitika Kwakasiyana-siyana

Chii chakaita kuti vasikana vechiduku vaviri vekuGeorgia vape chipo chemari yavaida kuzotenga nayo foni?

“Taona Zvinhu Zvinoshamisa”

Zvinhu zvipi zviri kuitika mazuva ano zvingaenzaniswa nezvishamiso zvakaitwa panguva yaJesu?