Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

Kubatsira Kunobva Kungirozi dzaMwari

Kubatsira Kunobva Kungirozi dzaMwari

VAMWE vanhu vanoti vanotenda zvavanogona kuona bedzi. Asi ihwohwo upenzi. Kune zvinhu chaizvo zvakawanda zvatisati tamboona nemaziso edu. Ungataura chimwe chacho tinzwe here?—

Zvakadini nemhepo yatinofema? Tinogona kuinzwa here?— Simudza ruoko rwako worufuridza. Pane chawanzwa here?— Wainzwa, asi haugoni kuona mhepo, handiti?—

Tatotaura pamusoro pevanhu vomudzimu, vatisingagoni kuona. Tadzidza kuti vamwe vakanaka asi vamwe vakaipa. Taura mazita evamwe vanhu vomudzimu vakanaka vatisingagoni kuona.— Kuna Jehovha Mwari, kuna Jesu, uye kune ngirozi dzakanaka. Kunewo ngirozi dzakaipa here?— Bhaibheri rinoti dziriko. Ndiudze zvawakadzidza nezvadzo.—

Chimwe chinhu chatinoziva ndechokuti ngirozi dzakanaka nengirozi dzakaipa dzine simba rinopfuura redu. Mudzidzisi Mukuru aiziva zvakawanda nezvengirozi. Nokuti iye aimbova ngirozi asati aberekwa somwana pasi pano. Akanga agara nedzimwe ngirozi mudenga. Aiziva mamiriyoni adzo. Ngirozi dzose idzi dzine mazita here?—

Takadzidza kuti Mwari akapa nyeredzi mazita. Naizvozvo tinogona kuva nechokwadi chokuti ngirozi dzose dzine mazitawo. Uye tinoziva kuti dzinotaurirana nokuti Bhaibheri rinotaura nezvo‘mutauro wengirozi.’ (1 VaKorinde 13:1) Unofunga kuti ngirozi dzinotaura nezvei? Dzinotaura nezvedu isu tiri pasi pano here?—

Tinoziva kuti ngirozi dzaSatani, madhimoni, dziri kuedza kutiita kuti tisateerera Jehovha. Naizvozvo dzinofanira kunge dzichitaura pamusoro pokuti izvi dzingazviita sei. Dzinoda kuti tiite saidzo kuitira kuti Jehovha asatidawo. Asi zvakadini nengirozi dzaMwari dzakatendeka? Unofunga kuti dzinotaurawo nezvedu here?— Hungu, dzinodaro. Dzinoda kutibatsira. Rega ndikuudze nzira iyo dzimwe dzengirozi dzaMwari dzakabatsira nadzo vanhu vaida Jehovha uye vaimushumira.

Somuenzaniso, kwaiva nomurume ainzi Dhanieri aigara muBhabhironi. Vanhu vazhinji imomo vakanga vasingadi Jehovha. Vakatoita mutemo waizoranga munhu wose ainyengetera kuna Jehovha Mwari. Asi Dhanieri haana kumbomira kunyengetera kuna Jehovha. Unoziva here kuti vakaitei kuna Dhanieri?—

Vanhu vakaipa vakaita kuti Dhanieri akandirwe mugomba reshumba. Imomo Dhanieri akanga ari oga neshumba dzaiva nenzara. Unoziva chakazoitika here?— “Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba,” akadaro Dhanieri. Haana kana kumbokuvadzwa zvachose! Ngirozi dzinogona kuita zvinhu zvinoshamisa nokuda kweavo vanoshumira Jehovha.—Dhanieri 6:18-22.

Mwari akaitei kuti aponese Dhanieri?

Kwozouya nguva apo Petro akanga ari mujeri. Handiti unoyeuka kuti Petro akanga ari shamwari yoMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu. Vamwe vanhu havana kufara pavakaudzwa naPetro kuti Jesu aiva Mwanakomana waMwari. Naizvozvo vakaisa Petro mujeri. Varwi vakanga vakarinda Petro kuti vave nechokwadi chokuti haatizi. Pane aigona kumubatsira here?—

Petro akanga akarara pakati pevarindi vaviri, uye aiva necheni mumaoko ake. Asi Bhaibheri rinoti: ‘Tarira! Ngirozi yaJehovha yakauya, uye chiedza chakatanga kupenya mujeri. Ichibata Petro parutivi rwake, ngirozi yakamumutsa, ichiti, “Simuka nokukurumidza!”’

Ngirozi yakabatsira sei Petro kubuda mujeri?

Zvadaro, cheni dzaPetro dzakabva dzadonha mumaoko ake! Uye ngirozi yakati kwaari: ‘Pfeka hembe nehwashu dzako unditevere.’ Varindi vakatadza kuvamisa nokuti ngirozi yakanga ichibatsira Petro. Vakabva vasvika pagedhi resimbi, uye pakaitika chinhu chinoshamisa. Gedhi racho rakangovhurika roga! Ngirozi iyoyo yakanga yasunungura Petro kuti agone kuramba achiparidza.—Mabasa 12:3-11.

Ngirozi dzaMwari dzinogona kutibatsirawo here?— Hungu, dzinogona. Izvi zvinoreva here kuti hadzizombotiregi tichikuvara zvachose?— Aiwa, ngirozi hadzitidziviriri pakukuvara kana tikaita zvinhu zvoupenzi. Asi kunyange kana tisingaiti zvinhu zvoupenzi tinogona kungokuvara. Ngirozi hadzina kurayirwa kutidzivirira pana izvozvo. Asi Mwari akadzipa basa rinokosha rokuti dziite.

Bhaibheri rinotaura nezvengirozi inoudza vanhu kwose kwose kuti vanamate Mwari. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Ngirozi inovaudza sei izvozvo? Inodanidzira iri kudenga kuitira kuti vanhu vose vainzwe here?— Aiwa, pane kudaro, vateveri vaJesu vari pasi pano vanotaura nevamwe nezvaMwari, uye ngirozi dzinovatungamirira mubasa ravo. Ngirozi dzinova nechokwadi chokuti avo vanoda zvechokwadi kuziva nezvaMwari vanova nomukana wokunzwa. Tinogona kuitawo basa iroro rokuparidza, uye ngirozi dzichatibatsira.

Asi zvakadini kana vanhu vasingadi Mwari vakatimutsira zvinetso? Zvakadini kana vakatiisa mujeri? Ngirozi dzingatisunungura here?— Dzinogona. Asi hadzidaro nguva dzose.

Ngirozi iri kuudza Pauro kuti chii?

Muteveri waJesu Pauro akambova musungwa. Akanga achifamba ari muchikepe pakwaiva nedutu rakaipa. Asi ngirozi hadzina kumusunungura pakarepo. Nokuti kwaiva nevamwe vanhu vaifanira kunzwa nezvaMwari. Ngirozi yakati: “Usatya, Pauro. Unofanira kumira pamberi paKesari.” Pauro aifanira kuendeswa kumutongi wenyika Kesari kuti iye Pauro anomuparidzira. Ngirozi dzaiziva nguva dzose kwaiva naPauro, uye dzaimubatsira. Dzichatibatsirawo kana tichishumira Mwari zvechokwadi.—Mabasa 27:23-25.

Kune rimwe basa guru iro ngirozi dzichaita, uye dzichariita munguva pfupi iri kutevera. Nguva yaMwari yokuparadza vanhu vakaipa yava pedyo zvikuru. Vose vasinganamati Mwari wechokwadi vachaparadzwa. Vaya vanoti havatendi kuti kune ngirozi nokuti havagoni kudziona vachaona kuti vakarasika zvakadini.—2 VaTesaronika 1:6-8.

Izvozvo zvicharevei kwatiri?—Kana tiri kudivi rimwe nengirozi dzaMwari, dzichatibatsira. Asi tiri kudivi radzo here?— Tiriko kana tichishumira Jehovha. Uye kana tichishumira Jehovha, tichave tichitaurira vamwe vanhu kuti vamushumirewo.

Kuti udzidze zvakawanda pamusoro pokuti ngirozi dzinodzora sei upenyu hwevanhu, verenga Pisarema 34:7; Mateu 4:11; 18:10; Ruka 22:43; naMabasa 8:26-31.