Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Germany: Kuparidza nechingoro pamusasa wevapoteri

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Nyaya Dzinofadza—Dzakaitika Kwakasiyana-siyana

Nyaya Dzinofadza—Dzakaitika Kwakasiyana-siyana

Kuparidzira Vapoteri Nevanhu Vakatamira Munyika Mavo

Ndima yemimwe mitauro kuGermany yawedzera kukura nekuti pane vapoteri nevamwe vanhu vakawanda vari kupinda munyika yacho. Munguva yadarika, mumwedzi 9 chete, pakatangwa mapoka netumapoka 229 zvemimwe mitauro. Vaparidzi vanenge 800 vari kupinda makirasi 30 ekudzidzira mitauro 13.

Hama dzedu dziri kuparidza mumisasa yevapoteri. Dzichishandisa zvingoro zvemabhuku munzvimbo dzinodarika 200, hama dzacho dzakapa vanhu zvinhu zvekuverenga zvinoda kusvika 640 000.

Dare Rinotungamirira rakabvumira kuti paitwe mushandirapamwe wekuparidzira vanhu ava kubva muna May kusvika muna July 2016. Vaparidzi vanenge 700 vanotaura chiArabic vanobva kunyika 7, vakashanyira nzvimbo 10 dziri kuAustria neGermany kuti vanoparidzira mapoka akakura evanhu vanotaura chiArabic anogara ikoko.

Mari Dzesimbi Mumigwagwa

Vaparidzi 50 vemuungano yeFaber’s Road Kriol kuBelize vanowanzofamba netsoka pavanenge vachiparidza mundima yavo. Vakawanda vavo havana zvakawanda zvekurarama nazvo, asi vanotsvaga mikana yekuratidza kuti vane rupo. Makore mashoma adarika, hama dzacho dzakatanga kunhonga mari dzesimbi dzavaiona mumigwagwa isina tara pavaiparidza paimba neimba. Kubvira ipapo, pakupera kwegore rimwe nerimwe vanounganidza mari yacho, voironga, vozoverenga mari yavanenge vawana.

Kunyange zvazvo mari dzakawanda dzacho dzisingasviki sendi rekuUnited States, gore negore pavanozoiunganidza inotosvika US$225. Hama dzacho dzinoshandisa hafu yemari yacho pakubhadhara zvinodiwa paImba yavo yeUmambo, imwe hafu yacho vanoitumira kuti itsigire basa remunyika yese.

Mamiriyoni Mana Ainge Akateerera!

Chimwe chezviitiko zvikuru zvekunamata zvati zvamboitwa muBurundi chakaitwa musi wa5 March 2016, panguva yakashanyirwa bazi reko naHama Anthony Griffin, mumiririri wemahofisi edu makuru. Ungano dzese dzemuBurundi dzakazoitirwa purogiramu yakatepfenyurwa panhepfenyuro hombe yeparedhiyo munyika yacho. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vakateerera purogiramu yacho vangasvika mamiriyoni mana!

Kutepfenyura uku kwakapa uchapupu hwakakura, uye vakawanda vakataura zvakanaka nezvepurogiramu yacho. Mumwe mushandi weparedhiyo uyo akabatsira pakutepfenyura kwacho, akati, “Munofanira kuita mamwe mapurogiramu akadai!” Mumwezve mushandi akanyora kuti: “Dai mukagara [muchiita mapurogiramu akadai], nekuti achatoponesa mweya yakawanda.” Vatyairi vakawanda vairidza purogiramu iyi paredhiyo mumabhazi avo nemumatekisi.

Mumhanzi Wakamira Kurira

Pasara zuva rimwe chete kuti Chirangaridzo cha2016 chiitwe, hama dzemuboka riri kwaro rega kuNepal dzakanetseka padzakanzwa kuti paiva nebhendi hombe raizoitirwa pachikoro chiri pedyo nepavakarenda kuti vaitire musangano wacho.

Pamabhendi akadaro panoitika ruzha rwakanyanya. Mangwanani emusi wacho, hama padzaichenesa maizoitirwa Chirangaridzo, mumwe wevaironga bhendi racho akadziudza kuti, “Muchavhara nzeve kana tatanga kuridza.”

Bhendi racho rakatanga ava masikati, uye chokwadi paiitwa ruzha rwakanyanya. Kunyange zvazvo hama dzacho dzainge dzahaya gudzanzwi rakati kurei kudarika ravainge vakaronga kuzoshandisa, raitokurirwa simba zvekuti vaisakwanisa kunzwa zvaitaurwa pavaida kuona kuti riri kushanda sei. Hama dzacho dzakapererwa asi dzakanyengetera nezvazvo nemwoyo wese. Zvadaro, pasara maminitsi 30 kuti Chirangaridzo chitange, panguva yaisvika hama dzakawanda, mumhanzi wacho wakangoerekana wamira kurira. Pane vanhu vainwa doro avo vakatanga kurovana pabhendi pacho, zvekuti mapurisa akabva arimisa. Hama dzacho dzakazokwanisa kuita Chirangaridzo pasina kana chaivhiringidza.

Jw.org Inorumbidzwa

Giuseppe ndipiyona wenguva dzose muItaly. Anoshandira imwe kambani inoita zveIndaneti achishandira ari kumba. Muna May wegore rapfuura iye nevamwe 70 vaanoshanda navo vakaita musangano wekuti vakurukure zvimwe zvavaigona kuita pabasa ravo. Mukuru mukuru wekambani yacho akatanga nekutaura kuti vaigona kutora mamwe mawebsite avaida kuzotevedzera vonyatsoaongorora kuti akagadzirwa sei. Akabva avaratidza zvakaita imwe yacho pasikirini. Giuseppe akashamisika paakaona pasikirini pachibuda peji yekutanga yejw.org. Mukuru mukuru wacho akati, “Hapana imwe website inodarika iyi pasi rese!” Akabva atanga kuongorora zvimwe zvinhu zviri pajw.org. Akataurawo kuti chimwe chaakafarira pairi ndechekuti zviri nyore kuvhura paunenge uchida kuenda uye kuti ine mapikicha anoyevedza.

“Vandinoshanda navo vakashamisika pavakaziva kuwanda kwemitauro inowanika pawebsite yacho,” anodaro Giuseppe. “Patainge tapedza kuratidzwa, supavhaiza wangu akaudza vanhu vaivapo nemukuru mukuru wacho kuti: ‘Giuseppe Chapupu chaJehovha.’ Paakangonzwa izvozvo, mukuru mukuru wacho akabva ati kwandiri: ‘Sangano renyu rinofanira kurumbidzwa. Makagadzira website yaizodiwa nekambani kana sangano chero ripi zvaro pasi rese. Ndinofunga kuti pane basa rakakura rinofanira kuitwa kuti igare iine zvinhu zvitsva, ichishandisika zviri nyore uye pakugadzira nekuongorora zvinhu zvinozoiswapo.’ Ndakanzwa kunyara paaindirumbidza zvakadaro asi ndisiri ini ndakaigadzira. Asi ndakafara zvekufara zviya kuti uchapupu hwakanga hwapiwa kune vakawanda vaisaziva nezveZvapupu zvaJehovha. Iye zvino ndava kugara ndichikurukura nevamwe vandinoshanda navo, uye ndakatotanga kudzidza Bhaibheri nevatatu vacho.” Kambani inoshandirwa naGiuseppe inogara ichidzidza nezvewebsite yejw.org, uku Giuseppe achikurukura nevanhu vaanoshanda navo Bhaibheri.

Akasiya Zvekutamba Nhabvu

Argentina: Jorge achitamba nhabvu nedzimwe hama

Jorge mukomana wekuArgentina. Pakutanga kwa2010, Jorge akatanga kudzidza mashoko akanaka kubva kune mumwe wemukirasi make. Pave paya, akazotanga kudzidza Bhaibheri achishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Panguva iyi aitamba nhabvu. Mutambo wacho aiugona chaizvo uye akawana nzvimbo yekuti atambire mutimu iri mune chimwe chezvikwata zvikuru. Muna April 2014, akapinda pamuedzo paakashevedzwa kuti azotambira imwe timu iri kuGermany. Aida kuzova shasha yenhabvu, saka akabvuma. Pasara mazuva mashoma kuti Jorge aende kuEurope, kochi wake akamubvunza kuti: “Hausi Chapupu chaJehovha here iwewe? Usazvikanganisira upenyu hwako nekuenda mhiri kwemakungwa. Ndaimbovawo Chapupu ndichiri mudiki. Ndakashevedzwa kuti nditambire imwe timu iri kuAsia. Ndakavimbiswa zvinhu zvakawanda, ndikabva ndadyira. Ndakaenda ikoko nemhuri yangu, asi takadzoka tisina kuwana zvataitarisira.” Jorge anoti: “Mashoko ake akandibata-bata, saka handina kuzoenda kuEurope. Muna 2015, ndakatanga kuparidza mashoko akanaka ndokuzobhabhatidzwa.”

Chikomborero Chemahara

Gungano remunharaunda raiva nemusoro wekuti “Tevedzera Jesu!” rakaitwa muna September 2015, muKampala, kuUganda. Vaivapo vakafara Hama Mark Sanderson veDare Rinotungamirira pavakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muchiLuganda.

Mumwe mudzidzi weBhaibheri akataura kuti: “Ndakafara chaizvo pandakapiwa Bhaibheri rakanaka kudai! Panguva iyoyo, vanhu vaigadzirira kuuya kwaizoita papa. Kuti vaunganidze mari yekuzoshandisa, vaitengesa marozari ainzi akakomborerwa, rimwe chete richiita US$30. Vanhu vaida makomborero, asi vakawanda vakanga vasina mari yacho. Asi ini ndakawana chikomborero chaicho chemahara. Jehovha akachipa munhu wese akauya kugungano racho, uye munhu mumwe nemumwe ndiye aizvisarudzira chipo chaanenge achikwanisa kupa zvichibva pamwoyo. Pandinoverenga Shoko raJehovha zuva nezuva mumutauro waamai vangu ndichiwedzera kumuziva kwandinoita, ndinonzwa kuti ndakakomborerwa zvechokwadi. Ndinotenda Jehovha nekundipawo Bhaibheri.”

Kudhinda Munyikadzimu?

Vachida kuita kuti vanhu vasafarira www.pr418.com, vatungamiriri vemamwe machechi mune imwe nharaunda kuCongo (Kinshasa), vakadzidzisa vanhu vemumachechi avo kuti mabhuku eZvapupu zvaJehovha anodhindwa kunyikadzimu. Kuti vatsigire zvavaitaura, vakabva vati mavara ekuti “www,” anoenderana nenhamba 666 iri mubhuku raZvakazarurwa. (Zvak. 13:18) Saka vamwe vaidzidza Bhaibheri vakabva vatoramba kudzidza.

Mumwe murume nemudzimai mapiyona vakanyengetera nezvazvo, ndokubva vakoka vavaidzidza navo Bhaibheri pamwe chete nevavakaroorana navo kumba kwavo. Pakauya mhuri nhatu uye pavakapedza kudya mapiyona aya akavaratidza vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News. Zvavakadzidza pavhidhiyo yacho zvakabva zvaita kuti vasatenda nhema dzese dzavainge vanzwa nezvekunodhindwa mabhuku edu. Vhiki rakatevera racho murume wemumwe mukadzi wavaidzidza naye akavakumbira akumbirazve kuti vatambire US$100 yaaida kuvapa kuti vazoiendesa sechipo kubasa remunyika yose kunyange zvazvo iye akanga asati ava kudzidza Bhaibheri.

Kudzidzira Nziyo Itsva

Kunyange zvazvo hama dzinogara kumisha iri kure kuPapua New Guinea dzisina Indaneti, dzinoda chaizvo kudzidzira nziyo dzeUmambo itsva. Saka ungano yeMundip inotuma imwe hama kutaundi riri pedyo kwainofanira kufamba maawa maviri netsoka yozoita mamwe maviri iri mubhazi. Painosvika ikoko, inoenda paIndaneti, yokopa mashoko enziyo dzacho ichiaisa mubhuku, yodzokera kumba, yozonoanyora pabhodhi muImba yeUmambo kuti munhu wese aaone. Ungano yese inobva yazokopa mashoko enziyo dzacho kuti vazodziimba pamisangano. Vanokoshesa chaizvo kuimba nziyo idzi sezvinongoita dzimwe ungano pasi rese pakunamata Jehovha.