Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

Kuzvidya Mwoyo—“Tinomanikidzwa Munzira Dzose”

Kuzvidya Mwoyo—“Tinomanikidzwa Munzira Dzose”

“Ndakarambana nemurume wangu wandakanga ndava nemakore 25 naye. Vana vangu vakasiya chokwadi. Ndakatanga kurwara nezvirwere zvakaipisisa zvakasiyana-siyana, kusanganisira chirwere chekuora mwoyo chinonzi depression. Ndakapererwa zvekusakwanisa kana kuita chimwe chinhu. Ndakabva ndarega kupinda misangano nekuita basa rekuparidza.”—June.

VANHU vose vanombozvidyawo mwoyo, kunyange vanhu vaMwari. Mumwe munyori wepisarema akanyora kuti: ‘Pfungwa dzinonetsa dzakawanda mukati mangu.’ (Pisarema 94:19) Uye Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu” kwaizoita kuti vanhu vaomerwe nekushumira Jehovha. (Ruka 21:34) Ko iwe? Matambudziko emari, emumhuri kana kuti eutano, ari kukukurira here? Jehovha angakubatsira sei kuti utsungirire matambudziko aya?

“Simba Rinopfuura Renguva Dzose”

Hatikwanise kukurira dambudziko rekuzvidya mwoyo tiri tega. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinomanikidzwa munzira dzose, . . . tinovhiringidzika . . . ; tinopunzirwa pasi.” Asi akataurawo kuti “hatimanikidziki zvokusagona kufamba,” hativhiringidziki “zvokushaya pokubuda napo zvachose,” uye “hatiparadzwi.” Chii chinotibatsira kutsungirira? Isimba rinobva kuna Jehovha, Mwari wedu wemasimbaose, “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinde 4:7-9.

Chimbofunga kuti Jehovha akambokupa sei “simba rinopfuura renguva dzose.” Uchiri kuyeuka here kuti imwe hurukuro inokurudzira yakakubatsira sei kuti uwedzere kuonga kwaunoita rudo rwaJehovha? Kutenda kwako zvinhu zvakavimbiswa naJehovha kwakawedzera kusimba here pawakadzidzisa vamwe nezvetariro yeParadhiso? Patinopinda misangano uye patinoudza vamwe zvatinotenda, tinowana simba rinotibatsira kutsungirira matambudziko eupenyu uye pfungwa dzedu dzinogadzikana, toshumira Jehovha tichifara.

“Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

Zvinonzwisisika kuti pamwe uri kushaya kuti woita zvipi. Somuenzaniso, Jehovha anoda kuti titange kutsvaka Umambo uye kuti tigare tichiita mabasa echiKristu. (Mateu 6:33; Ruka 13:24) Asi ngatitii uri kutadziswa kunyatsoita zvinhu izvi nemhaka yekupikiswa, utano husina kutsarukana kana kuti matambudziko emhuri. Kana kuti zvichida basa rako riri kuita kuti usare usisina nguva kana simba rekuti uwadzane neungano. Wawandirwa kudaro, apa usina nguva nesimba rekuzviita zvose, unogona kunzwa wapererwa. Pamwe wakatombofunga kuti Jehovha ari kuda kuti uite zvakawanda kupfuura zvaunokwanisa.

Jehovha ndiMwari anonzwisisa. Haambotarisiri kuti tiite zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa. Anozivawo kuti kana tikasangana nezvinhu zvinotipedza simba kana kuti zvinoita kuti tinetseke mupfungwa, zvinotora nguva kuti tinyatsosimba zvekare.—Pisarema 103:13, 14.

Somuenzaniso, chimbofunga kuti Jehovha akabatsira sei muprofita Eriya. Eriya paakamboora mwoyo uye paakatizira kurenje nokutya, Jehovha akamutsiura kana kumuudza kuti akurumidze kudzokera kubasa rake here? Aiwa. Akatotumira ngirozi kaviri kuti imumutse zvinyoronyoro uye kuti imupe zvokudya. Asi kunyange pashure pemazuva 40, Eriya akanga achiri kungozvidya mwoyo uye aitya. Jehovha akaitei zvekare kuti amubatsire? Chekutanga, akamuratidza kuti aikwanisa kumudzivirira. Chechipiri, Jehovha akanyaradza Eriya nenzwi “rakadzikama, raiva pasi pasi.” Jehovha akazopedzisa nekumuudza kuti kwaiva nezvimwe zviuru zvevanhu zvakanga zvichiri kushumira Mwari zvakatendeka. Pasina nguva, Eriya akatangazve kuita basa rake reuprofita achishingaira. (1 Madzimambo 19:1-19) Tinodzidzei? Eriya paakanga akurirwa nekuzvidya mwoyo, Jehovha akamubata nemwoyo murefu achimunzwira tsitsi. Jehovha haana kuchinja. Ndiwo madiro aanotiitawo iwayo.

Paunenge uchifunga nezvezvaungaitira Jehovha ziva kuti haukwanise kubva waita zvose kamwe chete. Usaenzanisa zvaunokwanisa kuita iye zvino nezvawaimboita kare. Somuenzaniso, mumhanyi anenge amboita mwedzi kana kuti makore akati kuti asingasimbisi muviri wake haangabve angotangazve kumhanya sezvaaiita. Anototanga nekuita zvinhu zvidiki zvinomubatsira kuti asimbise muviri wake zvakare. VaKristu vakaita sevamhanyi. Vanozvisimbisa vaine chinangwa chavanenge vachida kusvitsa. (1 VaKorinde 9:24-27) Wadii kuva nechinangwa chimwe chete panyaya dzekunamata chaunokwanisa kuzadzisa iye zvino? Somuenzaniso, unogona kutanga nechinangwa chekupinda musangano weungano. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuzadzisa chinangwa chako. Sezvaunosimbazve pakunamata, ‘ucharavira woona kuti Jehovha akanaka.’ (Pisarema 34:8) Yeuka kuti Jehovha anokoshesa zvose zvaunoita pakumuratidza kuti unomuda, kunyange zvingaita sezvinhu zvidiki.—Ruka 21:1-4.

Jehovha haambotarisiri kuti tiite zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa

“Rakandipa Simba Rekudzoka Kuna Jehovha”

Jehovha akabatsira sei June kuti awane simba rekudzoka kwaari? Akataura kuti: “Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti andibatsire. Muroora wangu akabva andiudza nezvegungano raizoitirwa muguta randinogara. Ndakafunga kungopinda zuva rimwe chete. Zvaifadza chaizvo kuvazve pakati pevanhu vaJehovha! Gungano iroro rakandipa simba rekudzoka kuna Jehovha. Iye zvino ndava kumushumira ndichifara. Upenyu hwangu hwava nechinangwa. Ndava kunyatsoziva kuti kuzviparadzanisa nevamwe kana kuti kuita zano ndega hakuna zvakunobatsira. Ndinotenda Jehovha kuti akaita kuti ndidzoke nguva ichiripo.”