Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

Simba raJesu Pamadhimoni

Simba raJesu Pamadhimoni

UCHIRI kuyeuka here kuti nei imwe yengirozi dzaMwari yakava Satani Dhiyabhorosi?— Kwakanga kuri kuda kwayo kunamatwa kwakaita kuti ipandukire Mwari. Pane dzimwe ngirozi dzakava vateveri vaSatani here?— Hungu, dziripo. Bhaibheri rinodzidana kuti ‘ngirozi dzaSatani,’ kana kuti madhimoni.—Zvakazarurwa 12:9.

Ngirozi dzakaipa idzi, kana kuti madhimoni, anodavira kuti kuna Mwari here?— Bhaibheri rinotaura kuti ‘madhimoni anotenda kuti kuna Mwari.’ (Jakobho 2:19) Asi panguva ino ari kutya. Imhaka yokuti anoziva kuti Mwari achaaranga nokuda kwezvinhu zvakaipa zvaakaita. Chii chaakakanganisa?—

Bhaibheri rinotaura kuti ngirozi idzodzo dzakasiya musha wadzo wakakodzera kudenga ndokuuya pasi pano kuzogara sevanhu. Dzakaita izvi nemhaka yokuti dzakanga dzichida kurara nevakadzi vakanaka vaiva pasi pano. (Genesisi 6:1, 2; Judha 6) Unozivei nezvokurara pamwe kwomurume nomukadzi?—

Izvi zvinoreva apo murume nomukadzi vanorara pamwe chete neimwe nzira inoshamisa. Zvadaro, mwana anogona kukura mudumbu raamai. Asi kuti ngirozi dzirare nevanhu hazvina kururama. Mwari anoda kuti murume nomukadzi vakaroorana bedzi varare vose. Nenzira iyoyo kana mwana akaberekwa, murume nomudzimai vanogona kumutarisira.

Chii chakaitwa nengirozi idzi chakanga chakaipa?

Apo ngirozi dzakava nemiviri yevanhu ndokurara nevakadzi vakanga vari pasi pano, vana vadzo vakakura kuva hofori. Hofori dzacho dzaiva noutsinye kwazvo uye dzaikuvadza vanhu. Naizvozvo Mwari akaunza mafashamo makuru emvura kuti aparadze hofori dzacho nevanhu vose vakaipa. Asi akaita kuti Noa avake areka, kana kuti ngarava huru, kuti aponese vanhu vashomanana vakanga vachiita zvakarurama. Mudzidzisi Mukuru akataura kuti zvakaitika paMafashamo zvinokosha kuyeuka.—Genesisi 6:3, 4, 13, 14; Ruka 17:26, 27.

Pakauya Mafashamo, unoziva here kuti chii chakaitika kungirozi dzakaipa?— Dzakarega kushandisa miviri yevanhu yadzaive dzazvigadzirira ndokudzokera kudenga. Asi dzakanga dzisingachagoni kuva ngirozi dzaMwari, naizvozvo dzakava ngirozi dzaSatani kana kuti madhimoni. Uye chii chakaitika kuvana vengirozi dzakaipa, vaiva hofori?— Vakafira muMafashamo. Uye ndizvo zvakaitikawo kune vamwe vanhu vose vakanga vasingateereri Mwari.

Nei pane matambudziko akawanda pasi pano iye zvino zvisati zvamboitika?

Kubva panguva yeMafashamo, Mwari haana kuzobvumira madhimoni kuti ave sevanhu zvekare. Asi kunyange zvazvo tisingagoni kuaona, madhimoni achiri kungoedza kuita kuti vanhu vaite zvinhu zvakaipa kwazvo. Ari kuparira zvinetso zvakawanda zvisina kumboitika. Izvi imhaka yokuti akadzingwa kudenga achiuya pasi pano.

Unoziva here kuti nemhaka yei tisingagoni kuona madhimoni?— Imhaka yokuti midzimu. Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti mapenyu. Bhaibheri rinotaura kuti Satani ari ‘kutsausa vanhu munyika yose,’ uye madhimoni ake ari kumubatsira.—Zvakazarurwa 12:9, 12.

Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vanogona kutitsausa, kana kutinyengedzawo here?— Hungu, vanogona kana tikasangwarira. Asi hatifaniri hedu kutya. Mudzidzisi Mukuru akati: ‘Dhiyabhorosi haana simba pandiri.’ Kana tikaramba tiri pedyo naMwari, achatidzivirira pana Dhiyabhorosi nemadhimoni ake.—Johani 14:30.

Zvinokosha kuti tizive kuti zvinhu zvipi zvakaipa izvo madhimoni achaedza kutimanikidza kuita. Naizvozvo chimbofunga nezvazvo. Zvinhu zvakaipa zvipi izvo madhimoni akaita paakauya pasi pano?— Mafashamo asati aitika, akarara nevakadzi, chinhu chakanga chisina kururama kuti ngirozi dziite. Nhasi madhimoni anofara kana vanhu vasingateereri mutemo waMwari pamusoro pokurara pamwe kwomurume nomukadzi. Rega ndikubvunze, Ndivanaani bedzi vanofanira kurara vose somurume nomudzimai?— Ndizvozvo, vanhu vakaroorana bedzi.

Nhasi vamwe vakomana nevasikana vaduku vanorara vose somurume nomudzimai, asi izvi hazvina kururama. Bhaibheri rinotaura pamusoro pe‘nhengo yokubereka nayo’ yomurume inonzi chirema. (Revhitiko 15:1-3) Mukadzi anewo nhengo yokubereka nayo inonzi sikarudzi. Jehovha akasika nhengo dzomuviri idzi nokuda kwechinangwa chinokosha chinofanira kuwanikwa nevanhu vakaroorana bedzi. Zvinofadza madhimoni apo vanhu vanoita zvinhu zvinorambidzwa naJehovha. Somuenzaniso, madhimoni anofara kana mukomana nomusikana vachitamba vachibatana-batana chirema nesikarudzi. Hatidi kufadza madhimoni, handiti?—

Pane chimwe chinhu zvekare icho madhimoni anoda asi chinovengwa naJehovha. Unoziva kuti chii here?— Chisimba. (Pisarema 11:5) Chisimba ndeapo vanhu vanoita utsinye uye vachikuvadza vamwe. Yeuka, ndizvo zvakaitwa nehofori, vanakomana vemadhimoni.

Madhimoni anofarirawo kutyisidzira vanhu. Dzimwe nguva anoe- dzesera kuva vanhu vakafa. Anogona kutotevedzera manzwi evanhu vakafa. Nenzira iyi madhimoni anonyengedza vakawanda kuti vafunge kuti vanhu vakafa vachiri vapenyu uye vanogona kutaura nevapenyu. Hungu, madhimoni ano- konzera kuti vanhu vakawanda vadavire kuti kune zvipoko.

Naizvozvo tinofanira kugara takangwarira kuti Satani nemadhimoni ake vasatinyengedza. Bhaibheri rinonyevera kuti: ‘Satani anoedza kuzviita kuti aratidzike sengirozi yakanaka, uye vashumiri vake vanoita izvozvowo.’ (2 VaKorinde 11:14, 15) Asi, chaizvo, madhimoni akaipa. Ngatione kuti angaedza kutiita kuti tive saiwo sei.

Vanhu vanodzidzepi zvakawanda pamusoro pechisimba unzenza uye midzimu nezvipoko?— Hazvibvi mukuona zvimwe zvezvinhu zvinoratidzwa paterevhizheni here, nemafirimu, kutamba mitambo yepakombiyuta nemavhidhiyo, paIndaneti, nokuverenga mabhuku enyambo dzinosetsa? Kuita zvinhu izvi kunotiswededza pedyo naMwari here kana kuti naDhiyabhorosi nemadhimoni ake? Unofungei?—

Chii chinogona kuitika kana tikaona zvinhu zvechisimba?

Unofunga ndiani anoda kuti titeerere uye tione zvinhu zvakaipa?— Hungu, ndiSatani nemadhimoni ake. Naizvozvo, iwe neni tinofanira kuitei?— Tinofanira kuverenga, kuteerera, uye kuona zvinhu zvakatinakira uye zvichatibatsira kushumira Jehovha. Ungafunga here zvimwe zvezvinhu zvakanaka izvi zvatingaita?—

Chii chakanaka kuti tiite?

Kana tikaita zvakanaka, hapana chikonzero chokutya madhimoni. Jesu akasimba kuapfuura, uye madhimoni anomutya. Rimwe zuva madhimoni akachema kuna Jesu achiti: “Mauya kuzotiparadza here?” (Mako 1:24) Hatingazofari here pachasvika nguva yokuti Jesu aparadze Satani nemadhimoni ake?— Panguva ino, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jesu achatidzivirira pamadhimoni kana tikaramba tiri pedyo naye naBaba vake vokudenga.

Ngativerenge pamusoro pezvatinofanira kuita, pana 1 Petro 5:8, 9 naJakobho 4:7, 8.