Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Kune Vachapinda

Mashoko Kune Vachapinda

MISANGANO INOKOSHA

BASA REPABHETERI Vaparidzi vakabhabhatidzwa vane makore 35 zvichidzika uye vanofarira basa repaBheteri vanofanira kuronga kuti vapinde musangano wevanoda kushanda paBheteri uchaitwa musi weChishanu masikati. Nzvimbo ichaitirwa musangano uyu uye nguva yacho zvichaziviswa.

CHIKORO CHEVAZIVISI VEMASHOKO OUMAMBO Mapiyona ane makore ari pakati pe23 ne65 anoda kuwedzera ushumiri hwawo anokokwa kuti azopinda musangano wevanoda kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo musi weSvondo masikati. Nzvimbo ichaitirwa musangano uyu uye nguva yacho zvichaziviswa.

MASHOKO KUNE VACHAPINDA

BASA ROKUZVIPIRA Kana muchida kuzvipira kubatsira pabasa rine chekuita negungano, tapota endai kuDhipatimendi reMashoko Nevazvipiri.

FIRST AID Tapota yeukai kuti NDEYEKURAPA ZVINODA KUKURUMIDZIRWA CHETE.

KUBHABHATIDZWA Nzvimbo yokugara yakachengeterwa vachabhabhatidzwa ichava munhandare pakatarisana nechikuva asi kana pakaita zvachinja muchaziviswa nguva ichiripo. Vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kunge vagara munzvimbo yavakachengeterwa, hurukuro yekubhabhatidzwa isati yatanga musi weMugovera mangwanani. Mumwe nemumwe anofanira kuuya netauro nechipfeko chekubhabhatidzwa nacho chine mwero.

MARI YEZVIPO Pakashandiswa mari yakati wandei kuti pave neurongwa hwekuti pave nepekugara pakakwana, gudzanzwi, michina yekuonesa mavhidhiyo nezvimwe zvakawanda zvinoita kuti tinakidzwe nekupinda gungano uye tibatsirwe kuswedera pedyo naJehovha. Mari yezvipo yamunopa inobatsira kubhadhara zvinhu izvi uyewo kutsigira basa remunyika yese. Kuti zvikuitirei nyore, mabhokisi emari yezvipo akanyorwa zvakajeka anowanikwa panzvimbo yese yegungano. Mari yese yezvipo inoongwa chaizvo. Dare Rinotungamirira rinoda kukuongai nekupa kwamunoita muchitsigira zvinhu zvine chekuita neUmambo.

POKUGARA Tapota fungaiwo vamwe. Yeukai kuti munogona kuchengetera pokugara vaya vamungave muchifamba navo, vamabva navo kumba kana kuti vamuri kudzidza navo Bhaibheri. Tapota musaisa zvinhu panzvimbo dzamusiri kubatira vamwe.

VARINDIRI Varindiri varipo kuti vakubatsirei. Nyatsotevedzerai zvavanokuudzai panyaya yepokupaka motokari, kudzora vanhu, kuchengetera vamwe pokugara, uye pane zvimwewo.

ZVAKARASIKA NEZVAKAWANIKWA Zvinhu zvose zvinenge zvawanikwa zvinofanira kuendeswa kuDhipatimendi Rezvakarasika Nezvakawanikwa. Kana paine chamunenge marasa, endai kudhipatimendi iri munoona kana kuine zvinhu zvenyu. Vana vanenge vachingodzungaira vasina vabereki uye vanenge varasika vanofanira kuendeswa kudhipatimendi iri. Zvisinei, dhipatimendi iri harifaniri kuonekwa senzvimbo yokuchengetera vana. Tapota chengetai vana venyu, uye rambai muinavo.

Rakarongwa neDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha