Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Kuteerera Kunokudzivirira

Kuteerera Kunokudzivirira

WAIZOZVIDA here dai waigona kuita chero zvawada? Pane dzimwe nguva dzaunombofunga kuti dai pasina munhu anombokuudza zvokuita here? Apa ndinoda kuti unditaurire chokwadi, ndiudze zvaunofunga.—

Nei uchifanira kuteerera vanhu vakuru?

Asi ndezvipi zviri nani kwauri? Kuchenjera here zvechokwadi kuita chero zvawada? Kana kuti zvinhu zvinova nani kana ukateerera baba vako naamai vako?— Mwari anotaura kuti unofanira kuteerera vabereki vako, naizvozvo panofanira kuva nechikonzero chakanaka chokuita kudaro. Ngatione kana tingagona kuchiona.

Une makore mangani?— Unoziva here kuti baba vako vane makore mangani?— Amai vako kana kuti ambuya vako kana kuti sekuru vako vane makore mangani?— Vararama kwenguva refu zvikuru kukupfuura. Kana munhu akararama kwenguva refu, zvinorevawo kuti ane nguva yakawanda yokudzidza zvinhu. Anonzwa zvinhu zvakawanda, uye anoona zvinhu zvakawanda uye anoita zvinhu zvakawanda gore negore. Naizvozvo vechiduku vanogona kudzidza kuvakuru.

Pane mumwe munhu muduku kwauri waunoziva here?— Unoziva zvakawanda kumupfuura here?— Nei zvakadaro?— Nokuti wararama kwenguva yakareba kumupfuura. Wakava nenguva yakawanda yokudzidza zvinhu kupfuura iyo muduku kwauri akava nayo.

Ndiani ararama kwenguva yakareba kupfuura iwe kana ini kana kuti mumwe munhu upi noupi?— NdiJehovha Mwari. Anoziva kupfuura iwe, uye anoziva kupfuura ini. Paanotiudza kuti tiite chero zvaanotiudza, tinogona kuva nechokwadi chokuti ndizvo zvinhu zvakarurama zvokuita, kunyange zvazvo zvingava zvakaoma kuita. Waizviziva here kuti kunyange Mudzidzisi Mukuru akambozviwana zvakaoma kuteerera?—

Pane imwe nguva Mwari akambokumbira Jesu kuita chimwe chinhu chakaoma zvikuru. Jesu akanyengetera nezvazvo, sezvatinoona pano. Akanyengetera kuti: “Kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri.” Nokunyengetera kudai, Jesu akaratidza kuti zvakanga zvisiri nyore nguva dzose kuita kuda kwaMwari. Asi Jesu akapedzisa sei munyengetero wake? Unoziva here?—

Tingadzidzei mumunyengetero waJesu?

Jesu akaupedzisa achiti: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:41, 42) Saka, aida kuti kuda kwaMwari kuitwe, kwete kwake. Uye akabva aita zvaidiwa naMwari pane kuita zvaaifunga kuti ndizvo zvaizova zvakanakisisa.

Tingadzidzei pazviri?— Tinodzidza kuti nguva dzose zvakarurama kuita zvinotaurwa naMwari, kunyange zvazvo zvingasava nyore kuita. Asi tinodzidza chimwe chinhu zvakare. Unoziva kuti chii here?— Tinodzidza kuti Mwari naJesu havasi munhu mumwe chete, sezvinotaura vamwe vanhu. Jehovha Mwari mukuru uye anoziva zvakawanda kupfuura Mwanakomana wake, Jesu.

Patinoteerera Mwari, tiri kuratidza kuti tinomuda. Bhaibheri rinoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” (1 Johani 5:3) Saka unoonaka, tose tinofanira kuteerera Mwari. Unoda kumuteereraka?—

Ngativhure Bhaibheri redu tione izvo Mwari anotaurira vana kuti vaite. Tichaverenga zvinotaura Bhaibheri pana VaEfeso chitsauko 6, ndima 1, 2 uye 3. Panoti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi zvakarurama: ‘Kudza baba vako naamai vako’; unova ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare pasi pano kwenguva refu.’”

Saka unoonaka, ndiJehovha Mwari pachake ari kukuudza kuti uteerere baba vako naamai vako. ‘Kuvakudza’ zvinorevei? Zvinoreva kuti unofanira kuvaremekedza. Uye Mwari anopikira kuti kana ukateerera vabereki vako, ‘zvichakufambira zvakanaka.’

Rega ndikuudze imwe nyaya pamusoro pevamwe vanhu avo vakaponeswa nokuti vaiteerera. Vanhu ava vakararama kare muguta guru reJerusarema. Vazhinji vevanhu vomuguta iroro havana kuteerera Mwari, naizvozvo Jesu akavanyevera kuti Mwari aizoparadza guta ravo. Jesu akavaudzawo kuti vaigona sei kupukunyuka kudai vaida zvakarurama. Akati: ‘Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera pedyo. Saka inenge yava nguva yokubuda muJerusarema motizira kumakomo.’—Ruka 21:20-22.

Kuteerera murayiro waJesu kwakaponesa sei vanhu ava?

Sezvakataura Jesu chaizvo, mauto akauya kuzorwisa Jerusarema. Mauto eRoma akarikomba. Zvino mauto acho akadzokera, asi hameno kuti akadzokerei. Vanhu vazhinji vakafunga kuti ngozi yakanga yapfuura. Saka vakaramba vari muguta. Asi Jesu akanga ataura kuti vaifanira kuitei?— Waizodai wakaitei kudai waigara muJerusarema?— Avo vakateerera zvakataurwa naJesu zvechokwadi vakasiya misha yavo ndokutizira kumakomo kure neJerusarema.

Kwegore rose, hapana chakaitika kuJerusarema. Mugore rechipiri, hapana chakaitika. Uye mugore rechitatu, hapana chakaitika. Vamwe vanhu vangave vakafunga kuti vaya vakanga vatiza kubva muguta vaiva mapenzi. Asi zvino mugore rechina, mauto eRoma akadzoka. Akakomba Jerusarema rose zvakare. Iye zvino nguva yokutiza yakanga yapera. Panguva ino mauto acho akaparadza guta iroro. Vanhu vazhinji vaiva mukati maro vakafa, uye vamwe vose vakatorwa sevasungwa.

Asi chii chakaitika kune vaya vakanga vateerera Jesu?— Vakanga vakachengeteka. Vakanga vari kure neJerusarema. Naizvozvo havana kukuvadzwa. Kuteerera kwakavadzivirira.

Kana uchiteerera, izvozvo zvichakudzivirirawo here?—Vabereki vako vangakuudza kuti usambotambira mumugwagwa. Nei vachidaro?— Nokuti unogona kutsikwa nemotokari. Asi rimwe zuva ungafunga kuti: ‘Iye zvino hakuna motokari. Handimbokuvari. Vamwe vana vanotambira mumugwagwa, uye handisati ndamboona vachikuvara.’

Nei uchifanira kuteerera chero paunenge usingaoni ngozi?

Ndiwo mafungiro aiita vanhu vazhinji vaiva muJerusarema. Mauto eRoma aenda, zvaiita sokuti hapasisina ngozi. Vamwe vakanga vachiri kugara muguta racho. Saka ivo vakagarawo. Vakanga vanyeverwa, asi havana kuteerera. Vakaguma varasikirwa noupenyu hwavo.

Ngatitore mumwe muenzaniso. Wakambotambisa machisa here?— Zvingaratidza sezvinonakidza kuona moto kana wakwenya machisa. Asi kutambisa machisa kunogona kuva nengozi. Imba yose inogona kutsva uye unogona kufiramo!

Yeuka, kuteerera pane dzimwe nguva chete hakuna ku- kwana. Asi kana ukateerera nguva dzose, izvozvo zvichakudzivirira zvechokwadi. Uye ndiani anokutaurirai kuti, “Vana, teererai vabereki venyu”?— NdiMwari. Uye, yeuka, anotaura kudaro nokuti anokuda.

Zvino chiverenga magwaro aya anoratidza kukosha kwokuteerera: Zvirevo 23:22; Muparidzi 12:13; Isaya 48:17, 18; naVaKorose 3:20.