KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU
CHIDZIDZO 6
Usatye Munhu
Rugwaro rwuri kutungamirira: “Takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari.”—1 VaT. 2:2.
Jesu Akazviita Sei?
1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Ruka 19:1-7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:
Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
2. Tinofanira kuzvishingisa kuti tiparidzire mashoko eUmambo tisingasarure vanhu.
Tevedzera Jesu
3. Vimba naJehovha. Mweya waMwari wakapa Jesu simba rekuparidza, uye unogona kukupawo iwe simba iroro. (Mat. 10:19, 20; Ruka 4:18) Kumbira Jehovha kuti akushingise kuparidzira vanhu vaungaona sevanotyisa.—Mab. 4:29.
4. Usafungira munhu usati wataura naye. Tinogona kutya kutaura nemunhu pamusana pezvaakaita, chinzvimbo chaainacho, mari yake, kana kuti zvaanotenda. Asi yeuka kuti:
5. Usatye munhu, asi ngwarira matauriro aunoita. (Mat. 10:16) Usaitisana nharo nemunhu. Misa nyaya yacho zvakanakanaka kana ukaona kuti haasi kuteerera kana kuti ari kukuitira hasha.—Zvir. 17:14.