Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mexico: Vakadzidzira Braille vese

KUPARIDZA NEKUDZIDZISA PASI RESE

Nyika dzekuAmerica

Nyika dzekuAmerica
  • NYIKA 57

  • VANOGARAMO 998 254 087

  • VAPARIDZI 4 154 608

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 4 353 152

“Tichangoidzidzira Tese”

Ismael, anogara kuMexico, akafunga kuverenga Bhaibheri rese. Pakazopera gore, akanga ariverenga kaviri, asi pava paya akazova bofu. Papfuura makore, mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi Ángel, akasangana naIsmael ndokumuudza zvinovimbiswa naMwari. Ismael aida chaizvo kudzidza zvakawanda, asi akati, “Handikwanisi kuverenga Bhaibheri nekuti handioni.”

Ángel akamunyaradza achiti, “Usanetseka hako, ndichakudzidzisa mutauro weBraille.”

Ismael akabvunza kuti: “Unogona Braille?”

Ángel akapindura kuti: “Aiwa, asi tichangoidzidzira tese.” Ismael haana kumbofunga kuti Ángel angamuitira izvozvo. Ángel akabva aenda kumba kwake, uye akanotsvakurudza kuti Braille inoverengwa sei, uye akanyora Braille pakadhi. Akabva atangawo kudzidzisa Ismael kuverenga Braille. Pasina nguva, Ismael akanga ava kuziva arufabheti yeBraille, ava kupinda misangano, uye ava kuverenga mabhuku edu eBraille. Iye zvino, Ángel ava kudzidza Bhaibheri nevanhu 4 vasingaoni. Vanhu vacho vanofarira kutaura nezveParadhiso yemunguva yemberi umo mavachange vava kuona.

Haana Kumuziva

Imwe hanzvadzi yekuUnited States, inonzi Viannei iyo ine makore14, yakanyora kuti: “Tiri kuchikoro, mumwe mudzidzisi aimbofanotidzidzisa ticha vedu pavanga vasipo akatanga kutaura nyaya yezvitendero. Akatikumbira kuti titaure zvitendero zvatinoziva, saka ndakataura nezveZvapupu zvaJehovha. Vandinodzidza navo vakatanga kuseka vachiti tinovatambisira nguva yavo, hatina zvekuita uyewo kuti vanotorasa mabhuku edu. Kunyange mudzidzisi wacho akatotaurawo zvakaipa nezvedu.

“Saka ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba rekuti ndikwanise kuparidza. Ndakavaudza kuti hatiendi kudzimba dzavo kuti tinovapedzera nguva asi tinoenda nekuti Jehovha anotituma kuti tivaudze mazano akanaka ari muBhaibheri. Ndakavakumbira kuti vasazorasa mabhuku edu nekuti anogona kuchinja upenyu hwavo uye kuvaponesa. Mudzidzisi wangu akandikumbira ruregerero akabva avimbisa kuti kana akazoshanyirwa neChapupu aizochigamuchira, oteerera uye overenga mabhuku edu. Handina kumboziva kuti aitorevesa.

“Ndakazomuona papera mwedzi 4, uye zvakandishamisa kuti aitodzidza Bhaibheri. Papera mwedzi 6, mudzidzisi uya akazonditsvaga kuchikoro, kuti anditende nekumuparidzira kwandakaita. Handina kumuziva nekuti akanga agera musoro nendebvu. Iye zvino ava muparidzi asina kubhabhatidzwa.”

Kuparidza muAmazon

Gore rapera, vanhu vaJehovha kuBrazil vakafunga kushanda nharaunda yakakura chaizvo yeAmazon. Vakawanda vari munharaunda yacho havasati vambonzwa mashoko akanaka. Dzichifunga izvozvo, hama dzeDare Rinotungamirira dzakabvumira kuti paitwe mushandirapamwe waizotora gore, wekuparidzira vanhu vanosvika zviuru vanogara munzvimbo dziri kure chaizvo dzeAmazon.

Brazil: Kuparidzira muAmazon

Panguva iyoyo hofisi yebazi yakasarudza kuti vaparidzi veUmambo vaende kunoshanda kumaguta 53 ari pedyo nenzizi dziri muAmazon. Mumwedzi 4 chete, vaparidzi vanopfuura 6 500 vakabvuma kuenda.

Muguta riri kure risina vaparidzi veUmambo rinonzi Anamã, hama nehanzvadzi 10 dzakagara ikoko kwemazuva 11, uye dzakapa vanhu mabhuku anopfuura 12 500 uyewo dzakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 200, izvo zvava kuitiswa pafoni. Hama dzacho padzaiva ikoko dzaiitisa misangano. Pamusangano wavakapedzisira kuita vasati vabva ikoko, vakashamiswa kuti paiva nevanhu 90. Kubatsira kwemushandirapamwe iwoyo kuchanyatsooneka nekufamba kwenguva.

Kufarira jw.org

Kwemakore 6 adarika, Jehizel naMariana vekuVenezuela, vanga vachidzidza vese mukirasi imwe chete. Mariana aigara achitsvinyira Jehizel nekuti mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mariana aiona sekuti Jehizel aisaziva kunonzi kunakidzwa neupenyu. Rimwe zuva paakamutsvinyira, Jehizel akangoerekana ataura kuti: “Mariana, tsvaga website yedu inonzi jw.org. Wobva waenda pakanzi ‘Mavhidhiyo echiKristu,’ wobaya pabhokisi rakanzi ‘Vari Kuyaruka.’”

Masikati ezuva iroro, Mariana akafonera Jehizel. Akati kwaari: “Iye zvino ndava kuziva kuti sei uchiita zvese zvaunoita.”

Sezvo asina kuziva kuti Mariana airevei, Jehizel akamubvunza kuti: “Wava kuda kutanga futi kundiwanzira?”

Mariana akapindura kuti: “Aiwa, handichakuwanziri futi. Wakaita hako, iye zvino ndava kuziva kuti zvandaimbofunga kuti ndiko kunakidzwa neupenyu, ndizvo zvaitokonzera matambudziko angu.” Pakarongwa kuti Mariana adzidziswe Bhaibheri, uye iye zvino ava kupinda misangano yese.

Kubvunza Mufundisi

Gérole wekuHaiti uyo aishanda semunyori muchechi yavo, akashamiswa paakaona kuti Zvapupu zvakapindura mibvunzo yake yese zvichishandisa Bhaibheri. Iye nemwanasikana wake vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Vakabayiwa mwoyo nezvavaidzidza uye vakatokumbira kudzidza kaviri pavhiki.

Paakanga adzidza kwemwedzi mitatu, Gérole akaenda kumufundisi wekuchechi kwake akanomubvunza mibvunzo 4 yekuti: “Jesu akagadzwa kuva Mambo riini? Vanhu vakanaka vanoenda kupi pavanofa? Vanhu vanoita zvakaipa vanoenda kupi pavanofa? Jesu akafira pachii, pamuchinjikwa here kana kuti padanda?” Mufundisi wacho akati aingokwanisa kupindura mubvunzo wechipiri newechitatu. Akati, “Zvapupu zvaJehovha zvinoti vanhu 144 000 chete ndivo vanoenda kudenga. Asi ini ndinoti vanhu vese vanoita zvinodiwa naMwari vanoenda kudenga. Vaya vanoita zvakaipa vachanotsva nekusingaperi kugehena.” Mufundisi wacho paakabvunzwa kuti zviri papi muBhaibheri, akashaya kana vhesi imwe chete zvayo. Gérole haana kufadzwa nazvo asi akabva atotsunga kuramba achidzidza Bhaibheri. Akabva asiya chechi yacho, uye akataura kuti kwemwedzi mitatu akanga adzidza zvakawanda muBhaibheri neZvapupu zvaJehovha kutopfuura zvaakanga adzidza kuchechi kwake kwemakore anodarika 30. Gérole nemwanasikana wake vakabhabhatidzwa munguva ichangopfuura iyi, uye vari kutoitisa zvidzidzo zveBhaibheri 23 munharaunda yavanogara.

Haiti: Gérole nemwanasikana wake vanodzidzisa vanhu vakawanda Bhaibheri