Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

Chii Chinokosha Zvechokwadi?

Chii Chinokosha Zvechokwadi?

Murume uyu aive nechinetso chei?

PANE mumwe murume akauya kuzoona Jesu rimwe zuva. Aiziva kuti Jesu akanga akachenjera zvikuru, saka akati kwaari: ‘Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane neni zvinhu zvaanazvo.’ Murume wacho aifunga kuti aifanira kuva nezvimwe zvezvinhu izvozvo.

Kudai waiva Jesu, waizodai wakati chii?— Jesu akaona kuti murume wacho aiva nechinetso. Asi chinetso chacho chaiva chisiri chokuti aisagona kurarama asina zvinhu zvaiva nomukoma wake. Chinetso chomurume wacho chaiva chokuti akanga asingazivi zvainyatsokosha muupenyu.

Ngatimbofunga. Chii chinofanira kukosha kukunda zvose kwatiri? Kunofanira kuva kuwana matoyi akanaka, nhumbi itsva, kana kuti zvimwe zvakada kudaro here?— Aiwa, pane chimwe chinhu chinokosha kupfuura izvozvo. Uye ichi ndicho chidzidzo chaida kudzidziswa naJesu. Saka akataura nyaya yomumwe murume akakanganwa Mwari. Unoda kuinzwa here?—

Murume uyu akanga akapfuma zvikuru. Aiva neminda nematura. Zvirimwa zvaakarima zvakakura zvakanaka kwazvo. Akanga asina nzvimbo yakakwana mumatura ake yokuchengetera zvirimwa zvose. Saka aizoita sei? Zvino akafunga mumwoyo make akati: ‘Ndichaputsa matura angu ndovaka makuru. Ipapo ndichachengeta zvirimwa zvangu zvose nezvinhu zvangu zvose zvakanaka mumatura matsva aya.’

Murume akanga akapfuma uyu akafunga kuti ichi ndicho chinhu chakanga chiri chokuchenjera kuita. Akafunga kuti akanga akangwara chaizvo nokuchengeta zvinhu zvakawanda. Akafunga mumwoyo make achiti: ‘Ndine zvinhu zvakanaka zvakawanda zvandakachengeta. Zvichagara kwemakore akawanda. Saka iye zvino ndozvigarira zvangu. Ndichadya, ndichanwa, ndichinakidzwa.’ Asi pane chimwe chinhu chakanga chisina kunaka nokufunga kwomurume uyu akanga akapfuma. Unoziva kuti chaiva chii here?— Aingofunga nezvake chete nomufaro wake pachake. Akakanganwa nezvaMwari.

Murume mupfumi uyu ari kufungei?

Saka Mwari akataura nomurume aiva mupfumi uyu. Akati: ‘Iwe murume benzi. Uchafa usiku huno. Zvino ndiani achatora zvinhu zvawakachengeta?’ Murume aiva akapfuma uyu aigona kuzoshandisa zvinhu izvozvo pashure pokunge afa here?— Aiwa, mumwe munhu aizozvitora. Jesu akati: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:13-21.

Iwe haungadi kuita somurume akanga akapfuma iyeye, handiti?— Chinangwa chake chikuru muupenyu chaiva chokuunganidza pfuma. Kwaiva kukanganisa ikoko. Aingoramba achida zvimwe. Asi akanga asina “kupfuma kuna Mwari.”

Vanhu vazhinji vakaita somupfumi iyeye. Vanoramba vachingoda zvimwe. Asi izvi zvinogona kukonzera zvinetso zvikuru. Somuenzaniso, une zvinhu zvokutambisa handitika?— Ndezvipi zvaunazvo? Ndiudze tinzwe.— Zvakadini kana mumwe weshamwari dzako ane bhora kana kuti chidhori kana kuti chimwe chokutambisa chausina iwe? Zvingava zvakanaka here kuedza kuita kuti vabereki vako vakutengerewo chinhu ichocho?—

Pane dzimwe nguva apo chokutambisa chingaratidzika sechinokosha zvikuru. Asi chii chinoitika kwachiri pashure pechinguva?— Chinosakara. Chingapwanyika, uye hauzombochidi zvekare. Chaizvo une chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura zvokutambisa. Unoziva kuti chii here?—

Chii chaunacho chinokosha zvikuru kupfuura matoyi?

Upenyu hwako. Upenyu hwako hunokosha zvikuru nokuti kana usinahwo, hapana chaunogona kuita. Asi upenyu hwako hunobva pakuita zvinodiwa naMwari, handiti?— Naizvozvo ngatirege kuita somurume uya benzi akanga akapfuma akakanganwa Mwari.

Vana havasi ivo voga vanoita zvinhu zvoupenzi somurume mupfumi iyeye. Vanhu vakuru vakawanda vanozviitawo. Vamwe vavo vanoramba vachingoda zvakawanda kupfuura zvavanazvo. Vangava nezvokudya zvezuva nezuva, mbatya dzokupfeka, uye nzvimbo yokugara. Asi vanoda zvimwe. Vanoda mbatya dzakawanda. Uye vanoda dzimba hombe. Zvinhu izvi zvinoda mari. Naizvozvo vanoshanda nesimba kuti vawane mari yakawanda. Uye pavanova nemari yakawanda, ndipo pavanobva vada kuvawo nezvakawanda.

Vamwe vanhu vakuru vanobatikana zvikuru vachiedza kutsvaka mari zvokuti havazovi nenguva yokuva nemhuri yavo. Uye havana nguva yokuita zvaMwari. Mari yavo inogona kuvaponesa here?— Haigoni. Vanogona kushandisa mari yavo kana vafa here?— Aiwa. Zvakadaro nokuti vakafa havana zvavanogona kuita.—Muparidzi 9:5, 10.

Izvi zvinoreva here kuti hazvina kunaka kuva nemari?— Aiwa. Tinogona kutenga zvokudya nezvokupfeka nemari. Bhaibheri rinoti inodzivirira. (Muparidzi 7:12) Asi kana tichidisisa mari tichatambura. Tichaita somurume mupfumi uya benzi akazvichengetera pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.

Kupfuma kuna Mwari zvinorevei?— Zvinoreva kuisa Mwari pakutanga muupenyu hwedu. Vamwe vanhu vanoti vanodavira kuti kuna Mwari. Vanofunga kuti kungodavira ndiko chete kunodiwa. Asi vakapfuma kuna Mwari zvechokwadi here?— Aiwa, vakaita somurume mupfumi akakanganwa Mwari.

Jesu haana kumbokanganwa Baba vake vari kudenga. Haana kuedza kuita mari yakawanda. Uye akanga asina zvinhu zvakawanda. Jesu aiziva chaikosha zvikuru muupenyu. Unoziva kuti chii here?— Kuva mupfumi kuna Mwari.

Chii chiri kuitwa nomwana uyu chinonyatsokosha?

Ndiudze, tingava vapfumi kuna Mwari sei?— Tinogona kuva vapfumi kuna Mwari nokuita zvinomufadza. Jesu akati: “Ndinogaroita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:29) Mwari anofara patinoita zvinhu zvaanoda kuti tiite. Zvino ndiudze, zvinhu zvipi zvaungaita kuti ufadze Mwari?— Hungu, unogona kuverenga Bhaibheri, kuenda kumisangano yechiKristu, kunyengetera kuna Mwari, uye kubatsira vamwe kudzidza nezvake. Izvozvo zvinhu zvinokosha zvechokwadi muupenyu kupfuura zvose.

Nokuti Jesu akanga akapfuma kuna Mwari, Jehovha akamutarisira. Akapa Jesu mubayiro wokurarama nokusingaperi. Kana tikaita saJesu, Jehovha achatida nokutitarisirawo. Naizvozvo ngative saJesu torega kumbova somurume mupfumi uya akakanganwa Mwari.

Heano mamwe magwaro eBhaibheri anoratidza kuti tingava nemaonero akafanira sei ezvinhu zvenyama: Zvirevo 23:4; 28:20; 1 Timoti 6:6-10; naVaHebheru 13:5.