Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Kumushumiri waJehovha anodiwa:

Sezvaunoziva, Bhaibheri ibhuku rinonyanya kutaura nezvevanhu. Vazhinji vacho vaiva varume nevakadzi vakatendeka vakasangana nematambudziko akafanana needu. Ava vanhu vaiva “nemanzwiro akafanana needu.” (Jakobho 5:17) Vamwe vairemerwawo nematambudziko uye vaizvidya mwoyo. Vamwe vakarwadziswa chaizvo nevemumhuri mavo kana kuti nevavainamata navo. Uye vazhinji vairamba vachizvipa mhosva nemhaka yekukanganisa kwavakamboita.

Vanhu ivavo vakanga vasiya Jehovha zvachose here? Kwete. Vazhinji vakanga vakaita semunyori wepisarema akanyengetera kuti: “Ndakadzungaira segwai rarasika. . . . Tsvakai mushumiri wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.” (Pisarema 119:176) Unombonzwawo saizvozvo here?

Jehovha haambokanganwi vashumiri vake vanenge vatsauka vachibuda mudanga remakwai ake. Anotoramba achiedza kuvabatsira achishandisa vavanonamata navo. Somuenzaniso, funga kuti Jehovha akabatsira sei mushumiri wake Jobho, uyo akawirwa nematambudziko akawanda kusanganisira kurasikirwa nepfuma, kufirwa uye kurwara zvakaipisisa. Jobho akarwadziswawo nemashoko aitaurwa nevanhu vaitofanira kunge vari ivo vaimusimbisa. Kunyange zvazvo pane imwe nguva akambofunga zvisiri izvo, Jobho haana kusiya Jehovha. (Jobho 1:22; 2:10) Jehovha akabatsira sei Jobho kuti achinje maonero aaiita zvinhu?

Mumwe munhu akashandiswa naJehovha kubatsira Jobho ndiErihu uyo aishumirawo Mwari. Jobho paaitaura zvaimunetsa, Erihu akateerera izvo zvakazomuita kuti ade kuzotaurawo. Akatii? Akamukurudzira kuti aite zvakanaka achiita zvekumunyadzisa kana zvekumushora here? Erihu akazviona seari nani kupfuura Jobho here? Kana! Achitungamirirwa nemweya waMwari, Erihu akati: “Ndakangoitawo sezvawakaita kuna Mwari wechokwadi; neniwo ndakaumbwa nevhu.” Akabva asimbisa Jobho achiti: “Handina chinotyisa [pandiri] chingakutyisa, uye handina chinomanikidza chingakuremera.” (Jobho 33:6, 7) Erihu haana kuwedzera kurwadzisa Jobho, asi akamutsiura nerudo uye akamukurudzira.

Tinoda kuti uzive kuti zvakaitwa naErihu ndizvo zvatakaitawo patainyora kabhuku kano. Takatanga tateerera, tichifungisisa mamiriro ezvinhu uye zvakataurwa nevakawanda vakambotsaukawo pakunamata. (Zvirevo 18:13) Zvadaro takaongorora Magwaro, tichinyatsofungisisa nhoroondo dzinotaura nezvekubatsira kwakaita Jehovha vashumiri vake vekare vakasangana nemamiriro ezvinhu akadaro. Takazobatanidza nhoroondo idzodzo dzemuMagwaro nezvakaitika kune vamwe mazuva ano tikabva tanyora kabhuku kano. Tinokukurudzira kuti ukadzidze. Iva nechokwadi chekuti tinokuda chaizvo.

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha