Mashoko Ekutanga
Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose. Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kuaroverera mumwanakomana wako uye utaure nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.