Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

Mwari Ane Zita

Mwari Ane Zita

KAZHINJI chii chaunotanga kubvunza paunoona mumwe munhu kokutanga?— Hungu, unomubvunza zita rake. Tose tine mazita. Mwari akapa munhu wokutanga pasi pano zita. Akamutumidza kuti Adhamu. Mudzimai waAdhamu akatumidzwa kuti Evha.

Zvisinei, havasi vanhu bedzi vane mazita. Funga nezvezvimwe zvinhu zvinewo mazita. Kana mumwe munhu akakupa chidhori kana chimwe chokutambisa, unochitumidza zita, handiti?— Hungu, kuva nezita kunokosha zvikuru.

Tarisa mudenga usiku uone nyeredzi zhinji kwazvo. Unofunga dzine mazita here?— Hungu, Mwari akatumidza nyeredzi imwe neimwe iri mudenga zita. Bhaibheri rinotiudza kuti: ‘Unoverenga nyeredzi; unodzipa dzose mazita adzo.’—Pisarema 147:4.

Waizviziva here kuti nyeredzi dzose dzine mazita?

Ndiani wawaizoti ndiye munhu anokosha kupfuura vose pasi nokudenga?— Hungu, ndiMwari. Unofunga kuti ane zita here?— Jesu akati anaro. Jesu akambotaura achinyengetera kuna Mwari kuti: ‘Ndakazivisa zita renyu kuvateveri vangu.’ (Johani 17:26) Unoziva zita raMwari here?— Mwari pachake anotiudza zita racho. Anoti: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu.” Naizvozvo zita raMwari rinonzi JEHOVHA.—Isaya 42:8.

Zvinokuita kuti unzwe sei vamwe pavanoyeuka zita rako?— Unofara, handiti?— Jehovha anoda kuti vanhu vazivewo zita rake. Saka tinofanira kushandisa zita rokuti Jehovha patinotaura nezvaMwari. Mudzidzisi Mukuru paaitaura nevanhu akashandisa zita raMwari rokuti Jehovha. Pane imwe nguva Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose.”—Mako 12:30.

Jesu aiziva kuti zita rokuti “Jehovha” izita rinokosha zvikuru. Naizvozvo akadzidzisa vateveri vake kushandisa zita raMwari. Akatovadzidzisa kutaura nezvezita raMwari muminyengetero yavo. Jesu aiziva kuti Mwari anoda kuti vanhu vose vazive zita Rake, rinonzi Jehovha.

Kare kare Mwari akaratidza kukosha kwezita rake kumurume ainzi Mosesi, uyo akanga ari mumwe wevanakomana vaIsraeri. Vanakomana vaIsraeri, avo vainzi vaIsraeri, vaigara munyika yainzi Ijipiti. Vanhu vomunyika iyoyo vainzi vaIjipiti. Vakaita vaIsraeri varanda uye vaivaitira utsinye zvikuru. Mosesi paakakura, akaedza kubatsira mumwe wevanhu vokwake. Izvi zvakaita kuti Farao, mambo weIjipiti, atsamwe. Akanga achida kuuraya Mosesi! Naizvozvo Mosesi akatiza kubva muIjipiti.

Mosesi akaenda kune imwe nyika. Ya- iva nyika yeMidhiyani. Ikoko Mosesi akaroora ndokuva nevana. Aishandawo somufudzi, achitarisira makwai. Rimwe zuva Mosesi akanga achitarisira makwai ake pedyo negomo paakaona chimwe chinhu chinoshamisa. Gwenzi rakanga richibvira moto, asi rakanga risiri kutsva! Mosesi akaswedera pedyo kuti anyatsoona.

Unoziva zvakaitika here?— Mosesi akanzwa inzwi richidana kubva pakati pegwenzi romunzwa iroro raibvira. Inzwi racho rakadanidzira kuti, “Mosesi! Mosesi!” Ndiani aidaro?— NdiMwari aitaura! Mwari aiva nebasa rakawanda rokuti Mosesi aite. Mwari akati: ‘Uya ndikutume kuna Farao, mambo weIjipiti, ubudise vanhu vangu, vanakomana vaIsraeri muIjipiti.’ Mwari akapikira kubatsira Mosesi kuita izvi.

Chinhu chipi chinokosha icho Mosesi akadzidza pagwenzi raibvira moto?

Asi Mosesi akati kuna Mwari: ‘Ngatitii ndasvika kuvanakomana vaIsraeri muIjipiti ndoti ndatumwa naMwari. Ko kana vakandibvunza kuti, “Zita rake ndiani?” Ndichati kudii?’ Mwari akaudza Mosesi kuti audze vanakomana vaIsraeri kuti: ‘Jehovha andituma kwamuri. Jehovha ndiro zita rangu nokusingaperi.’ (Eksodho 3:1-15) Izvi zvinoratidza kuti Mwari aizochengeta zita rokuti Jehovha. Aisazomborichinja. Mwari aida kuzivikanwa nezita rake, Jehovha, nokusingaperi.

Mwari akaita kuti zita rake rizivikanwe sei paGungwa Dzvuku?

Mosesi paakadzokera kuIjipiti, vaIjipiti vakafunga kuti Jehovha aingova kamwari kevaIsraeri. Havana kufunga kuti aiva Mwari wepasi pose. Saka Jehovha akataurira mambo weIjipiti kuti: ‘Ndichaita kuti zita rangu rizivikanwe pasi pose.’ (Eksodho 9:16) Jehovha akaita kuti zita rake rizivikanwe. Unoziva here kuti izvozvo akazviita sei?—

Akaita kuti Mosesi atungamirire vanhu vaIsraeri kubuda muIjipiti. Pavakasvika paGungwa Dzvuku, Jehovha akavhura nzira nomukati maro chaimo. VaIsraeri vakayambuka zvakanaka nepakaoma. Asi pashure pokunge Farao neuto rake rose vapinda mugungwa raiva nepasi pakaoma, mvura yakanga yamiswa kumativi maviri yakawira pavaIjipiti, uye vakafa vose.

Munguva pfupi vanhu munyika yose vakatanga kunzwa izvo Jehovha akanga aita paGungwa Dzvuku. Tinoziva sei kuti vakazvinzwa?— Anenge makore 40 apera, vaIsraeri vakasvika kuKanani, nyika iyo Jehovha akanga apikira kuvapa. Ikoko varume vechiIsraeri vaviri vakataurirwa nomukadzi wechiduku Rakabhi kuti: ‘Takanzwa kuti Jehovha akaita kuti mvura yeGungwa Dzvuku iome pamberi penyu, panguva yokubuda kwenyu muIjipiti.’—Joshua 2:10.

Nhasi vanhu vakawanda vanongoita sevaIjipiti ivavo. Havatendi kuti Jehovha ndiye Mwari wepasi pose. Naizvozvo Jehovha anoda kuti vanhu vake vaudze vamwe nezvake. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu. Pedyo nomugumo woupenyu hwake pasi pano, akaudza Jehovha mumunyengetero kuti: “Ndakavazivisa zita renyu.”—Johani 17:26.

Jesu akaita kuti zita raMwari rizivikanwe. Unoziva mavhesi ane zita raMwari here muBhaibheri?

Unoda kuita sezvaiita Jesu here? Kana zvakadaro taurira vamwe kuti zita raMwari ndiJehovha. Ungangowana kuti vanhu vazhinji havazvizivi izvozvo. Naizvozvo zvimwe unogona kuvaratidza rugwaro ruri muBhaibheri pana Pisarema 83:18. Ngatitore Bhaibheri izvozvi titsvake rugwaro irworwo pamwe chete. Panoti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.”

Tinodzidzei pataverenga apa?— Hungu, tinodzidza kuti Jehovha ndiro zita riripo rinokosha kupfuura ose. Izita raMwari Wemasimba ose, Baba vaJesu uye Uyo akasika zvinhu zvose. Uye yeuka, Jesu akataura kuti tinofanira kuda Jehovha Mwari nomwoyo wedu wose. Unoda Jehovha here?—

Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha?— Imwe nzira ndeyokusvika pakumuziva seShamwari. Imwe nzira ndeyokuudza vamwe zita rake. Tinogona kuvaratidza muBhaibheri chaimo kuti zita rake ndiJehovha. Tinogona kuvaudzawo nezvezvinhu zvinoshamisa izvo Jehovha akasika nezvinhu zvakanaka zvaakaita. Izvi zvinoita kuti Jehovha afare zvikuru nokuti anoda kuti vanhu vazive nezvake. Tinogona kuitawo izvozvo, handiti?—

Haasiri munhu wose achada kuteerera patinotaura nezvaJehovha. Vanhu vazhinji havana kuteerera kunyange apo Jesu, Mudzidzisi Mukuru, akataura nezvake. Asi izvozvo hazvina kutadzisa Jesu kutaura nezvaJehovha.

Naizvozvo ngatiite saJesu. Ngatirambe tichitaura nezvaJehovha. Kana tikadaro, tichafadza Jehovha Mwari nokuti tinoratidza kuda zita rake.

Chiverengai pamwe chete muBhaibheri mamwe magwaro mashomanana anoratidza kukosha kwezita raMwari: Isaya 12:4, 5; Mateu 6:9; Johani 17:6; naVaRoma 10:13.