Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Azerbaijan

KUPARIDZA NEKUDZIDZISA PASI RESE

Europe

Europe
  • NYIKA 47

  • VANOGARAMO 744 482 011

  • VAPARIDZI 1 611 290

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 834 121

Mhinduro Nyoro

KuGeorgia, mumwe murume akasvika paiva nechingoro chemabhuku, ndokupopota achiti: “Handisi kuzokusiyai muchiita zvetumabhuku twenyu pano! Georgia inyika yevanhu vechitendero cheOrthodox.” Hama yaiva pachingoro chacho yakamubvunza zvakanaka-naka kana akamboverenga mabhuku edu. Murume wacho akabva ati, “Aiwa, handisati.” Hama yacho yakabva yamukumbira kuti amboaverenga. Izvi zvakabva zvamuita kuti adzikame, ndokutora mabhuku ekuverenga. Papera mazuva akati kuti, murume wacho akazodzoka ndokukumbira ruregerero nezvaakanga amboita. Akati akaverengera amai vake vasingaoni magazini edu. Iye naamai vake vakaafarira chaizvo uye vaitoda mamwe mabhuku ekuverenga. Iye zvino murume wacho anogara achienda pachingoro chedu kuti apiwe magazini matsva anenge abuda.

Nzira Iri Nani Yekugadzirisa Kusawirirana

Padzaiita ushumiri kuAzerbaijan, dzimwe hama dzedu mbiri dzakaenda paiva nemumwe murume wechidiki ndokutanga kumuparidzira. Murume wacho akati, “Handikwanisi kuteerera zvamuri kuda kutaura, ndinewo chitendero changu.” Akabva abudisa banga muhomwe yake ndokuti, “Pane munhu akandigumbura, saka ndiri kuda kunomugadzirisa nebanga iri.”

Hama dzacho dzakavhunduka, asi dzakazoti, “Kuuraya chivi.”

Murume wacho akati, “Saka ndoita sei?” Vakamuverengera VaRoma 12:17-21 ndokutsanangura kuti kutsiva ndekwaMwari uye kuti hatifaniri ‘kukundwa nezvakaipa, asi kuramba tichikunda zvakaipa nezvakanaka.’ Vakamuudza kuti kutaura zvine unyoro kune simba uye kuti kana akakuvadza kana kuuraya munhu, achasara achitambudzwa nehana yake. Abayiwa mwoyo nezvaakanga anzwa, murume wacho akabva aenda.

Papera inenge awa, murume wacho akazowana hama dziya ndokuti: “Ndiri kubva kunoona nemunhu uya wandanga ndichida kuuraya. Handina zvandambomuita, asi tataurirana. Maita basa mandibatsira kuti ndisapara mhosva.” Zvapupu zvacho zvakabva zvakataura kuti Jehovha ndiye amubatsira.

Imwe Hanzvadzi Yakanga Isingachaiti Basa Yakatorwa Mwoyo Nezvingoro Zvemabhuku

Makore apfuura, imwe hanzvadzi yekuNorway yakasiya chokwadi zvishoma nezvishoma. Kubva pakatanga kushandiswa zvingoro pakuparidza, hanzvadzi iyi yaiwanzodarika nepaiva nechingoro chemabhuku ichienda kunotenga.

Kunyange zvazvo aisamboenda kunotaura neZvapupu zvaiva pazvingoro zvacho, akacherechedza zvikwangwani nemabhuku zvinoyevedza zvaivapo. Izvozvo, pamwe chete neushamwari hwairatidzwa neZvapupu uye kupfeka kwavo zvine mwero zvakaita kuti afunge nezvekudzoka kuna Jehovha uye kuvanhu vake.

Akacherechedzawo painge pakanyorwa website yedu yejw.org, saka akaenda pawebsite yacho. Akafara paakaona pawebsite yacho kuti zvaiva nyore chaizvo kuona kero yeImba yeUmambo yaiva pedyo uye nguva yemisangano. Akadhaunirodha mabhuku ndokuenda kuImba yeUmambo aine kakutya. Akagamuchirwa zvakanaka, uye vakuru vakaronga kuti pave neimwe hanzvadzi yaizomudzidzisa Bhaibheri. Pasina nguva refu, akanga ava neshamwari dzakanaka muungano uye akatangazve kunamata. Iye zvino ava kugara achipinda misangano uye kuparidza, achifara kuti avazve neukama hwepedyo naJehovha.

Kuparidzira Vanhu Vemukirasi Make Mubhazi

Vari mubhazi kuenda kuchikoro kuNorway, mumwe musikana ane makore 15 anonzi Ronja akakurukura nyaya yekushanduka shanduka nevakomana vatatu vemukirasi make. Vakomana vacho vaisamboremekedza zvaanotenda, uye izvi zvakaita kuti hanzvadzi yedu yechidiki inetseke. Akanga asina kunyatsogadzirira, saka akazokumbira amai vake kuti vamubatsire kuwana zvekuzotaura achitsigira pfungwa yekuti kune Musiki.

Norway: Ronja anodzivirira zvaanotenda

Vari mubhazi zuva rakatevera racho, Ronja akashandisa zvaakanga agadzirira. Asi vakomana vacho vakangoramba vachimuseka nekuti aitenda muna Jehovha. Mumwe wavo akabva ashevedzera achiti: “Mubhazi muno hamuna anotenda muna Jehovha! Vanoti zvinhu zvakaita zvekushanduka shanduka ngavasimudze ruoko, uye vanoti kuna Jehovha ngavasimudze ruoko.” Ronja akashamisika mumwe mukomana ane makore 12 ainge akagara pedyo naye paakasimudza ruoko ndokuti, “Jehovha ariko!” Vamwe vana vaviri vakabva vati, “Neniwo ndinoti ariko!” Pane vana vakanga vanzwa Ronja achitaura nevamwe vemukirasi make nezvenyaya yacho, uye vamwe vacho vakanga vaona kuti zvaaitaura chaiva chokwadi!

Murume Asingagoni Kuverenga Anowana Bhuku

Rimwe zuva ari masikati, varume vaviri vanotaura chiArabic vanobva kuSyria vakauya kuhofisi yebazi yekuDenmark. Vakaudza hanzvadzi dzaiva panosvikira vaenzi kuti vaitsvaga Zvapupu zvaJehovha. Hanzvadzi dzacho padzakavaudza kuti ndipo panowanika Zvapupu, varume vacho vakafara. Vakawana sei kero yebazi? Vakaenda kuraibhurari yemunharaunda yavanogara ndokuratidza mushandi wemo pikicha yavainge vatora nefoni yavo. Vakatora pikicha iyi kubva mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rechiArabic papeji inoratidza vabudisi vebhuku racho. Mushandi wemuraibhurari yacho ndiye akazovapa kero yehofisi yebazi.

Varume vacho vainetseka nekutaura chiDanish. Saka hama yaitaura chiArabic yakashevedzwa kuti iuye kuzotaura navo. Pakukurukurirana kwavakaita, zvakava pachena kuti mumwe wevarume vacho aifarira chaizvo kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri. Hama yacho yakatora mashoko aizoita kuti ionanezve nemurume wacho ndokuvimbisa kuti yaizomushanyira nekukurumidza iine imwe hama inotaurawo chiArabic.

Padzakamushanyira kumba kwake, hama dzacho dzakaona kuti ainge asati amboshanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Akadziudza kuti ainge awana bhuku mubhokisi rake retsamba, kunyange zvazvo bhokisi racho rainge risina kunyorwa zita rairatidza kuti nderemunhu anotaura chiArabic. Nekuti ainge asingagoni kuverenga, akakumbira shamwari yake kuti imuverengere bhuku racho, uye vakaripedza mumazuva matatu. Zvaakanzwa zvakabva zvaita kuti abvume kuti akanga awana chokwadi.

Kurarama semupoteri uyezve ari kure nemhuri yake kuri kumuomera chaizvo, asi Bhaibheri riri kumunyaradza. Paakashanyirwa kekutanga nehama dzacho akadzibvunza kuti: “Mairegererei kundishanyirawo nguva yese iyi? Izvi ndizvo zvandainyatsoda.” Achiri kudzidza uye ari kufarira chaizvo zvaari kudzidza.

Iye Zvino Mumusoro Make Mava Nechimwe Chinhu

Dmitry aishanda samaneja wekambani inoita zvefodya kuUkraine, asi paakaziva kuti fodya inokuvadza sei utano hwemunhu, akabva arega basa iroro raibhadhara. Zvadaro, mumwedzi mitatu, akashayikirwa nemudzimai wake naamai vemudzimai wake. Kurasikirwa nevanhu ivavo vaaida kwakamugura kunorira. Aitarisira kuti aizowana nyaradzo uye mhinduro dzemibvunzo yake kuchechi yaaipinda, asi hazvina kuitika saizvozvo. Shamwari yake yakamuudza kuti kuva muKristu uri muchechi yechiOrthodox zvinoreva “kusungirira muchinjikwa muhuro yako asi mumusoro musina chinhu.” Ndiwo manzwiro aiita Dmitry. Akazoona kuti hapana chaaiziva nezvaMwari kana nezveBhaibheri. Achishungurudzika, akatanga kunyengetera kuna Mwari kuti amubatsire. Akabva ayeuka kuti akambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha. Akawana website yedu paIndaneti uye akaoma mate mukanwa pakaona kuwanda kwemashoko eBhaibheri anowanika ipapo. Zvadaro, akatsvaga pawebsite yacho paaigona kuwana Imba yeUmambo yaiva pedyo. Paakasvika panopakirwa motokari, akabva atambirwa nemurindiri uyo akamubvunza kuti aida kubatsirwa here. Dmitry akati, “Ndinoda kudzidziswa Bhaibheri.” Iye zvino ava nemwedzi 6 achidzidza uye anogara achipinda misangano nekupindura pamisangano yacho.

Kushandisa Tutsamba Kuti Munhu Arambe Achifarira

Paul naFaith, vanogara kuBritain, vakanakidzwa nekukurukura nemumwe mukadzi anonzi Susan ndokuronga kuzoonanazve naye. Pavakadzokera kumba kwaSusan, vakasvika asipo. Vachitevedzera zano riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2014 rinotaura nezvekunyora twutsamba, Paul naFaith vakasiya vanyora katsamba vachitaura kuti vaizodzoka zuva raitevera racho. Pavakadzokerazve vakashamisika kuona paine katsamba pasuo raSusan. Akati ainge aenda kunotenga zvinhu zvemuchato wemwanasikana wake. Paul naFaith vakasiya kamwe katsamba vachitaura kuti vaizodzokazve vhiki raizotevera. Pavakaenda, vakawana Susan akavamirira uye vakabva vatanga chidzidzo cheBhaibheri vachishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei.

Britain: Paul naFaith vanosiya twutsamba

Susan akakumbira Paul naFaith kuti vambomira kudzoka vhiki raitevera nekuti mwanasikana wake ainge ava kuda kuchata. Pavakazodzokerazve havana kumuwana saka vakasiya katsamba kaiva nenhamba dzavo dzefoni. Vakafara pavakaona meseji yakabva kuna Susan achivaudza kuti aiva neurombo kuti vakanga vasina kuonana, nekuti pavakauya akanga achitaura nemuvakidzani wake ari mugadheni. Kubvira ipapo, Susan ari kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri uye mumazuva achangobva kupfuura akapinda musangano kekutanga.

Paul naFaith vari kunakidzwa nekushandisa twutsamba kuti varambe vachikurukura nevanhu. Paul akati, “Patori nevamwe vakati kuti vakaverenga twutsamba twatakavasiira. Zvinonakidza chaizvo!”

Kutenda Kwake Kwakakurudzira Nesi Wake

Muna August 2014, imwe hama yakapiwa mubhedha muchipatara kuHungary nekuti yairwara zvakaipisisa. Zvinosuruvarisa kuti pasina nguva yakafa. Mudzimai wehama iyi akanyora nezvemumwe nesi anonzi Tünde uyo akabatsira murume wake zvakanyanya, achiti:

“Muna 2015, ini nemwanakomana wangu takapinda gungano remunharaunda raiva nemusoro unoti, ‘Tevedzera Jesu!’ Pakapera zuva rechitatu tava kuda kudzokera kumba mumwe mukadzi akandiona ndiri kunopakirwa motokari ndokuuya pamberi pangu achibva akasiya mabhegi ake pasi, akandimbundira ndokutanga kuchema. Aiva nesi uya akanga abatsira murume wangu paaiva muchipatara. Painge patova nerinenge gore izvi zvaitika. Akataura kuti nesi mumwe nemumwe asati atanga basa anopihwa murwere mumwe chete wekuti abatsire. Iye ainyengeterera kuti aendeswe kunobatsira murume wangu uye ndokwaaigara achiendeswa!

“Tünde, akataura kuti unhu hwakanaka hwemurume wangu uhwo hwaienderana nezvaaitenda uye mashoko aaigara achitaura etariro yaaiva nayo ndizvo zvakamupa chido chekuti atange kunyatsodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

“Tünde, uyo parizvino ari kudzidza Bhaibheri, ari kutarisira kuzoonanazve nemurume wangu paachamutswa. Ari kuda kuzomuudza kuti unhu hwake hwakanaka nekutenda kwakasimba ndizvo zvakamubatsira kuti asvike pakuziva Jehovha uye zvinhu zvakanaka zvaakavimbisa.”

Kuparidzira Vatyairi Vemarori

Bulgaria: Kuparidzira vatyairi vemarori pabhodha

Mhirizhonga uye kurambidzwa kwaiita kupinda nekubuda kwezvinhu munyika, zvaiita kuti dzimwe nguva bhodha reGreece neBulgaria rivharwe, marori obva aita mitsara yakareba chaizvo akamira. Ungano iri pedyo muBulgaria yakabva yashandisa mukana uyu kupa vaiva nemarori aya mabhuku eBhaibheri ekuverenga. Hama dzakaenda kubhodha kwacho dziine mabhuku emitauro 12. Vatyairi vakawanda vainge vakapera nekuneta uye vakagumbuka, asi vaida zvekutaura. Hama dzacho dzainyatsoteerera zvavaitaura dzichivanzwira tsitsi, uye kuvaudza mashoko anopa tariro uye anokurudzira. Mumwe mutyairi akabvunza kuti, “Muri Zvapupu zvaJehovha here?” Paakaudzwa kuti vaiva Zvapupu, akabva ati, “Ndazviziva, nekuti hapana vamwe vanoparidza kudai sezvamunoita.” Mumwe mutyairi werori anobva kuAustria akataura achiseka kuti: “Kunyange nekuno muriko, hatigoni kukutizai! Muri kuita basa rakanaka! Rambai muchipa vanhu mashoko enyaradzo netariro.” Mumwe akati: “Handina kumbobvira ndava nechido chekuverenga mabhuku enyu. Asi iri ndichanyatsoriverenga.” Mumwe mutyairi akatanga kuchema paakaparidzirwa neimwe hama. Akati aimbova Chapupu makore akawanda akapfuura. Hama dzakamukurudzira kuti asangogumira pakuverenga mabhuku eBhaibheri asi atange zvakare kupinda misangano.