Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

CHIDZIDZO 10

Nyatsozvipira Pakuita Basa Rako

Nyatsozvipira Pakuita Basa Rako

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Takanga tisingadi kungokupai mashoko akanaka aMwari chete, asi taidawo kutokupai upenyu hwedu pachedu, nekuti taikudai chaizvo.”—1 VaT. 2:8.

Jesu Akazviratidza Sei?

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 3:​1, 2, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1.    Chii chingadaro chakaita kuti Nikodhimo aende kuna Jesu usiku?—Ona Joh. 12:​42, 43.

  2.   Kubvuma kwakaita Jesu kukurukura naNikodhimo usiku kunoratidza sei kuti akanga akazvipira pabasa rake?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Tinoratidza kuti tinoda vanhu nekunyatsozvipira kuvabatsira kuti vave vadzidzi.

Tevedzera Jesu

3. Dzidzai panguva nenzvimbo zvakanakira wauri kudzidza naye Bhaibheri. Anogona kunge achida kudzidza masikati kana kuti usiku kana kuti pane rimwe zuva muvhiki. Anoona zvichinyanya kumuitira kudzidzira kubasa kwake here, kumba kwake here, kana kuti pane imwe nzvimbo inosangana veruzhinji? Ita zvese zvaunogona kuti uite zvinoenderana nezvakamunakira.

4. Musapote muchipotsa zvidzidzo. Kana uchiziva kuti unenge usipo, iva nechokwadi chekuti chidzidzo chinoenderera mberi. Funga zvinotevera:

  1.    Munogona kudzidza rimwe zuva here revhiki iroro?

  2.   Unogona kudzidza naye pafoni here?

  3.   Unogona kukumbira mumwe muparidzi kuti aitise chidzidzo chacho here?

5. Nyengetera kuti urambe wakazvipira. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti urambe wakazvipira kubatsira mudzidzi wako kunyange kana zviri kumuomera kugara achidzidza kana kushandisa zvaari kudzidza muMagwaro. (VaF. 2:13) Pamwe munhu wauri kudzidzisa anotova nezvimwe zvinhu zvakanaka zvaari kuita; nyengetera kuti uise pfungwa dzako pazviri.