Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 42

Chikonzero Nei Tichifanira Kushanda?

Chikonzero Nei Tichifanira Kushanda?

CHII chaunonyanya kuda, kushanda kana kuti kutamba?— Chaizvo hapana chakamboipa nokutamba. Bhaibheri rinotaura nezveJerusarema richiti richazara “navakomana navasikana vanotamba munzira dzaro.”—Zekariya 8:5.

Mudzidzisi mukuru ainakidzwa nokuona vana vachitamba. Asati auya pasi pano, akati: “Ndaiva naye, ndiri mhizha; . . . ndichitamba pamberi pake nguva dzose.” Cherechedza kuti Jesu akanga ari mushandi pamwe naJehovha mudenga. Uye paakanga ari ikoko akati: ‘Ndaifadzwa navanakomana vavanhu.’ Sezvatakadzidza, Mudzidzisi Mukuru ainyatsofarira munhu wose, kusanganisira vaduku.—Zvirevo 8:30, 31.

Mudzidzisi Mukuru ainakidzwa nei asati auya pasi pano?

Unofunga kuti Jesu paakanga achiri mwana aitamba here?— Zvimwe aitamba. Asi sezvo akanga ari ‘mushandi mukuru’ mudenga, akashandawo here pasi pano?— Jesu ainzi “mwanakomana wemuvezi.” Asi ainziwo “muvezi.” Izvi zvinoratidzei?— Josefa, uyo akarera Jesu somwanakomana wake anofanira kuve akamudzidzisa. Naizvozvo Jesu akavawo muvezi.—Mateu 13:55; Mako 6:3.

Jesu akanga ari muvezi worudzii?— Sezvo akanga ari mhizha huru mudenga, haufungi here kuti akava nyanzvi yokuveza paaiva pasi pano?— Funga kuti raiva basa rakaoma sei kuva muvezi panguva iyoyo. Zvimwe Jesu aifanira kuenda musango onotema muti, ogura-gura muti wacho kuita zvidimbu, ozvitakura kuenda kumba, ozoveza muti wacho kuti uite matafura, mabhenji, nezvimwe zvinhu.

Unofunga kuti Jesu ainakidzwa nebasa iri here?— Waizofara here kudai waigona kugadzira matafura akanaka nezvigaro nezvimwe zvinhu zvokuti vanhu vashandise?— Bhaibheri rinoti zvakanaka kuti munhu “afarire mabasa ake.” Basa rinopa rudzi rwomufaro wausingagoni kuwana nokutamba.—Muparidzi 3:22.

Chaizvo, basa rakanakira pfungwa dzedu nemiviri yedu. Vana vazhinji vanongogara vachiona TV kana kuti kutamba mitambo yemavhidhiyo. Vanoita muviri wakanyanyisa uye vanenge vasina simba, uye havafari chaizvoizvo. Uye havaitiwo kuti vamwe vafare. Chii chatinofanira kuita kuti tifare?—

Takadzidza muChitsauko 17 chebhuku rino kuti kupa nokuita zvinhu zvokubatsira vamwe kunounza mufaro. (Mabasa 20:35) Bhaibheri rinoti Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Uye sezvatinoverenga muna Zvirevo, Jesu akanga ‘achifara pamberi pake nguva dzose.’ Nei Jesu akanga achifara?— Akapa chimwe chezvikonzero zvacho paakati: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ndinoramba ndichishanda.”—Johani 5:17.

Jesu paakanga ari pasi pano, haana kushanda somuvezi kwoupenyu hwake hwose. Jehovha Mwari akanga ane basa rinokosha nokuda kwake rokuti aite pasi pano. Unoziva here kuti raiva rei?— Jesu akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Dzimwe nguva apo Jesu aiparidzira vanhu, vaidavira zvaaitaura voudza vamwe zvaainge ataura, sezvakaita mukadzi weSamaria waunoona pano.—Johani 4:7-15, 27-30.

Mabasa maviri api ayo Jesu akaita paakanga ari pasi pano?

Jesu ainzwa sei pamusoro pokuita basa iri? Unofunga kuti aida kuriita here?— Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:34) Unoda kudya zvokudya zvaunofarira zvakadini?— Izvi zvinokubatsira kuti unzwisise kuti Jesu aida zvakadini basa iro Mwari akamupa kuti aite.

Mwari akatiita nenzira yokuti kudzidzira kushanda kunobatsira kuti tifare. Anoti chipo Chake kumunhu ndechokuti anofanira “kufarira zvaakabatira.” Saka kana ukadzidzira kushanda uchiri muduku, upenyu hwako hwose huchava hunofadza.—Muparidzi 5:19.

Izvi hazvirevi kuti mwana muduku anogona kuita basa somunhu mukuru, asi tose tinogona kuita basa. Vabereki vako vangabuda vachienda kubasa zuva nezuva kuti vawane mari yokuti mhuri yenyu ive nechokudya nomusha wokugara. Uye sezvaunofanira kunge uchiziva, kune basa rakawanda rinoda kuitwa pamusha kuuchengeta wakachena.

Ibasa ripi riripo raungaita richava chikomborero kumhuri yose?— Unogona kubatsira nokuuyisa ndiro patafura, kugeza ndiro, kurasa marara, kuchenesa kamuri rako, uye kurongedza matoyi ako. Pamwe unotoita zvimwe zvezvinhu izvozvo. Basa iroro chaizvo chikomborero kumhuri.

Nei zvichikosha kuti urongedze matoyi ako pashure pokuatambisa?

Ngationei kuti basa rakadaro chikomborero sei. Matoyi anofanira kurongedzwa wapedza kutamba. Nei waizoti izvi zvinokosha?— Zvinobatsira kuchengeta imba yakachena, uye zvinogonawo kudzivirira tsaona. Kana ukasarongedza matoyi ako, pamwe amai vako vachauya rimwe zuva vakabata zvakawanda votsika rimwe rawo. Vanogona kutsvedza vodonha vokuvara. Vangatozofanira kuenda kuchipatara. Izvozvo hazvingavi chinhu chakaipa here?— Saka paunorongedza matoyi ako wapedza kutamba, izvozvo zvinobatsira vamwe vose.

Kune rimwe basa iro vana vanarowo. Somuenzaniso, basa rokuchikoro. Kuchikoro unodzidzira kuverenga. Vamwe vana vanonakidzwa nokuverenga, asi vamwe vanoti kwakaoma. Kunyange kuchiratidza sokwakaoma pakutanga, uchafara kana ukadzidzira kuverenga zvakanaka. Paunogona kuverenga, pane zvinhu zvakawanda zvinonakidza zvaunogona kudzidza. Uchatokwanisa kuzviverengera bhuku raMwari pachake, Bhaibheri. Saka paunoita basa rako rokuchikoro zvakanaka, chikomborero chaicho, handiti?—

Kune vamwe vanhu vasingadi kuita basa. Zvimwe pane waunoziva anodaro. Asi sezvo Mwari akatisikira kuti tishande basa, tinofanira kudzidza kuti tinganakidzwa naro sei. Mudzidzisi Mukuru ainakidzwa nebasa rake zvakadini?— Rakanga rakaita sezvokudya zvaaifarira. Uye rakanga riri basa rei raaitaura nezvaro?— Kutaurira vamwe nezvaJehovha Mwari uye kuti vangawana sei upenyu husingaperi.

Saka hechino chimwe chinhu chinogona kutibatsira kunakidzwa nebasa. Zvibvunze kuti, ‘Nei basa iri richifanira kuitwa?’ Kana uchiziva kuti nei richikosha, rinova nyore kuriita. Uye basa racho ringava guru kana duku, riite zvakanaka. Kana ukadaro, unogona kufara nebasa remaoko ako, sezvakangoita Mudzidzisi wedu Mukuru.

Bhaibheri rinogona kubatsira munhu kuti ave mushandi akanaka. Verenga zvarinotaura pana Zvirevo 10:4; 22:29; Muparidzi 3:12, 13; naVaKorose 3:23.