Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

GEORGIA | 1924 kusvika 1990

Misangano Inovabatsira Vese Kuti Vasimbe Pakutenda

Misangano Inovabatsira Vese Kuti Vasimbe Pakutenda

Misangano yechiKristu yakabatsira chaizvo vatsva kuti vasimbe pakutenda. Vaya vakanga vachangobva kubhabhatidzwa vaitodawo kuti misangano iitirwe padzimba dzavo sezvaingoitwa nevaya vakanga vava nenguva refu vari muchokwadi. Vese vaipinda misangano iyi vaigamuchirwa neushamwari uye izvi zvaiitawo kuti vatowedzera kudanana.

Vadzidzi vakati wandei pavainge vava kukodzera kubhabhatidzwa, misangano mikuru yaibva yarongwa nekungwarira. Muna August 1973, hama dzakaronga kuti musangano wakadaro uitwe kunze kweSokhumi, pedyo nemahombekombe eBlack Sea. Asi hapana kuzowanika nguva yekuti vadzidzi vacho 35 vabhabhatidzwe! Musangano wacho usati watombopera, mapurisa akauvhiringidza ndokusunga dzimwe hama nehanzvadzi, kusanganisira Hama Vladimir Gladyuk.

Hama Vladimir nedzimwe hama pavakangosunungurwa, vakabva vataurazve nevaya vakanga vachida kubhabhatidzwa. Saka vadzidzi ava vakazobhabhatidzwa pashure pemazuva maviri kubva pakavhiringidzwa musangano wekutanga. Vladimir anoti: “Takaona kuti Jehovha aiva kudivi redu. Rubhabhatidzo rwapera, takanyengetera kuna Jehovha tichimutenda.”

Kupikiswa Kwakatobatsira Pakuparidza

Mazuva maviri pashure perubhabhatidzo, Hama Vladimir Gladyuk vakasungwazve. Pave paya, ivo, Hanzvadzi Itta Sudarenko uye Hanzvadzi Natela Chargeishvili vakatongerwa kugara mujeri kwemakore akati wandei. Kunyange zvazvo vaparidzi vakarwadziwa nezvakaitika, vakaramba vakatsunga kuenderera mberi nekuparidza asi vachizviita nekungwarira.

Kuti vasanyumwirwa nevakuru vakuru vehurumende, vaparidzi vakatanga kunoparidzira kune mamwe mataundi nedzimwe nharaunda dzavainge vasingagari. Saka kupikiswa kwakaita kuti mashoko akanaka apararire kune dzimwe nzvimbo dzakatowanda.

Panguva yaitonga hurumende yechiCommunist, vaparidzi vemumaguta makuru vaiparidza mumigwagwa nemumapaki mavaisazovhiringidzwa. Vaiwanzosangana nevanhu vaibva kune mamwe mataundi vachiuya kuzoshanyira hama dzavo kana kuzotenga. Munhu paairatidza kufarira, vaparidzi vaibva vakumbira kero yake voronga kuzoonanazve naye.

Hanzvadzi Babutsa Jejelava vaiva pakati pevaya vakafamba nzvimbo dzakawanda kumadokero kweGeorgia. Vanoti: “Sezvo hama dzangu dzaiva kwakasiyana-siyana, hapana aindinyumwira kuti nei ndaifamba zvakanyanya kudaro. Papera anenge makore maviri, ndainge ndava kudzidza Bhaibheri nevanhu vanopfuura 20 muZugdidi uye 5 mutaundi reChkhorotsku. Vese vakazobhabhatidzwa.”

Paidiwa Mabhuku muchiGeorgian Nekukurumidza

Pasina nguva zvainge zvava pachena kuti paitodiwa mabhuku mumutauro wechiGeorgian. Pakukurukurazve nevainge vafarira uye pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, vaparidzi vakaona kuti paidiwa Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura mumutauro wainyatsonzwisiswa nevadzidzi vavo. *

Hanzvadzi Babutsa vanoyeuka kuoma kwazvainge zvakaita kuitisa chidzidzo cheBhaibheri pasina kana mabhuku echiGeorgian. Vanoti, “Ndaingova neBhaibheri nemamwe mabhuku muchiRussian, saka kazhinji ndaitofanira kushandurira zvidzidzo zvangu mabhuku ataizoshandisa pakudzidza.” Vachingoshandisa duramazwi chete, vakashandura nyaya dzaiva mumagazini edu muchiGeorgian. Vakashandurawo Evhangeri yese yaMateu!

Zvapupu zvakashandisa tumichina twemimeograph kugadzira mabhuku padzimba dzavo

Vanhu vaifarira chokwadi, vaida chaizvo kuverenga nyaya dzainge dzashandurirwa mumutauro waamai vavo, zvekuti vaitoda kukopa nyaya dzacho vachiita zvekunyora nemaoko kuti vazopota vachidziverenga. Sezvo zvakanga zvisiri nyore kuti Bhaibheri riwanike muchiGeorgian, vamwe vadzidzi veBhaibheri vakanga vava kuita sevakopi veBhaibheri.

“Ndaiita Zuva Rese Ndichikopa”

Mabhuku ainge ashandurirwa muchiGeorgian aitenderedzwa pakati peZvapupu uye vaifarira, kuitira kuti mumwe nemumwe awane mukana wekuaverenga. Mumwe nemumwe aipiwa bhuku kwemazuva kana kuti mavhiki mashoma chete kuti awane mukana wekuriverenga. Saka hama padzakazowana kopi yeMagwaro echiGiriki muchiGeorgian chemazuva ano, imwe mhuri yakabva yatoshandisa mukana iwoyo kuti ikope magwaro acho.

Raul Karchava aingova nemakore 13 chete baba vake pavakamukumbira kuti akope Magwaro echiGiriki. Anoti: “Baba vangu vakatenga bhokisi remabhuku ekunyorera, mapeni nemapenzura akasiyana-siyana, vachiitira kuti ndinakidzwe nebasa racho. Kunyange zvazvo basa iri rainge rakandiomera, ndakabvuma kuriita. Ndaiita zuva rese ndichikopa, ndichingomira kuti ndimbotwasura maoko.”

Makopi eNharireyomurindi neekabhuku kaKuongorora Magwaro Zuva Nezuva akanyorwa nemaoko muchiGeorgian

Hama dzaRaul dzakafara chaizvo padzakaziva kuti hama dzavainamata nadzo dzakanga dzabvuma kuvasiira bhuku raidiwa chaizvo nevakawanda kwemamwezve mavhiki mashoma kuti Raul apedzise basa iri rakaoma. Zvakamutorera mwedzi miviri chete kuti apedze kukopa mabhuku ese 27 eMagwaro echiKristu echiGiriki!

Pasinei nezvakaitwa nevakopi ava vaishanda nesimba kudaro, nzara yekunamata yaiva nevadzidzi veBhaibheri avo vairamba vachiwedzera haina kunyatsopera. Saka hama nehanzvadzi dzakaratidza ushingi dzichizvipira kuita basa raiva nengozi rekugadzirazve nekuparadzira mabhuku anotaura nezveBhaibheri vari padzimba dzavo kuitira kuti vanhu vawane zvavaida pane zvekunamata.

Basa rekuparidza rainge rava kutanga kubudirira kumadokero kweGeorgia. Asi zvakadini nekumabvazuva kwenyika yacho? Pane here aivawo muguta guru reTbilisi, aizokwanisa kubatsira vanhu vaitsvaga chokwadi nemwoyo wese vakadai saVaso Kveniashvili uyo ambotaurwa nezvake?

Chokwadi Chinosvika Kuguta Guru

Mumakore ekuma1970, vakuru vakuru veSoviet Union vakaedza kumisa basa reZvapupu nekuvadzinga pamisha yavo munzvimbo dzakasiyana-siyana. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Oleksii naLydia Kurdas, murume nemudzimai vekuUkraine avo vakatamira kuTbilisi. Vakambopedza makore akawanda vari mujeri rekuSoviet Union pavakanga vasungirwa chitendero chavo.

Larisa Kessaeva (Gudadze) kuma1970

Mhuri yekwaKurdas yakaparidzirawo murume nemudzimai vanonzi Zaur naEteri Kessaev, avo vaifarira zvekunamata chaizvo. Mwanasikana wavo Larisa, uyo aiva nemakore 15, anotaura nezvepavakatanga kusangana naOleksii naLydia, achiti: “Takamboedza kuvaratidza kuti chechi yeOrthodox ndiyo chitendero chechokwadi. Pashure pekukurukura navo kakati kuti, takazosvika pakupererwa, asi ivo vaingoramba vachitiratidza zvinotaurwa neBhaibheri.”

Larisa anoenderera mberi achiti: “Pese pataienda kuchechi, ndaiverenga Mirayiro Gumi yainge yakanyorwa kumadziro nechepakati pemifananidzo miviri. Asi usiku ihwohwo, Oleksii paakativerengera Eksodho 20:4, 5, ndakaoma mate mukanwa. Handina kurara usiku ihwohwo ndichingofunga kuti, ‘Chingava chokwadi here kuti patinenge tichinamata zvifananidzo tinenge tichitotyora murayiro waMwari?’”

Achida kunyatsova nechokwadi, zuva rakatevera racho Larisa akafumira kuenda kuchechi yekwaaigara ndokusvika achiverengazve murayiro wekuti, “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa . . . Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvishumire.” Ipapo ndipo paakatanga kunzwisisa zvinorehwa nemurayiro uyu waMwari. Larisa nevabereki vake vakazobhabhatidzwa uye vaiva vamwe veZvapupu zvekutanga muTbilisi.

Akazowana Zvaaitsvaga

Pashure pemakore anenge 20 kubva paakatanga kuparidzirwa, Vaso Kveniashvili akasangana nemumwe munhu aipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha muTbilisi. Vaso akafara paakaonanazve neZvapupu zvaJehovha. Ainge anzwa nekuvamirira.

Vaso Kveniashvili akazova Chapupu pashure pemakore anenge 24 kubva paakatanga kuparidzirwa

Kunyange zvakadaro, pakutanga Zvapupu zvekwaaigara zvaizeza kubatana naye pane zvavaiita, nekuti vaimboziva Vaso ari munhu akaipa chaizvo. Vamwe vaityira kuti angangodaro aitumwa nevakuru vakuru veSoviet Union kuti aongorore Zvapupu. Saka Vaso akapedza makore mana asingabvumirwi kupinda misangano yechiKristu.

Pazvakava pachena kuti aida kunamata zvechokwadi, vakazomubvumira kuva nhengo yeungano yekwaaigara ndokuzobhabhatidzwa. Vaso ainge ava kukwanisa kuswedera pedyo ‘naMwari wokururamisira’ uyo waaitsvaga kubvira achiri mudiki! (Isa. 30:18) Akaramba akatsunga kushumira Jehovha kusvikira paakazofa muna 2014.

Pakazosvika 1990, basa rekuparidza rainge ranyatsopfumbira kumadokero uye kumabvazuva kweGeorgia. Vaparidzi 900 vaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri 942. Basa rakakura rainge ratoitwa kuti pazova nekuwedzera kwakakura.

^ ndima 12 Panguva yechiCommunist, maBhaibheri aiva mashoma, kunyange zvazvo zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvainge zvatoshandurirwa muchiGeorgian kutanga kwemakore ekuma400 C.E.—Ona bhokisi rakanzi “Bhaibheri muchiGeorgian.”