Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 5

Dzokai “Kumufudzi Nomutariri Wemweya Yenyu”

Dzokai “Kumufudzi Nomutariri Wemweya Yenyu”

Pamatambudziko ataurwa mukabhuku kano, pane akafanana neauri kutarisana nawo here? Kana zvakadaro, hausi wega. Vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vekare nevemazuva ano vakatarisanawo nematambudziko akadaro. Jehovha anogona kukubatsirawo sezvaakavaita.

Jehovha achakubatsira kuti udzoke kwaari

IVA nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsira kuti udzoke kwaari. Achakubatsira kuti usazvidya mwoyo, kuti ukanganwire zvawakatadzirwa nemumwe munhu uye kuti uve nehana yakachena iyo ichaita kuti ugadzikane mupfungwa nemwoyo. Kana zvadaro uchanzwa uchida kushumira Jehovha zvekare pamwe chete nevamwe vashumiri vake. Uchange wafanana nevamwe vaKristu vekutanga vakanyorerwa naPetro kuti: “Makanga makaita semakwai, akarasika; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.”—1 Petro 2:25.

Hakuna chinhu chakanaka chaungaita chinopfuura kudzoka kuna Jehovha. Nei tichidaro? Uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Sezvaunoziva, zvatinoita zvinogona kurwadza kana kufadza Jehovha. Asi kunyange zvakadaro, Jehovha haatimanikidze kuti timude uye kuti timushumire. (Dheuteronomio 30:19, 20) Mumwe murume anoongorora Bhaibheri akataura nezvepfungwa iyi achiti: “Dhoo remwoyo womunhu harina mubato wokunze. Rinotofanira kuvhurwa nomukati.” Kana tikashumira Jehovha nerudo zvichibva pamwoyo, tinenge tatovhura dhoo iroro. Patinodaro, tinenge tichitomupa chipo chinokosha zvikuru chekuva vakaperera kwaari, uye izvozvo zvinoita kuti mwoyo wake ufare. Zvechokwadi hakuna chingaenzaniswa nemufaro watinowana patinonamata Jehovha.—Mabasa 20:35; Zvakazarurwa 4:11.

Paunotangazve kunamata Jehovha, chido chako chekuziva nezvaMwari chichazadziswa. (Mateu 5:3) Zvinodaro sei? Vanhu vari munyika vanonetseka kuti, ‘Tiri kumboitei panyika pano?’ Vane nzara yekuda kuziva chinangwa cheupenyu. Vanodaro nekuti Jehovha akasika vanhu vaine chido ichocho. Akatisika kuti tinakidzwe nekumushumira. Hapana chimwe chinhu chingatigutsa kupfuura kuziva kuti tiri kunamata Jehovha zvichibva pamwoyo.—Pisarema 63:1-5.

Tapota, ziva kuti Jehovha anoda chaizvo kuti udzoke kwaari. Ungava sei nechokwadi nazvo? Chimbofunga izvi: Kabhuku kano kakanyorwa pashure pekufungisisa nekunyengetera. Zvichida kakaunzwa kwauri nemumwe mukuru kana kuti nemumwe muKristu. Wakabva wava nechido chekukaverenga uye kushandisa zvirimo. Zvose izvi zvinoratidza kuti Jehovha haana kukukanganwa. Ari kutokubatsira zvinyoro nyoro kuti udzoke kwaari.—Johani 6:44.

Tinogona kunyaradzwa kana tikaziva kuti Jehovha haambokanganwe vashumiri vake vakarasika. Imwe hanzvadzi inonzi Donna yakasvika pakuzvinzwisisa. Yakati: “Ndakasiya chokwadi zvishoma nezvishoma, asi ndaigara ndichifunga Pisarema 139:23, 24, iyo inoti: ‘Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.’ Ndaizviziva kuti kunyika kwandaiva handiko kwakanga kwakandikodzera nekuti ndaishaya pandainyatsokwana, ndaifanira kuva musangano raJehovha. Ndakatanga kuona kuti Jehovha akanga asina kumbondisiya; ini ndini ndaingofanira kutsvaga nzira yekudzoka kwaari. Ndinofara zvikuru kuti ndizvo zvandakaita!”

“Ndakatanga kuona kuti Jehovha akanga asina kumbondisiya; ini ndini ndaingofanira kutsvaga nzira yekudzoka kwaari”

Tinonyengetera nemwoyo wose kuti newewo uwanezve “mufaro waJehovha.” (Nehemiya 8:10) Hauzombofi wakademba kuti wakadzokerei kuna Jehovha.