Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

GEORGIA

VaKurd Vanogamuchira Chokwadi

VaKurd Vanogamuchira Chokwadi

“NDINOGARA ndichitenda Jehovha mumunyengetero kuti ndakakwanisa kunzwa nezvake mururimi rwaamai vangu,” anodaro Gulizar.

Gulizar akaita makore 8 achiwadzana neZvapupu zvaJehovha, asi akazobhabhatidzwa pashure pekupinda misangano mururimi rwaamai vake, rwechiKurdish. Iye mumwe wevanhu vechiKurd avo vakagamuchira chokwadi muGeorgia mumakore achangobva kudarika. Asi vaKurd vakabva kupi?

VaKurd vakagara muMiddle East kwemazana emakore. Vamwe vaongorori vanofunga kuti vanhu ava vazukuru vevaMedhiya vanotaurwa muBhaibheri. (2 Madz. 18:11; Mab. 2:9) Mutauro wavo mumwe wemitauro yakatangira kuIran.

Mazuva ano, mamiriyoni evanhu vechiKurd anogara munyika dzakasiyana-siyana, kusanganisira Armenia, Iran, Iraq, Syria, neTurkey. MuGeorgia mune vanhu vechiKurd vanodarika 20 000. Vanhu vakawanda verudzi urwu vanoremekedza chaizvo nyaya dzekunamata.

Iye zvino muGeorgia mava nevaparidzi 500 vanotaura chiKurdish, neungano nhatu dzemutauro wechiKurdish. Muna 2014, vakafara chaizvo pakaitwa gungano remunharaunda rekutanga mumutauro wechiKurdish muTbilisi, iro rakapindwa nevanhu vaibva kuArmenia, Germany, Turkey, neUkraine.