Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

GEORGIA

Rudo Harwuna Muganhu

Rudo Harwuna Muganhu

PACHIRI nenguva refu Sanel asati atomboberekwa, vanachiremba vakaudza vabereki vake kuti kana aizoberekwa ari mupenyu aizova nedambudziko reutano rakakura. Musi waakaberekwa chaiwo, Sanel aitofanira kuitwa oparesheni. Vabereki vake, avo vaigara kuAbkhazia—nharaunda yakazvisunungura kubva pasi peGeorgia—vaisakwanisa kuwana chiremba aizoita oparesheni asingazomuwedzeri ropa.

Vabereki vake vakataura neKomiti Yekukurukura Nezvipatara yeko. * Vakanzwa kurerukirwa chaizvo hama dzemukomiti iyi padzakakurumidza kuwana chiremba akabvuma kuvhiya Sanel asingazomuwedzeri ropa muTbilisi, guta guru reGeorgia. Asi sezvo amai vaSanel vainge vachangobva kusununguka, vainge vasati vanyatsosimba zvekukwanisa kuenda kuTbilisi. Saka pakarongwa kuti vanaambuya vaviri vaSanel, avo vaiva Zvapupu, vaende naSanel kuchipatara chekuTbilisi.

Oparesheni yacho yainge isiri nyore, asi yakabudirira. Nguva pfupi oparesheni yaitwa, vanaambuya vaSanel vakanyora kuti: “Takagara muchipatara kwemazuva anodarika 20. Panguva iyoyo, hama nehanzvadzi dzakawanda dzemuGeorgia dzaitishanyira uye dzaitibatsira. Vakawanda vaitinzwira tsitsi. Takamboverenga nezverudo rwune hama dzedu pasi rese, asi iye zvino ndisu takanga tava kuratidzwawo rudo rwakadaro.”

^ ndima 4 KuGeorgia, vakuru vari muKomiti Yekukurukura Nezvipatara vanoziva vanachiremba vanodarika 250 vanovhiya, avo vanobvuma kuvhiya vasingazowedzeri murwere ropa.