Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Jesu Anotidzidzisa Kunyengetera

Jesu Anotidzidzisa Kunyengetera

UNOTAURA naJehovha Mwari here?— Anoda kuti utaure naye. Paunotaura naMwari, uyu unonzi munyengetero. Jesu aiwanzotaura naBaba vake vokudenga. Dzimwe nguva aida kuva oga paaitaura naMwari. Bhaibheri rinoti pane imwe nguva, “Akakwira mugomo ari oga kuti anyengetere. Kunyange akanga ava manheru, akanga arimo oga.”—Mateu 14:23.

Ndokupi kwaungaenda kuti unonyengetera kuna Jehovha uri woga?— Pamwe ungave uri woga kuti utaure naJehovha usati warara usiku. Jesu akati: “Paunonyengetera, pinda mukamuri rako uye, kana wapfiga musuo wako, nyengetera kuna Baba vako.” (Mateu 6:6) Unonyengetera kuna Jehovha usiku hwoga hwoga usati waenda kunorara here?— Unofanira kudaro.

Jesu akanyengetera paakanga ari oga . . . uye paaiva nevamwe

Jesu akanyengeterawo apo vamwe vanhu vakanga vanaye. Pakafa shamwari yake Razaro, Jesu akanyengetera aine vamwe panzvimbo pakanga pavigwa Razaro. (Johani 11:41, 42) Uye Jesu ainyengeterawo paaiita misangano nevadzidzi vake. Unoenda kumisangano kunopiwa munyengetero here?— Ikoko kazhinji munhu mukuru ndiye anonyengetera. Nyatsoteerera zvaanotaura nokuti ari kutaura naMwari akakumiririra. Zvadaro unogona kuzoti “Ameni” kumunyengetero wacho. Unoziva zvazvinoreva here kuti “Ameni” pashure pomunyengetero?— Zvinoreva kuti unofarira munyengetero wacho. Zvinoreva kuti unobvumirana nawo uye unoda kuti uve munyengetero wakowo.

Nei uchifanira kunyatsoteerera minyengetero inopiwa pamisangano?

Jesu ainyengeterawo panguva dzezvokudya. Aionga Jehovha nokuda kwezvokudya zvake. Unonyengetera nguva dzose usati wadya zvokudya zvako here?— Zvakanaka kuti tionge Jehovha nokuda kwezvokudya tisati tatanga kudya. Mumwe munhu anogona kunyengetera pamunodya pamwe chete. Asi zvakadini kana uchidya woga? Kana kuti zvakadini kana ukadya nevanhu vasinganyengeteri vachionga Jehovha?— Kana zvakadaro unofanira kuzvinyengeterera.

Unofanira kunyengetera zvinonzwika nguva dzose here? Kana kuti Jehovha anogona kukunzwa here kana ukanyengetera nechomumwoyo?— Tinogona kuwana mhinduro kubva kune zvakaitika kuna Nehemiya. Akanga ari munamati waJehovha aishanda pamuzinda waMambo Atashasta wePersia. Rimwe zuva Nehemiya akasuruvara zvikuru nokuti akanzwa kuti masvingo eJerusarema, guta guru revanhu vake, akanga akoromoka.

Inguva dzipi dzaungagona kunyengetera nechomumwoyo, sezvakaita Nehemiya?

Mambo paakabvunza Nehemiya kuti nei akanga akasuruvara, Nehemiya akatanga ambonyengetera nechomumwoyo. Zvadaro Nehemiya akaudza mambo wacho kuti nei akanga akasuruvara uye akamukumbira kuti aende kuJerusarema kunovakazve masvingo acho. Chii chakaitika?—

Jehovha akapindura munyengetero waNehemiya. Mambo akati aigona kuenda! Mambo akatopa Nehemiya miti yakawanda yokushandisa kuvaka masvingo acho. Naizvozvo Mwari anogona chaizvo kupindura minyengetero yedu, kunyange kana iri yechinyarari- re.—Nehemiya 1:2, 3; 2:4-8.

Zvino imbofunga. Unofanira kukotamisa musoro wako paunonyengetera here? Unofanira kupfugama here? Unofungei?— Dzimwe nguva Jesu aipfugama paainyengetera. Dzimwe nguva ainyengetera akamira. Uye dzimwe nguva aitarira mudenga sezvaainyengetera, sezvaakaita paakanyengeterera Razaro.

Saka izvi zvinoratidzei?— Izvi zvinoratidza kuti chimiro chaunenge uri hachisiri icho chinokosha. Dzimwe nguva zvakanaka kukotamisa musoro wako nokutsinzina. Pane dzimwewo nguva ungada kunyange kupfugama sezvakaita Jesu. Asi, yeuka, tinogona kunyengetera kuna Mwari chero nguva, masikati kana kuti usiku, uye achatinzwa. Chinhu chinokosha pamusoro pomunyengetero ndechokuti titende zvechokwadi kuti Jehovha ari kuteerera. Unotenda here kuti Jehovha anonzwa minyengetero yako?—

Chii chaungataurira Mwari mumunyengetero

Chii chatinofanira kutaura muminyengetero yedu kuna Jehovha?— Ndiudze: Paunonyengetera, unotaurira Mwari chii?— Jehovha anotipa zvinhu zvakanaka zvakawanda uye zvakarurama kumuonga nokuda kwazvo, handiti?— Tinogona kumuonga nokuda kwezvokudya. Asi wati wambomuonga here nokuda kwedenga rebhuruu, miti yakasvibirira, uye maruva akanaka?— Akagadzirawo izvozvo.

Vadzidzi vaJesu vakambomukumbira kuti avadzidzise kunyengetera. Naizvozvo Mudzidzisi Mukuru akavadzidzisa, uye akavaratidza kuti ndezvipi zvakanga zviri zvinhu zvinokosha kupfuura zvose zvokunyengeterera. Zvinhu zvacho unozviziva here?— Tora Bhaibheri rako wovhura pana Mateu chitsauko 6. Mundima 9 kusvika ku13, tinowana unonzi nevanhu vakawanda Munyengetero waShe kana kuti Baba Vedu Vari Kudenga. Ngatiuverenge pamwe chete.

Pano tinodzidza kuti Jesu akatiudza kuti tinyengeterere zita raMwari. Akati tinyengeterere kuti zita raMwari ritsveneswe, kana kuti ribatwe sedzvene. Zita raMwari ndiani?— Hungu, ndiJehovha, uye tinofanira kuda zita iroro.

Chechipiri, Jesu akatidzidzisa kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye. Umambo uhwu hunokosha nokuti huchaunza rugare pasi pano nokuita kuti pave paradhiso.

Chechitatu, Mudzidzisi Mukuru akati tinyengeterere kuti kuda kwaMwari kuitwe pasi pano sezvakunoitwa kudenga. Saka kana tikanyengeterera izvi, tinofanira kuita zvinodiwa naMwari.

Uyewo, Jesu akatirayira kuti tinyengeterere zvokudya zvatinoda zuva nezuva. Akataurawo kuti tinofanira kuudza Mwari kuti tine urombo patinenge taita zvinhu zvisina kururama. Uye tinofanira kukumbira Mwari kuti atikanganwire. Asi asati atikanganwira, tinofanira kukanganwira vamwe kana vatitadzira. Izvozvo zviri nyore kwauri kuzviita here?—

Pakupedzisira Jesu akati, tinofanira kunyengeterera kuti Jehovha Mwari atidzivirire pane wakaipa, Satani Dhiyabhorosi. Naizvozvo zvose izvi, zvinhu zvakanaka zvokunyengeterera kuna Mwari.

Tinofanira kutenda kuti Jehovha anonzwa minyengetero yedu. Kunze kwokumukumbira kuti atibatsire, tinofanira kuramba tichimuonga. Anofara kana tichiita zvatinotaura mumunyengetero uye patinomukumbira zvinhu zvakarurama. Uye achatipa zvinhu izvozvo. Unozvitenda here?—

Mamwe mazano akanaka pamusoro pomunyengetero anowanikwa pana VaRoma 12:12; 1 Petro 3:12; na1 Johani 5:14.