Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhedziso

Mhedziso

Unomboita nguva yaunofunga nezvekunakidzwa kwawaiitwa uine vanhu vaJehovha here? Zvimwe unoyeuka mumwe musangano weungano kana kuti gungano raikurudzira, chimwe chinhu chinofadza chakaitika uchiparidza kana kuti kungotaurawo neimwe hama kana kuti hanzvadzi. Hauna kukanganwa Jehovha, uye iye haana kukukanganwawo. Anoyeuka nezvekumushumira kwawaiita wakatendeka. Uye ane chido chekukubatsira kuti udzoke kwaari.

Jehovha anoti: “Ini pachangu, ndichatsvaka makwai angu, ndoatarisira. Ndichatarisira makwai angu sokutarisira kunoita munhu anofudza boka rake pazuva raanova pakati pemakwai ake akapararira kwose kwose, ndiko kutarisira kwandichaita makwai angu; uye ndichaanunura abve munzvimbo dzose dzaakapararira.”—Ezekieri 34:11, 12.