Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikoro Chemapiyona pedyo neZugdidi

GEORGIA | 1998 kusvika 2006

Kuwana Makomborero ‘Mumwaka Wakakodzera Neunotambudza.’​—2 Tim. 4:2.

Kuwana Makomborero ‘Mumwaka Wakakodzera Neunotambudza.’​—2 Tim. 4:2.

KUBVIRA mumakore ekuma1990 ava kunopera zvichienda mberi, Zvapupu zvaiva muGeorgia zvakafara pazvaiona nhamba yevaparidzi neyevanhu vaifarira ichiwedzera. Muna 1998, vanhu vanopfuura 32 409 vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu.

Zvisinei, vaparidzi vakawanda kusanganisira vakuru, vakanga vasina nguva refu vari muchokwadi uye vasina ruzivo rwakawanda. Vazhinji vavo vaida kudzidziswa kuti zvinhu zvinofambiswa sei panyaya yekunamata uye yekuparidza. Asi vaizodzidziswa sei?

Sangano raJehovha Rinoramba Richivatsigira

Arno naSonja Tüngler, avo vakanga vachangobva kupedza chikoro cheGilead Extension kuGermany, vakatumirwa kuGeorgia muna March 1998 kuti vanoshanda ikoko. Mugore iroro, Dare Rinotungamirira rakabvumira kuti munyika yeGeorgia muve nehofisi yaiona nezvebasa reZvapupu iyo yainge iri pasi pebazi rekuRussia.

Nekukurumidza Dare Renyika, iro rinoona nezvebasa reZvapupu zvaJehovha muGeorgia, rakatanga kutungamirira basa rekuparidza munyika yacho. Basa redu parakangonyoreswa zviri pamutemo, mabhuku edu ainge ava kukwanisa kutumirwa kuGeorgia achibva kune raimbonzi bazi rekuGermany (iye zvino rava kunzi bazi rekuCentral Europe). Kunyoreswa zviri pamutemo uku kwakaitawo kuti Zvapupu zvikwanise kutenga nzvimbo dzekuvakira Dzimba dzeUmambo nehofisi yebazi.

Nguva Yekudzidziswa

Vaparidzi vakawanda vakanga vasina kumbobvira vaparidza paimba neimba kwemakore akawanda avakanga vari pasi peutongi hwaidzvinyirira hweSoviet Union. Arno Tüngler anoyeuka kuti: “Vaparidzi vakawanda vainyanya kuparidza mumigwagwa, asi havasi vese vainge vakajaira kuparidza paimba neimba uye kudzokera kuvanhu vanenge vafarira.”

Arno naSonja Tüngler

Hama Davit Devidze, avo vakatanga kushanda pahofisi yemunyika iyoyo payainge ichangobva kuvhurwa muna May 1999, vanoti: “Paiva nezvakawanda zvekuita mundima uye paBheteri. Pane zvinhu zvatainge tangoita zvekuverenga asi tisingazivi kuti zvaiitwa sei. Saka takadzidzawo kubva pane zvataiona zvichiitwa nehama dzainge dzatumirwa neDare Rinotungamirira.”

Hama dzemuGeorgia dzakabva dzatanga kunyatsodzidziswa. Asi sezvinowanzoitika kune vaya vanoenda kunodiwa vaparidzi vakawanda, ivo pamwe chete nevavanoparidzira vanobatsirikana. (Zvir. 27:17) Kutaura zvazviri, vaya vakauya kuzobatsira hama idzi vane zvakawanda zvavakadzidzawo kubva kuhama nehanzvadzi dzemuGeorgia.

Vakabatwa Zvakanaka

Arno naSonja vachiri kuyeuka kubatwa zvakanaka kwavakaitwa mazuva avainge vachangobva kusvika muGeorgia. Hama nehanzvadzi dzeko dzakaita zvese zvadzaigona kuti dzivabatsire kujairana nebasa ravo idzva.

Sonja anoyeuka rupo rwaiva nehama idzi. Anoti: “Imwe mhuri yaigara pedyo nesu yaigara ichitiunzira zvekudya zvainaka chaizvo. Imwe hanzvadzi yakabuda nesu mubasa remumunda, ikatisuma kuungano yataizopinda nayo uye yakatiudza zvakawanda nezvetsika dzechiGeorgian. Imwewo hanzvadzi yakatiratidza mwoyo murefu payaitidzidzisa mutauro wechiGeorgian.”

Warren naLeslie Shewfelt, avo vakanzi vanoshanda kuGeorgia vachibva kuCanada muna 1999, vanoti: “Takabayiwa mwoyo uye takakurudzirwa nerudo rwakaratidzwa nehama nehanzvadzi dzedu dzekuGeorgia. Vose zvavo, vakuru nevadiki vainyatsoratidzana rudo.”

Hama dzemuGeorgia dzakashanda pahofisi yesangano nemamishinari aiva neruzivo

Vaya vakanzi vanoshanda kuGeorgia vachibva kune dzimwe nyika, havana kungoisa pfungwa dzavo pamatambudziko avaisangana nawo ikoko asi paunhu hwakanaka hwevanhu veko. Saka kuzvininipisa uye rudo zvakaratidzwa nemamishinari aya zvakaita kuti vakurumidze kufarirwa nehama dzemuGeorgia.

Vanhu Vanotya Mwari Vanotanga Kufarira Chokwadi

Kuma1990, vanhu vakawanda vaifarira vakaramba vachigamuchira chokwadi. Muna 1998 chete, vanhu 1 724 vakabhabhatidzwa. Chii chakaita kuti vanhu vemuGeorgia vakawanda kudaro vafarire chokwadi?

Tamazi Biblaia, uyo akashumira semutariri anofambira kwemakore akawanda, anoti: “Kubvira kare, chimwe chezvinhu zvaidzidziswa vanhu ndechekuti vade Mwari. Saka pataivaudza zviri muBhaibheri, zvaivaitira nyore kugamuchira mashoko acho.”

Davit Samkharadze, uyo anodzidzisa muChikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, anoti: “Munhu paanotanga kudzidza Bhaibheri, veukama nevavakidzani vanowanzomuvhiringidza. Pavanoedza kudaro, vakawanda vavo vanopedzisira vava kudzidzawo Bhaibheri!”

Mashoko eUmambo zvaaipararira, akachinja upenyu hwevakawanda. Muna April 1999, vanhu vakapinda Chirangaridzo vaiva 36 669. Aka kaiva kekutanga kuva nenhamba yakakura zvakadaro.

“Pane Vashori Vazhinji”

Achitaura nezvekuparidza kwaaiita muEfeso, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakazarurirwa suo guru rebasa, asi pane vashori vazhinji.” (1 VaK. 16:9) Mashoko ake anoratidza mamiriro ezvinhu akasangana neZvapupu muGeorgia pashure pemwedzi mishoma kubva pakaitwa Chirangaridzo chisingakanganwiki cha1999.

Muna August 1999, vamwe vanhu vechitendero cheOrthodox vaiva neutsinye avo vaitungamirirwa naVasili Mkalavishvili, uyo akanga abviswa pakuva mupristi, vakaita musangano muTbilisi ndokupisa mabhuku edu pachena. Izvi zvakabva zvaita kuti Zvapupu zvitambudzwe kwemakore mana akazotevera.

Kutanga muna 1999, Zvapupu zvekuGeorgia zvakapikiswa, kupisirwa mabhuku uye kurohwa

Musi wa17 October, 1999, vanhu vemuzvitendero zvakasiyana-siyana vaiva neutsinye vakatungamirira boka revanhu vanenge 200 ndokuvhiringidza musangano waiitwa neUngano yeGldani muTbilisi. Vakazvambura vanhu vaiva pamusangano wacho vachishandisa tsvimbo nemichinjikwa yesimbi, uye Zvapupu zvakati kuti zvakatoendeswa kuchipatara.

Zvinosuwisa kuti vanhu vacho havana kusungwa uye Zvapupu zvakaramba zvichirohwa. Vakuru vakuru vehurumende vakati kuti, kusanganisira Purezidhendi Shevardnadze, vakashora zvakasimba maitiro akadaro, asi zvaingogumira pakutaura. Mapurisa aiwanzosvika panzvimbo yazvinenge zvaitikira patopera nguva yakareba.

Panenge panguva iyoyo, imwe nhengo yedare reparamende reGeorgia, Guram Sharadze, akatanga zvirongwa zvekuti ashatise zita reZvapupu kudarika zvakanga zvamboitwa. Akapomera Zvapupu kuti vanhu vakaipa. Zvaiita sekuti “mwaka wakakodzera” wekuparidza mashoko akanaka wakanga wadarika.

Sangano raJehovha Rinotora Matanho

Sangano raJehovha rakakurumidza kutora matanho ekubatsira Zvapupu muGeorgia. Hama dzakaudzwa zvekuita kana dzava kurwiswa. Uye vakayeuchidzwa kuti nei vaKristu vechokwadi dzimwe nguva vachitsungirira kutambudzwa.​—2 Tim. 3:12.

Sangano raJehovha rakatorawo matanho ekudzivirira hama dzedu kumatare. Imwe hama yaishanda muDhipatimendi reMitemo pabazi rekuGeorgia, inoti: “Mumakore mana iwayo, takakwidza nyaya dzinopfuura 800 kumatare nemhaka yekurwiswa kwaiitwa Zvapupu neboka raVasili Mkalavishvili. Takatsvaga rubatsiro kubva kuvakuru vakuru nemasangano anorwira kodzero dzevanhu. Mahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha akaita kuti veruzhinji vazive nezvekutambudzwa uku kwaiitwa Zvapupu, asi zvakashaya basa.” *

^ ndima 30 Kuti uwane mamwe mashoko panyaya dzatakakwidza kumatare kuti kodzero dzedu dziremekedzwe, ona Awake! yaJanuary 22, 2002, mapeji 18-24.