Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Colombia

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kuita Kuti Basa Rekuparidza Pasi Rese Rive Pekutanga

Kuita Kuti Basa Rekuparidza Pasi Rese Rive Pekutanga

MUSI weChitatu 23 September 2015, Dare Rinotungamirira rakazivisa mhuri dzeBheteri pasi rese nezvezvinhu zvakati wandei zvaida kuchinjwa musangano kuitira kuti mari yezvipo inyatsoshandiswa zvakanaka. Zvadaro, musi weMugovera 3 October 2015, chiziviso chakabva kuDare Rinotungamirira chaiti: “Pana VaFiripi 1:10, tinoudzwa kuti ‘tive nechokwadi chekuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’ Tichitevedzera zvinotaurwa nezano iri reuchenjeri, isu [Dare Rinotungamirira] tinoda kuisa pekutanga zvinhu zvinonyanya kubatsira vanhu vaMwari pakunamata uye kuita kuti basa rekuparidza pasi rese rifambire mberi.”

Hama Stephen Lett veDare Rinotungamirira vakazotsanangura paJW Broadcasting kuti: “Dare Rinotungamirira harisi kudzoka kumashure pakuita kuti basa reUmambo rifambire mberi mundima, zvekuti takaongororazve zvatingaita kuti mari inoshandiswa pamapazi ese ideredzwe kuitira kuti yakawanda yacho ishandiswe pabasa rekuparidza. Semuenzaniso, maitirwo aimboitwa zvinhu zvakawanda paBheteri ari kuchinjwa uye zvimwe zviri kutoregwa zvachose. Izvi zvichaita kuti paBheteri padiwe vanhu vashoma.”

Nekudaro, kubvira muna September 2015, vashandi vepamaBheteri ese vanenge 5 500 vakanzi vadzokere kundima. Kunyange zvazvo kuchinja uku kwakaita kuti zvinhu zvakawanda zvigadziridzwe, tiri kunyatsoona chikomborero chaJehovha, uye kuchinja uku kwakaita kuti basa rekuparidza uye kudzidzisa rifambire mberi.

Mumwe murume nemudzimai wake vekuSri Lanka avo vakanzi vaende kunoshanda mundima vachibva paBheteri, vakaona kuchinja ikoko semukana wekuratidza kutenda kwavo muna Jehovha uye kuvimba kwavanoita nesangano rake. Vakanyora kuti: “Taisaziva kuti ramangwana redu raizenge rakamira sei. Asi taiva nechokwadi chekuti Jehovha aisazombotisiya. Saka takanyengetera tichiti, ‘Tapota, Jehovha, pasinei nezvatichasangana nazvo, tibatsireiwo kuchinja upenyu hwedu kuti tese tiri vaviri tikwanise kushanda semapiyona enguva dzose.’ Mumwedzi wekutanga, takanga tiine zvishoma zvekurarama nazvo, asi takaona kuti Jehovha anotida uye ane hanya nesu. Iye zvino tava kugara tichiwana mari yekubhadhara zvinhu zvatinoda. Tine zvakawanda zvekuita zvinosanganisira basa repamba, basa rinotiraramisa uye kupayona. Asi zvatakadzidza tichiri paBheteri zviri kuita kuti tigone kushandisa nguva yedu zvakanaka. Hapana chimwe chinhu chinogutsa kupfuura kubatsira vanhu kuti vasvike pakuziva chokwadi, uye tiri kufara chaizvo kuti ndizvo zvatiri kuita semapiyona.”

Vamwe vashandi vepaBheteri vekuColombia avo vakanzi vanoshanda kundima, vakadzidzira mumwe mutauro ndokuenda kunzvimbo dziri kure kuti vanoparidza mashoko eUmambo kuvanhu vanogara ikoko. Hama idzi nehanzvadzi dziri kubatsirawo chaizvo muungano dzavava kupinda nadzo. Mumwe mutariri wedunhu akanyora nezvemumwe murume nemudzimai wake avo vakanzi vashande muungano iri mudunhu make, achiti: “Hama nehanzvadzi dzemuungano dzinotenda chaizvo kubatsira kwavanoita. Kubuda kunoita ungano muushumiri kwawedzera uye hama dziri kudzidziswa mabasa akasiyana siyana emuungano.” Vakawanda vaimboshanda paBheteri vari kuzvipirawo kuenda kunoshanda kuBheteri kwezuva rimwe chete pavhiki kana kupfuura vachibva kudzimba dzavo.

Imwe hama yakanga yashumira paBheteri rekuJapan kwemakore 31 yakanzi iende kunopinda neungano yaiva nevakuru vaviri chete. Sezvo ungano yacho yakanga yanzi igadziridze Imba yeUmambo, hama yacho yakasarudza kusatsvaga basa kwemavhiki maviri. Kwangosara nguva diki kuti vatange basa racho rekugadziridza, pakabva pava nekudengenyeka kwenyika kwakakura muKumamoto, nzvimbo yaiva neungano yacho. Sezvo akanga asati ava nebasa raainge aronga kuita, akatungamirira pabasa rekuyamura uye kufudza izvo zvakaitwa pashure pekudengenyeka kwacho. “Ndikafunga zvakaitika ipapo,” inodaro hama yacho, “ndinoona kuti Jehovha akaita kuti ndive mune imwe yenzvimbo dzandaizonyanya kudiwa.”

Phil naSugar, avo vakamboshumira kubazi rekuAustralasia vanoti: “Patakanzi tinoshumira kundima, takanga takatsunga kurarama upenyu husina twakawanda-wanda. Takanyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire pakuita zvisarudzo zvakanaka uye kuti akomborere zvisarudzo zvataizoita. Chataingoda kwaiva kuenda kunoshumira tiri kune imwe nyika. Jehovha akakomborera zvisarudzo zvedu uye akaita kuti pasava nechinotivhiringidza kuitira kuti timushumire nemwoyo wese!” Iye zvino vari kupinda neboka remutauro weChirungu muSamal Island, kupurovhinzi yeDavao, kuPhilippines, umo mune vaparidzi 34 uye mapiyona enguva dzose 9. Vava nekero dzinenge 120 dzevanhu vavanofanira kushanyira. “Pane basa rakawanda rinonakidza rinofanira kuitwa. Tinofara kuti takanyatsovimba naJehovha. Izvi zvakawedzera kutenda kwedu uye kumuda kwatinoita!”

Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yekuRussia iyo yakanzi inoshanda sapiyona chaiye, inoti: “Kupayona kuri kundipa mukana wekunyatsoita basa rinonyanya kukosha, risingazombodzokororwi rekuparidza nezveUmambo hwaMwari. Ndiri kufara chaizvo nekuti ndiri kushandiswa naJehovha.” Iye zvino hanzvadzi iyi iri kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 6. Vamwe vanhu vairi kudzidzisa vanobva kuIraq, Nigeria, Sri Lanka, Syria, neZambia.

Zambia: Vaimboshanda paBheteri vachigamuchirwa neungano yavaizopinda nayo

Vakawanda vakamboshumira paBheteri rekuZambia vari kushanda semapiyona enguva dzose. Vari kunakidzwa chaizvo nekuita zvakawanda mubasa rekuparidza. “Tichangobva kuBheteri, takabatsira vanhu vaviri kuti vagone kunyora nekuverenga,” anodaro Andrew, uyo anopayona nemudzimai wake. “Munguva pfupi iri kutevera mumwe mukomana ane makore 10 watinodzidza naye achaverenga Bhaibheri kekutanga pamusangano wepakati pevhiki. Mumwe murume nemudzimai wake vatakaparidzira, vakapinda Chirangaridzo uye kubvira ipapo havana kuzombopotsa misangano. Vari kufambira mberi zvinodadisa pakudzidza kwavari kuita Bhaibheri. Tinofunga kuti zvese izvi zvingadai zvisina kuitika kudai tisina kutevedzera zvakataurwa naJehovha, tichiona kutsigira kwake uye tichimirira chikomborero chake.”

Edson naArtness, avo vanogara kuZambia, vakanga vava nemwedzi mishoma vachangobva kuroorana pavakanzi vanoshanda kundima. Artness anoti: “Zvatakadzidza tichiri kuBheteri zviri kutibatsira kuti tishandise nekuchenjera zvinhu zvishoma zvatiinazvo, tigare tichifara uye tisapinda muchikwereti. Hatizvidembi kuti takambosarudza kunoshanda kuBheteri. Takadzidza zvatingaita kuti tigadzirise zvinangwa zvataiva nazvo pakunamata uye kuti tizvizadzise tichibatsirwa naJehovha. Kutenda kwedu muna Jehovha kwawedzera kusimba uye ticharamba takavimbika kuna Jehovha kunyange zvodini.”