Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 30

Chinotibatsira Kukurira Kutya

Chinotibatsira Kukurira Kutya

UNOZVIWANA zviri nyore here kushumira Jehovha?— Mudzidzisi Mukuru haana kuti zvaizova nyore. Usiku hwokupedzisira Jesu asati aurayiwa, akataurira vaapostora vake kuti: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai.”—Johani 15:18.

Petro akazvikudza achiti aisazombosiya Jesu, asi Jesu akataura kuti Petro aizoramba kuti anomuziva katatu usiku ihwohwo. Uye izvi ndizvo chaizvo zvakaita Petro! (Mateu 26:31-35, 69-75) Chinhu chakadaro chaizoitika sei?— Zvakaitika nokuti Petro akatya, uye ndizvo zvakaitawo vamwe vaapostora.

Unoziva here kuti nei vaapostora vakatya?— Havana kuita chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Kudzidza nezveizvi kunogona kutibatsira kushumira Jehovha, pasinei nokuti mumwe munhu angati chii kana kuti angaitei kwatiri. Zvisinei, kutanga, tinofanira kuongorora zvakaitika pausiku hwokupedzisira uhwo Jesu akapedza ane vaapostora vake.

Kutanga vanochengeta Paseka pamwe chete. Uku kwakanga kuri kudya kunokosha kwaiitwa gore negore kuyeuchidza vanhu vaMwari nezvokununurwa kwavo kubva muuranda muIjipiti. Zvino Jesu anotanga kumwe kudya kunokosha navo. Tichazokukurukura muchitsauko chiri mberi totsanangura kuti kudya ikoko kunotibatsira sei kuyeuka Jesu. Vapedza kudya uye apa mashoko anokurudzira kuvaapostora vake, Jesu anoenda navo kubindu reGetsemane. Iyi inzvimbo yavanofarira yavaiwanzoenda.

Jesu anoenda kwake oga mubindu iroro onyengetera. Anoudzawo Petro, Jakobho, naJohani kuti vanyengetere. Asi vanorara. Katatu Jesu anoenda ari oga kunonyengetera, uye anodzoka katatu achiwana Petro nevamwe varara! (Mateu 26:36-47) Unoziva here kuti nei vaifanira kuramba vakamuka kuti vanyengetere?— Ngatitaure nezvazvo.

Nei Petro, Jakobho, naJohani vaifanira kuramba vakamuka?

Judhasi Isikariyoti akanga ari paPaseka naJesu nevamwe vaapostora pakutanga manheru iwayo. Sezvaungadaro uchiri kuyeuka, Judhasi akanga ava mbavha. Zvino anova mutengesi. Anoziva nezvenzvimbo iri mubindu reGetsemane umo Jesu ave achiwanzosangana nevaapostora vake. Saka Judhasi anouya nevarwi ikoko kuti vazosunga Jesu. Pavanosvika, Jesu anovabvunza kuti: “Muri kutsvaka ani?”

Varwi vacho vanopindura kuti: “Jesu.” Jesu haatyi, saka anopindura kuti: “Ndini.” Varwi vanoshamiswa zvikuru noushingi hwaJesu zvokuti vanodzokera shure vachiwira pasi. Ipapo Jesu anoti: ‘Kana ndiri ini wamuri kutsvaka, regai vaapostora vangu vaende.’—Johani 18:1-9.

Varwi vacho pavanobata Jesu vomusunga, vaapostora vanotya votiza. Asi Petro naJohani vanoda kuona zvinoitika, saka vanotevera vari nechokure. Pakupedzisira, Jesu anounzwa mumusha waKayafasi, mupristi mukuru. Sezvo Johani achizivikanwa nomupristi mukuru, murindi wegedhi anomubvumira pamwe naPetro kuti vapinde muchivanze.

Vapristi vatoungana pamba paKayafasi kuti vazotonga mhosva. Vanoda kuti Jesu aurayiwe. Saka vanopinza zvapupu zvinomurevera nhema. Vanhu vanorova Jesu nezvibhakera nembama. Zvose izvi pazviri kuitika, Petro ari pedyo.

Mushandi wechisikana, anorinda gedhi uyo abvumira Petro naJohani kuti vapinde, anoziva Petro. Anoti: “Newewo wakanga una Jesu wekuGarireya!” Asi Petro anoramba kunyange kuti anoziva Jesu. Pashure pechinguva mumwe musikana anoona Petro obva amuziva oti kune vakamirapo: “Murume uyu akanga ana Jesu.” Petro anoramba zvakare kuti anoziva Jesu. Pashure pechinguva boka revanhu rinoona Petro roti kwaari: “Zvechokwadi iwewo uri mumwe wavo.” Kechitatu Petro anoramba, achiti: “Munhu iyeye handimuzivi!” Petro anotopika kuti ari kutaura chokwadi, uye Jesu anotendeuka omutarisa.—Mateu 26:57-75; Ruka 22:54-62; Johani 18:15-27.

Nei Petro aitya kwazvo zvokuti akareva nhema kuti akanga asingazivi Jesu?

Unoziva here kuti nei Petro akareva nhema?— Hungu, nokuti aitya. Asi aityei? Chii chaakanga asina kuita chaifanira kumuwanisa ushingi? Pafunge. Jesu akanga aitei kuti awane ushingi?— Akanga anyengetera kuna Mwari, uye Mwari akamubatsira kuti ave noushingi. Uye yeuka, Jesu akanga audza Petro katatu kuti anyengetere uye kuti arambe akamuka uye arambe akarinda. Asi chii chakanga chaitika?—

Nguva imwe neimwe, Petro airara. Haana kunyengetera, uye haana kuramba akarinda. Saka zvakamushamisa Jesu paakasungwa. Gare gare pakutongwa kwacho, pavakarova Jesu ndokuronga kuti aurayiwe, Petro akatya. Asi, maawa mashomanana chete izvi zvisati zvaitika, Jesu akaudza vaapostora vake kutarisira chii?— Jesu akavaudza kuti sezvo nyika yakanga yamuvenga, yaizovavengawo.

Ndezvipi zvingaitika kwauri zvakada kufanana nezvakaitika kuna Petro?

Zvino ngatifunge pamusoro pechimwe chinhu chinogona kuitika kwatiri chakafanana nezvakaitika kuna Petro. Ngatitii uri mukirasi apo vamwe vanotanga kutaura zvinhu zvakaipa pamusoro pevanhu vasingasaruti mureza kana kuti kupemberera Krisimasi. Zvino zvakadini kana mumwe akatendeukira kwauri achibvunza kuti: “Ichokwadi here kuti iwe hausaruti mureza?” Kana kuti vamwe vanoti: “Tinonzwa kuti haupembereri chero Krisimasi zvayo!” Uchatya kutaura chokwadi here?— Uchava pamuedzo wokureva nhema, sezvakaita Petro here?—

Pashure pacho, Petro akazvidemba zvikuru kuti akanga aramba kuti aiziva Jesu. Paakaona zvaakanga aita, akabuda panze akachema. Akadzokera kuna Jesu. (Ruka 22:32) Pafunge, chii chinogona kutibatsira kuti tisanyanya kutya zvokubva tataura sezvakaita Petro?— Yeuka, Petro haana kunyengetera uye haana kuramba akarinda. Saka unoti tinofanira kuitei kuti tive muteveri woMudzidzisi Mukuru?—

Zvechokwadi tinotofanira kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire. Jesu paakanyengetera, unoziva kuti Mwari akamuitirei here?— Akatumira ngirozi kuti imusimbise. (Ruka 22:43) Ngirozi dzaMwari dzinogona kutibatsira here?— Bhaibheri rinoti: “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira.” (Pisarema 34:7) Asi kuti tibatsirwe naMwari, hatingonyengeteri chete. Unoziva kuti chii chimwe chatinofanira kuita here?— Jesu akaudza vateveri vake kuti varambe vakamuka uye varambe vakarinda. Unoti tingazviita sei izvozvo?—

Tinofanira kunyatsoteerera zvinotaurwa pamisangano yedu yechiKristu uye kuteerera zvatinoverenga muBhaibheiri. Asi tinofanirawo kunyengetera kuna Jehovha nguva dzose uye kumukumbira kutibatsira kumushumira. Kana tikadaro, tichabatsirwa kukunda kutya. Ipapo tichafara patichawana mukana wokuudza vamwe nezvoMudzidzisi Mukuru naBaba vake.

Magwaro aya anogona kutibatsira kusambobvumira kutya vamwe vanhu kuchititadzisa kuita zvakarurama: Zvirevo 29:25; Jeremiya 26:12-15, 20-24; naJohani 12:42, 43.