Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

Chikonzero Nei Tichifanira Kukanganwira

Chikonzero Nei Tichifanira Kukanganwira

PANE mumwe munhu akambokuitira zvakaipa here?— Akakukuvadza kana kuti akataura zvimwe zvinhu zvoutsinye kwauri here?— Unofanira kumuitira utsinye sezvaakakuitirawo here?—

Kana vanhu vakarwadziswa nomumwe munhu, vazhinji vanoda kutsiva nokumurwadzisawo. Asi Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kukanganwira avo vanotitadzira. (Mateu 6:12) Zvakadini kana munhu akatiitira utsinye kakawanda? Tinofanira kumukanganwira kakawanda sei?—

Izvozvo ndizvo zvaida kuzivikanwa naPetro. Saka rimwe zuva akabvunza Jesu kuti: ‘Ndinofanira kumukanganwira kanosvika kanomwe here?’ Kanomwe hakana kukwana. Jesu akati: ‘Unofanira kukanganwira kane makumi manomwe’ kana munhu wacho akakutadzira kakawanda zvakadaro.

Chii icho Petro aida kuziva pamusoro pokukanganwira?

Kakawanda zvokuti! Hatingamboyeuki zvikanganiso zvakawanda kudaro kana zvinhu zvakaipa zvatakaitirwa nomunhu, tingazviyeuka here? Uye izvi ndizvo zvatakanga tichiudzwa naJesu: Hatifaniri kuedza kuyeuka kuwanda kwezvikanganiso izvo vamwe vangatiitira. Kana vakakumbira kukanganwirwa, tinofanira kuvakanganwira.

Jesu akanga achida kuratidza vadzidzi vake kuti zvinokosha kwazvo kukanganwira. Naizvozvo pashure pokupindura mubvunzo waPetro, akaudza vadzidzi vake imwe nyaya. Unoda kuinzwa here?—

Pane imwe nguva kwakanga kuna mambo akanaka. Akanga ane mwoyo wakanaka. Aitokweretesa mari kuvaranda vake pavaida kubatsirwa. Asi zuva rakasvika apo mambo wacho aida kuti varanda vaiva nemari yake vachimudzorera. Zvino mumwe muranda akadanwa aiva nechikwereti namambo chezvidimbu mamiriyoni 60 zvemari. Imari yakawanda kwazvo iyoyo!

Chii chakaitika apo muranda akateterera mambo kuti amuwedzere nguva yokubhadhara?

Asi muranda wacho akanga apedza mari yamambo yose uye akatadza kuidzorera. Saka mambo akarayira kuti atengeswe. Mambo akatiwo mukadzi womuranda wacho nevana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe. Zvadaro, mambo aizobhadharwa nemari yaizobva pakutengesa uku. Unofunga kuti izvi zvakaita kuti muranda wacho anzwe sei?—

Akapfugama pamberi pamambo akateterera achiti: ‘Ndapota, ndipeiwo imwe nguva, uye ndichakubhadharai chikwereti chenyu chose.’ Kudai uriwe waiva mambo, waizodai wakaita sei nomuranda wacho?— Mambo wacho akanzwira muranda wake urombo. Saka mambo wacho akamukanganwira. Akaudza muranda wacho kuti aisafanira hake kubhadhara mari yacho yose, chero chidimbu chimwe chete zvacho pamamiriyoni 60 iwayo. Izvozvo zvinofanira kuva zvakafadza muranda wacho zvikuru!

Asi muranda iyeye akaitei? Akabuda akaenda kune mumwe muranda, uyo akanga ane chikwereti naye chezvidimbu zana chete zvemari. Akabata muranda uyu pahuro ndokutanga kumudzipa, achiti: ‘Dzorera zana rezvidimbu zvemari zvandakakukweretesa!’ Unogona kufungidzira here munhu achiita zvakadaro, kunyanya pashure pokunge akanganwirwa zvakakura kudaro namambo?—

Muranda wacho akaitirei mumwe wake akanga asingagoni kumubhadhara chikwereti chake?

Muranda akanga ane chikwereti chezana chete rezvidimbu zvemari aiva murombo. Akanga asingagoni kubhadhara mari yacho pakarepo. Naizvozvo akawira patsoka dzomumwe wake akateterera achiti: ‘Ndapota, ndipewo imwe nguva, uye ndichabhadhara chikwereti changu.’ Murume wacho aifanira kudai akapa mumwe wake imwe nguva here?— Waizodai wakaitei?—

Murume uyu akanga asina mwoyo wakanaka, sezvakanga zvakaita mambo. Akanga achida mari yake pakarepo. Uye pamusana pokuti mumwe wake akanga asingagoni kuibhadhara, akamuita kuti akandirwe mujeri. Vamwe varanda vakaona izvi zvose zvichiitika, uye havana kufara nazvo. Vakanzwira urombo muranda akanga ari mujeri. Saka vakaenda vakanoudza mambo.

Chero namambowo haana kufara nezvakanga zvaitika. Akagumbukira kwazvo muranda asingakanganwiri. Saka akamudana akati: ‘Iwe muranda akaipa, handina kukukanganwira chikwereti chawanga unacho kwandiri here? Saka wanga usingafaniri kukanganwira mumwe wako here?’

Mambo akaitei kumuranda akanga asingakanganwiri?

Muranda akanga asingakanganwiri aifanira kudai akadzidza chidzidzo kubva kuna mambo akanaka. Asi akanga asina. Naizvozvo mambo akaita kuti muranda iyeye akandirwe mujeri kusvikira ava kukwanisa kubhadhara mari ine zvidimbu zvine mamiriyoni 60. Chokwadi, mujeri aisazombowana mari yokubhadhara mambo wacho. Naizvozvo aizogaramo kusvikira afa.

Jesu zvaakapedzisa kutaura nyaya iyi, akati kuvateveri vake: “Baba vangu vokudenga vachabatawo nemi saizvozvowo kana musingakanganwiri mumwe nomumwe hama yake zvichibva mumwoyo menyu.”—Mateu 18:21-35.

Unoonaka, tose tine chikwereti chikuru naMwari. Kutaura zvazviri, upenyu hwedu chaihwo hunobva kuna Mwari! Naizvozvo kana zvichienzaniswa, vamwe vanhu vane chikwereti chiduku kwatiri pane chatinacho kuna Mwari. Chikwereti chavo kwatiri chakaita sezvidimbu zana zvemari izvo mumwe muranda akanga akwereta kune mumwe wake. Asi pamusana pezvinhu zvisina kururama zvatinoitira Mwari, chikwereti chedu kwaari chakafanana nochomuranda uya kuna mambo chezvidimbu mamiriyoni 60.

Mwari ane mutsa zvikuru. Kunyange zvazvo takaita zvinhu zvisina kururama, anotikanganwira. Haatiiti kuti tibhadhare nokutitorera upenyu hwedu nokusingaperi. Asi ichi ndicho chidzidzo chatinofanira kuyeuka: Mwari anotikanganwira bedzi kana tichikanganwira vanhu vanotitadzira. Ichocho ndechimwe chinhu chokufunga nezvacho, handiti?—

Uchaitei kana mumwe munhu akakumbira kuti umukanganwire?

Naizvozvo kana mumwe munhu akakuitira chimwe chinhu chisina kunaka asi ozoti ndine urombo, uchaitei? Uchamukanganwira here?— Zvakadini kana akazviita kakawanda? Uchangomukanganwira here?—

Kudai taiva isu tiri kukumbira kukanganwirwa, taizoda kuti watatadzira atikanganwire, handiti?— Naizvozvo ndizvo zvatinofanira kumuitirawo. Hatifaniri kungotaura kuti tinomukanganwira asi tinofanira kumukanganwira zvechokwadi zvichibva pamwoyo pedu. Patinodaro, tinoratidza kuti tinoda zvechokwadi kuva vateveri voMudzidzisi Mukuru.

Kuti tinzwisise kukosha kwokuva vanokanganwira, ngativerengewo Zvirevo 19:11; Mateu 6:14, 15; naRuka 17:3, 4.