Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 4

Kuzvipa Mhosva​—⁠“Ndichenesei Pachivi Changu”

Kuzvipa Mhosva​—⁠“Ndichenesei Pachivi Changu”

“Basa randakanga ndawana rakaita kuti mhuri yedu ive nekaupenyu kari nani, asi rakaitawo kuti nditange kuita zvinhu zvakasiyana-siyana zvisina kunaka. Ndakatanga kupemberera mazororo, kuita zvematongerwo enyika, uye kunyange kutoenda kuchechi. Ndakaita makore 40 ndisingaiti mabasa echiKristu anoitwa neZvapupu zvaJehovha. Nekufamba kwaiita nguva, ndakasvika pakufunga kuti hazvichaita kuti Jehovha andikanganwire. Ndaigara ndichingozvipa mhosva nekuti ndakanga ndasiya chokwadi ndikabva ndatanga kuita zvakaipa nemaune.”—Martha.

KUZVIPA mhosva kunogona kuva mutoro unorema zvikuru. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Kukanganisa kwangu kwapfuura musoro wangu; kuri kundiremera kwazvo somutoro unorema.” (Pisarema 38:4) Vamwe vaKristu vakasvika pakukurirwa nekusuruvara nekuti vaifunga kuti Jehovha haangambovaregerera. (2 VaKorinde 2:7) Asi ichokwadi here ichocho? Kunyange kana wakaita zvivi zvikuru, zvinoreva here kuti wava kure naJehovha zvokuti haazombokukanganwiri? Handizvo!

‘Uya Tiruramise Zvinhu’

Jehovha haarasi vatadzi vanenge vapfidza. Ndiye anototanga kuedza kuvabatsira! Mumufananidzo wemwanakomana mupambadzi, Jesu akafananidza Jehovha nababa vane rudo vane mwanakomana akabva pamba akatanga kurarama upenyu hwakaipa kwazvo. Papera mazuva, mwanakomana uyu akazofunga kudzoka kumba. “[Mwanakomana wacho] achiri kure, baba vake vakamuona, vakasiririswa, vakamhanya, vakawira pamutsipa wake, vakamutsvoda zvinyoronyoro.” (Ruka 15:11-20) Une chido chekuswedera pedyo naJehovha asi uchinzwa sekuti ‘uchiri kure’ naye here? Sezvakaita baba vemumufananidzo waJesu, Jehovha anosiririswa newe. Anoda chaizvo kukugamuchira kana ukadzoka kwaari.

Ko kana uchifunga kuti zvivi zvako zvakanyanya kukura kana kuwandisa zvokuti Jehovha haangakuregereri? Chimbofunga mashoko aJehovha ari pana Isaya 1:18 anoti: “‘Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,’ anodaro Jehovha. ‘Kunyange zvivi zvenyu zvikava somucheka wakati piriviri, zvichacheneswa sechando.’” Saka kunyange zvivi zvinoita sezvisingadzimiki, kufanana neruvara rutsvuku ruri pahembe chena, zvinogona kuregererwa naJehovha.

Jehovha haadi kuti hana yako irambe ichikutambudza. Saka zvii zvaungaita kuti uwane zororo rinobva pakukanganwirwa naMwari uye pakuva nehana yakachena? Funga nezvezvinhu zviviri zvakaitwa naMambo Dhavhidhi. Kutanga, akati: “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.” (Pisarema 32:5) Yeuka kuti Jehovha akatokukumbira kuti unyengetere kwaari kuitira kuti ‘ururamise zvinhu’ naye. Bvuma kuita izvozvo. Reurura zvivi zvako kuna Jehovha uye muudze zviri kutsi kwemwoyo wako. Zvakaitika muupenyu hwaDhavhidhi zvakaita kuti akwanise kuzonyengetera aine chivimbo achiti: “Ndichenesei pachivi changu. . . . Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.”—Pisarema 51:2, 17.

Chechipiri, Dhavhidhi akabatsirwa nemuprofita Natani uyo aiva mumiririri waMwari akagadzwa. (2 Samueri 12:13) Mazuva ano, Jehovha akatipa vakuru veungano avo vakadzidziswa kuti vabatsire vatadzi vanopfidza kuti vamutsiridze ushamwari hwavo naJehovha. Kana ukataura nevakuru ivavo, vachashandisa Magwaro uye vachanyengetera kuti vanyaradze mwoyo wako, vakubatsire kuti usarambe uchizvipa mhosva, uye kuti usimbe mune zvekunamata.—Jakobho 5:14-16.

Jehovha anoda kuti uwane rusununguko runobva pakuva nehana yakachena

“Anofara Munhu Anoregererwa”

Zvimwe unoona zvichikuomera zvikuru kureurura zvivi zvako kuna Jehovha Mwari uye kutaura nevakuru. Izvozvo zvinonzwisisika. Dhavhidhi akatombonzwawo saizvozvo. Akatombotora nguva ‘akanyarara,’ asingadi kureurura zvivi zvake. (Pisarema 32:3) Asi akazonzwisisa zvakanakira kureurura zvivi zvake uye kugadzirisa nzira dzake.

Chimwe chakanakira kureurura kwakaita Dhavhidhi ndechekuti akavazve nemufaro. Akanyora kuti: “Anofara munhu anoregererwa kumukira [kana kuti kukanganisa] kwake, ane chivi chinofukidzwa.” (Pisarema 32:1) Akanyengeterawo achiti: “Haiwa Jehovha, vhurai miromo yangu iyi, kuti muromo wangu uzivise kurumbidzwa kwenyu.” (Pisarema 51:15) Sezvo akanga asunungurwa pachivi chake, Dhavhidhi akanga ava kuonga Jehovha saka ainzwa achida kuudza vamwe nezvake.

Jehovha anoda kuti uwane rusununguko runobva pakuva nehana yakachena. Uye anoda kuti uudze vamwe nezvake uye nezvezvinangwa zvake nemufaro uye zvichibva pasi pemwoyo kwete nehana iri kuremerwa nezvivi. (Pisarema 65:1-4) Yeuka kuti ari kukukumbira “kuti zvivi zvako zvidzimwe, kuti mwaka yokusimbaradzwa iuye ichibva kuna iye Jehovha.”—Mabasa 3:19.

Izvi ndizvo zvakaitika kuna Martha. Anoti: “Mwanakomana wangu aigara achinditumira magazini eNharireyomurindi neMukai! Zvishoma nezvishoma, ushamwari hwangu naJehovha hwakatangazve kusimba. Chainyanya kundiomera pakudzoka kuna Jehovha kwaiva kumukumbira kuti andiregerere zvivi zvose zvandakaita. Asi ndakazongozvishingisa ndikanyengetera kwaari ndichikumbira kuti andiregerere. Zvakaoma kufunga kuti ndakaita makore 40 ndisati ndadzoka kuna Jehovha. Zvakaitika kwandiri zvinonyatsoratidza kuti kunyange papera makore akawanda, munhu anogona kupiwazve mukana naMwari wekuti amushumire uye kuti ave murudo rwake.”