Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 1

“Ndichatsvaka Rakarasika”

“Ndichatsvaka Rakarasika”

Gwai riri kudzungaira. Zvichida rarasana nemamwe paranga richifura. Iye zvino riri kushaya mamwe aro nemufudzi waro. Kwava kuda kusviba. Riri musango mune zvikara uye harina chinoridzivirira. Rinozonzwa inzwi rarinoziva, inzwi remufudzi, uyo anomhanya kwariri oritakura obva ariputira nejira rekumupendero kwenguo yake, oenda naro kumba.

JEHOVHA anowanzozvifananidza nemufudzi akadaro. MuShoko rake anotivimbisa kuti: “Ini pachangu, ndichatsvaka makwai angu, ndoatarisira.”—Ezekieri 34:11, 12.

“Makwai Emafuro Angu”

Makwai emafuro aJehovha ndivanaani? Tingangoti ndevaya vanomuda uye vanomunamata. Bhaibheri rinoti: “Ngatinamatei tikotame; ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu. Nokuti iye ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vemafuro ake nemakwai oruoko rwake.” (Pisarema 95:6, 7) Kufanana nemakwai chaiwo anotevera mufudzi wawo, vashumiri vaJehovha vanoda chaizvo kutevera Mufudzi wavo. Vanombokanganisawo here? Hongu. Dzimwe nguva vashumiri vaMwari vanomboita ‘semakwai akapararira’ uye ‘semakwai akarasika.’ (Ezekieri 34:12; Mateu 15:24; 1 Petro 2:25) Asi kunyange kana munhu akamborasika, Jehovha anoramba aine tariro yekuti achadzoka kwaari.

Uchiri kuona Jehovha seMufudzi wako here? Jehovha ari kuratidza sei kuti Mufudzi mazuva ano? Ongorora nzira nhatu dzinotevera:

Anotipa zvokudya zvinotisimbisa pakunamata. Jehovha anoti: “Ndichaafudza mumafuro akanaka. . . . Acharara ikoko munzvimbo yokugara yakanaka, uye achafura mumafuro akasvibirira.” (Ezekieri 34:14) Jehovha haasati ambokundikana kutipa zvekudya zvinozorodza uye zvinosimbisa pakunamata zvakasiyana-siyana panguva yakakodzera. Unoyeuka here imwe nyaya yawakaverenga, hurukuro kana kuti vhidhiyo yakapindura munyengetero wako? Hazvina kunyatsokuratidza here kuti Jehovha anokuda?

Anotidzivirira uye anotitsigira. Jehovha anovimbisa kuti: “Ndichatsvaka rakarasika, ndichadzosa rakatsauka, ndichamonera jira pane riya rakatyoka, ndichasimbisa rinorwara.” (Ezekieri 34:16) Jehovha anosimbisa vaya vakaremerwa nekuzvidya mwoyo. Anomonera makwai ake nejira achiabatsira kuti apore kana akuvadzwa, kunyange nevamwe vavanonamata navo. Uye anodzosa vaya vakarasika uye vanogona kunge vaine zvinovatambudza mupfungwa.

Anoziva kuti ndiye muchengeti wedu. Jehovha anoti: “Ndichaanunura abve munzvimbo dzose dzaakapararira. . . . Ndichatsvaka rakarasika.” (Ezekieri 34:12, 16) Jehovha haaone gwai rakarasika serisingachabatsirike zvachose. Anoziva kana paine gwai rinenge rarasika obva aritsvaka, uye anofara paanoriwana. (Mateu 18:12-14) Anotodana vashumiri vake vechokwadi achiti “makwai emafuro angu.” (Ezekieri 34:31) Ndiwe rimwe remakwai acho.

Jehovha haaone gwai rakarasika serisingachabatsirike zvachose. Anofara gwai iroro parinowanikwa

“Tiunzirei Mazuva Matsva Sekare Kare”

Nei Jehovha ari kukutsvaka uye ari kukukumbira kuti udzoke kwaari? Nekuti ari kuda kuti ufare. Anovimbisa kuti makomborero ‘achaita semvura inonaya’ pamakwai ake. (Ezekieri 34:26) Mashoko iwaya haawiri pasi. Wakatozvionera muupenyu hwako kuti vimbiso iyoyo ndeyechokwadi.

Yeuka zvakaitika pawakatanga kuziva Jehovha. Somuenzaniso, wakanzwa sei pawakatanga kudzidza chokwadi chinofadza nezvezita raMwari uye chinangwa chaakasikira vanhu? Unoyeuka here kufadza kwazvaiita kubatana nevamwe vaKristu pamagungano? Pawakamboparidza mashoko akanaka kune mumwe munhu ainyatsofarira, hauna kudzokera kumba uchifara uye uchinzwa kugutsikana here?

Unogona kuwanazve mufaro iwoyo. Vamwe vashumiri vaMwari vekare vakanyengetera vachiti: “Haiwa Jehovha, tidzosei kwamuri uye tichabva tadzoka. Tiunzirei mazuva matsva sekare kare.” (Mariro 5:21) Jehovha akapindura munyengetero iwoyo, uye vanhu vake vakatangazve kumushumira vachifara. (Nehemiya 8:17) Jehovha achaitawo kuti ufare saizvozvo.

Kunyange zvakadaro, hazvisi nyore kudzoka kuna Jehovha. Ona zvimwe zvinhu zvinogona kuita kuti zviome kudzoka kwaari uye kuti ungazvikunda sei.